Nharireyomurindi naMukai!—Magazini Akakodzera Nguva Ezvokwadi
“Makandidzikinura Jehovha, imi Mwari wazvokwadi.” —PISAREMA 31:5.
1, 2. (a) Imwe hanzvadzi yakanzwa sei pamusoro pechimwe chinhu yakarava muNharireyomurindi? (b) Mibvunzoi inobvunzwa pamusoro pamagazini edu?
“NNDINOKUONGAI zvikuru kwazvo,” yakanyora kudaro imwe hanzvadzi yechiKristu, “nokuda kwamashoko anoshamisa ari munyaya yeNharireyomurindi inoti ‘Unogona Kuwana Nyaradzo Munguva Dzenhamo.’a Akawanda kwazvo amapfundo amakaburitsa akanga iri zvomenemene mirangariro yandaifanira kubata nayo; kwakaita sokunge iyi nyaya yakandinyorerwa zvakananga. Nguva yokutanga yandakairava, ndakava nemisodzi mumaziso angu. Kunoshamisa kwazvo kuziva kuti mumwe munhuwo zvake anoziva manzwire andinoita! Ndinotenda zvikuru kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndokupizve kwatinogona kuwana vimbiso dzoupenyu husingaperi muParadhiso munguva yemberi iri pedyo uye, zvino, nyaradzo yomweya yedu! Ndinokuongai. Ndinokuongai kasingaverengeki.”
2 Wakamborangarira nenzira iyoyo here? Kwakamboratidzika here kuti chimwe chinhu chiri muNharireyomurindi kana kuti magazini biyayo, Mukai!, chakanyorerwa zvikurukuru iwe? Chii chiri pamusoro pamagazini edu chinofadza mwoyo yavanhu? Tinogona sei kubetsera vamwe kuti vabetserwe neshoko rinopa upenyu iro anawo?—1 Timotio 4:16.
Magazini Anotsigira Zvokwadi
3. Magazini eNharireyomurindi naMukai! akatapura mwoyo yavaravi vazhinji nokuda kwechikonzeroi chakanaka?
3 Jehovha ndi“Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Shoko rake, Bhaibheri, ibhuku rezvokwadi. (Johane 17:17) Vanhu vane mwoyo yakatendeseka vanogamuchira zvokwadi. (Enzanisa naJohane 4:23, 24.) Chikonzero chimwe nei Nharireyomurindi naMukai! zvakaorora mwoyo yamamirioni avaravi ndechokuti magazini eperero nezvokwadi. Kutaura idi, Nharireyomurindi yakavamba kubudiswa nemhaka yenhau yoruvimbiko kuzvokwadi dzeBhaibheri.
4, 5. (a) Ndeipi yaiva migariro yakatungamirira kubudisa kwaC. T. Russell Watch Tower? (b) Magazini yeNharireyomurindi inoshandiswa sei no“muranda akatendeka naakachenjera”?
4 Muna 1876, Charles T. Russell akabatana naNelson H. Barbour, weRochester, New York. Russell akagovera mari yokumutsiridza kutsikirirwa kwamagazini yaBarbour Herald of the Morning, yaiva naBarbour somupepeti wenhau mukuru uye Russell somutevedzeri womupepeti wenhau. Rinenge gore nehafu gare gare, zvisinei, muchinyorwa chaAugust cheHerald, Barbour akanyora nyaya iyo yakaramba ukoshi hunodzikinura hwerufu rwaKristu. Russell, uyo akanga ari muduku naanodokusvika makore 30 kuna Barbour, akapindura neimwe nyaya muchinyorwa chakatevera chimene chakatsigira rudzikinuro, urwo akanongedzera kwarwuri se“imwe yedzidziso dzinokosha zvikurusa dzeShoko raMwari.” (Mateo 20:28) Pashure penhamburiko dzakadzokororwa dzokurangarira nenzira yapaMagwaro naBarbour, Russell pakupedzisira akasarudza kugura batano dzose neHerald. Kuvamba nechinyorwa chaJune 1879 chamagazini iyoyo, zita raRussell harina kuonekazve somutevedzeri womupepeti wenhau. Mwedzi gare gare, Russell aiva namakore 27 okukura akavamba kubudisa Zion’s Watch Tower and Herald of Christ’s Presence (zvino yozivikanwa seNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha), iyo kubva pakuvamba yakatsigira zvokwadi dzapaMagwaro, dzakadai sorudzikinuro.
5 Kwamakore 114 apfuura, Nharireyomurindi, kufanana negweta rine unyanzvi, yakazvisimbisa imene somudziviriri wezvokwadi nedzidziso zveBhaibheri. Mukudaro, yakawana chivimbo chamamirioni avaravi vanoonga. Ichiri kutsigira zvakasimba rudzikinuro. (Ona, somuenzaniso, chinyorwa chaFebruary 15, 1991.) Uye inopfuurira kuva chishandiso chikuru cho“muranda akatendeka naakachenjera” noMutumbi Unodzora wake chokuzivisa Umambo hwaJehovha hwakagadzwa nokugovera zvokudya zvomudzimu “panguva yakafanira.”—Mateo 24:14, 45, NW.
6, 7. Nderipi raiva donzo rakataurwa reThe Golden Age, uye chii chinoratidza kuti vanhu vanofunga vakadavidza kushoko rayo?
6 Zvakadiniko nemagazini yaMukai!? Kubva pakuvamba kwake, Mukai! akatsigirawo zvokwadi. Pakuvamba ichinzi The Golden Age, iyi magazini yakagadzirirwa kuparadzirwa kuvose. Pamusoro pedonzo rayo, chinyorwa chokutanga, chomusi waOctober 1, 1919, chakati: “Donzo rayo nderokutsanangura muchiedza chouchenjeri hwouMwari revo yechokwadi yezvinoitika zvikuru zvezuva ranhasi uye kubvumikisa kundangariro dzinofunga kupfurikidza noufakazi husingapokanidziki nohunopwisa kuti nguva yezvikomborero zvakakura zvikuru zvorudzi rwomunhu zvino yava pedyo.” Vanhu vanofunga vakapindura iri shoko reThe Golden Age. Kwamakore anoverengeka, kuparadzirwa kwayo kwakanga kutori kukuru zvikuru kupfuura uko kweNharireyomurindi.b
7 Kufadza kweNharireyomurindi naMukai!, zvisinei, kunopfuura idi rokuti anobudisa zvokwadi yedzidziso ndokutsanangura revo youporofita yemigariro yenyika. Zvikurukuru mumakore gumi kana kuti makumi maviri akapfuura, magazini edu akabata mwoyo yavanhu nokuda kwechimwe chikonzerowo.
Nyaya Dzakakodzera Nguva Dzinotapura Upenyu Hwavanhu
8. Judhasi akaita chinjoi yokunyora, achikurudzira varavi vake kudzivisa pesvedzeroi mukati meungano?
8 Anenge makore 30 pashure porufu norumuko zvaJesu Kristu, munyori weBhaibheri Judhasi akatarisana nomugariro unodenha. Varume vane utere, voumhuka vakanga vaverevedza kupinda pakati pamaKristu. Judhasi akanga ada kunyorera maKristu biyake pamusoro penhau yedzidziso—ruponeso urwo maKristu akazodzwa aiva narwo ose. Panzvimbo pezvo, achitungamirirwa nomudzimu mutsvene, akakuwana kuri madikanwa kukurudzira varavi vake kudzivisa pesvedzero dzinoshatisa mukati meungano. (Judhasi 3, 4, 19-23) Judhasi akachinjira kumugariro wacho ndokugovera zano rakakodzera nguva rakasvitsa zvinodikanwa zvehama dzake dzechiKristu.
9. Chii chinobatanidzwa mukugovera nyaya dzakakodzera nguva dzamagazini edu?
9 Nenzira yakafanana, kugadzirira nyaya dzakakodzera nguva dzemagazini edu mutoro unodenha. Nguva dzinochinja, uye ndozvinoitawo vanhu—zvinodikanwa zvavo nefariro dzavo hazvisi zvazvakanga zviri kunyange makore gumi kana kuti makumi maviri apfuura. Mumwe mutariri wedunhu akati misi ichangobva kupfuura iyi: “Apo ndakava Chapupu shure muma 1950, mutoo wedu mukufunda Bhaibheri navanhu wakanga uri zvikurukuru wedzidziso—kuvadzidzisa zvokwadi pamusoro peUtatu, hero yomwoto, mweya, uye zvichingodaro. Asi zvino, kunoratidzika kuti, pane zvinetso nezvitambudzo zvizhinji kwazvo muupenyu hwavanhu zvokuti tinofanira kuvadzidzisa nzira yokurarama nayo.” Nei ikoku kwakadaro?
10. Neiko kusingafaniri kutishamisa kuti pave pane kuipa kwatsiga munhau dzavanhu chifo cha 1914?
10 Pamusoro pa“mazuva okupedzisira,” Bhaibheri rakadeya kutaura, kuti: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.” (2 Timotio 3:1, 13) Naizvozvo, hakufaniri kutishamisa kuti pave pane kuipa kwakatsiga munhau dzavanhu chifo chaapo nguva yomugumo yakavamba muna 1914. Satani, ane nguva yasara iri pfupi zvikuru kupfuura nakare kose, ari kuburitsa hasha dzake pachaunga chomunhu sezvisakamboitika nakare kose. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Somuuyo, tsika nezvinokosha zvemhuri zvakasiana zvikuru neizvo zvakanga zvakaita makore 30 kana kuti 40 chete apfuura. Vanhu vose zvavo havadi zvorudzidziso somumakumi amakore apfuura. Utsotsi hwakapararira kwazvo zvokuti vanhu vari kungwarira kupfuura kwaisanzwiwa nezvako makore 20 kana kuti 30 chete akapfuura.—Mateo 24:12.
11. (a) Mundangariro dzavanhu mune marudzii enhau, uye boka romuranda akatendeka naakachenjera rakaita sei kuzvinodikanwa zvacho? (b) Ipa muenzaniso wenyaya yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! yakatapura upenyu hwako.
11 Hakushamisi, ipapo, kuti nhau dzemirangariro, dzenzanga, uye dzemhuri dziri mundangariro dzavanhu vazhinji. Boka romuranda akatendeka naakachenjera rakapindura noushingi muNharireyomurindi naMukai! kupfurikidza nokubudisa nyaya dzakakodzera nguva dzakabata nezvinodikanwa chaizvoizvo zvavanhu uye dzakatapura zvirokwazvo upenyu hwavo. Rangarira mienzaniso.
12. (a) Neiko nyaya dzemhuri dzine mubereki mumwe dzakagadzirirwa Nharireyomurindi muna 1981? (b) Imwe hanzvadzi yakataura sei kuonga kwayo nyaya dzemhuri dzine mubereki mumwe?
12 Nhau dzemhuri. Apo mishumo yenyika yose yakaratidza wedzero inokurumidza muchiverengero chemhuri dzine mubereki mumwe, nyaya pamusoro unoti “Mhuri Dzine Mubereki Mumwe—Dziri Kugonana Nezvinetso” dzakagadzirirwa chinyorwa cheNharireyomurindi March 15, 1981. Nyaya dzacho dzaiva namadonzo akapetwa kaviri: (1) kubetsera vabereki vamwe kugonana nezvinetso zvechienzi zvavanotarisana nazvo uye (2) kubetsera vamwe kuva vanoziva zviri nani kuti vagone kuratidza “kunzwirana ngoni” uye “kufambira” nenzira yapachokwadi mhuri dzine mubereki mumwe. (1 Petro 3:8; Jakobho 1:27) Varavi vazhinji vakanyora kuti vataure kuonga nokuda kwenyaya dzacho. “Zvirokwazvo kwakaunza misodzi kumaziso angu apo ndakaona butiro racho,” akanyora kudaro mumwe mubereki mumwe, “uye apo ndakazarura magazini yacho ndokurava mashoko, mwoyo wangu wakapfachuka nokuonga kuna Jehovha nokuda kwokugovera mashoko akadaro panguva yaidikanwa.”
13. Ikurukuriranoi yakadzama yokuora mwoyo yakaburitswa muna Mukai! wechiNgezi muna 1981, uye mumwe muravi akatii pamusoro payo?
13 Nhau dzemirangariro. Nhau yokuora mwoyo yakakurukurwa muNharireyomurindi naMukai! chifo chama 1960. (1 VaTesaronika 5:14) Asi murangariro mutsva nowakananga panhau yacho wakatorwa munhevedzano yebutiro “Unogona Kurwisa Kuora Mwoyo!” muna Mukai! wechiNgezi waSeptember 8, 1981. Tsamba dzokuonga dzakakurumidza kudirana muWatch Tower Society dzakabva munyika yose. “Ndinogona sei kunyora papepa kunzwa kuri mumwoyo wangu?” yakanyora kudaro imwe hanzvadzi. “Ndine makore 24 okukura, uye kwamakore gumi apfuura, ndakava nenguva dzakawanda dzokuora mwoyo. Asi zvino ndinonzwa ndiri pedyo zvikuru naJehovha uye ndichionga kuti akapindura zvinodikanwa zvavanhu vakaora mwoyo neidzi nyaya dzorudo, uye ndaida kukuudzai saizvozvo.”
14, 15. (a) Nhau yokubatwa zvisina kufanira kwavana yakabatwa sei nayo mumagazini edu? (b) Inyayai dzamagazini dzakaorora mumwe mutasvi wamabhiza muAustralia?
14 Nhau dzenzanga. Bhaibheri rakadeya kutaura kuti mu“mazuva okupedzisira” vanhu vachava “vanozvida, . . . vasino rudo chairwo, . . . vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka.” (2 Timotio 3:1-3) Naizvozvo, hakufaniri kutishamisa kuti kubatwa zvisina kufanira kwavana kunoitwa pamwero mukuru nhasi. Iyi nhau yakakurukurwa zvapachokwadi munyaya yaiti “Betsero Nokuda Kwavanyajambwa Vevatano Nehama Yokunyama” muNharireyomurindi yaApril 1, 1984. Makore masere gare gare, nhevedzano dzapabutiro dzaiti “Kuporesa Kuvadziko Dzendangariro Dzokubatwa Zvisina Kufanira Kwavana” muna Mukai! No. 4, 1991 kwakasanogadzirirwa kugovera nzwisiso netariro nokuda kwavanyajambwa pamwe chete nokurairidza vamwe kuti vagone kupa rubatsiro runobetsera. Iyi nhevedzano yenyaya yakanyandura davidzo hurusa yavaravi munhau yamagazini edu. Mumwe muravi akanyora, kuti: “Muuyo mukurusa pakunaya kwangu yave iri mifungo inonyaradza nenongedzero dzapaMagwaro zviri munyaya idzi. Kuziva kuti Jehovha haana kutongofunga zvishomanene nezvangu yakanga iri betsero inoorora. Kuziva kuti ndakanga ndisiri ndoga kwainyaradzawo zvakaenzana.”
15 Mumwe mutasvi wamabhiza muMelbourne, Australia, akaridza runhare runoenda kure kuhofisi yeSydney yeWatch Tower Society, achitaura kusemburwa kwake nemhoteredzo yemijaho yamabhiza. Iye akataura kuti akanga achangobva kurava Mukai! March 8, 1993 pamusoro po“Kubatwa Chibharo—Funganyo Yavakadzi” uye aisatongogona kudavira kuti magazini anokosha akadaro aivapo. Iye akabvunza mibvunzo kwamaminiti 30 uye akafadzwa nokunzwa mhinduro dzakapiwa.
16. Unogona kuratidzira kuonga kwako magazini edu munzirai?
16 Zvakadiniko newe? Upenyu hwako hwakatapurwa nenyaya yakananga yakabudiswa muNharireyomurindi kana kuti Mukai! here? Kana zvakadaro, pasina panikiro unonzwa murangariro mukuru wokuonga magazini edu. Unogona sei kuratidzira kuonga kwako? Zvamazvirokwazvo kupfurikidza nokurava chinyorwa chimwe nechimwe iwe umene. Unogonawo kugoverana mukupa aya magazini anokosha paradzirwo yakafara zvikurusa inobvira. Ikoku kunogona sei kuitwa?
Agoverane Navamwe!
17. Chii chinogona ungano kuita kuwedzera kuparadzirwa kwamagazini?
17 Kutanga, pane chimwe chinhu icho ungano imwe neimwe inogona kuita. Chinyorwa chaOctober 1952 cheInformant (zvino Hushumiri Hwedu hwoUmambo) chakati: “Mutoo unoshanda zvikurusa wokuparadzira magazini ndewapaimba neimba uye pachitoro nechitoro. Nokudaro Sosaiti inorumbidza kuti idzi nzira dzokuparadzira magazini dzive rutivi rwenguva dzose rwemubato weZuva raMagazini.” Zano iroro richiri rinoshanda nhasi. Ungano dzingaronga Zuva raMagazini renguva dzose, zuva rinotsaurwa zvikurukuru nokuda kwekupupurira namagazini. Nokuda kweungano zhinjisa, Zvitanhatu zvakarongwa pasina panikiro zvichava nguva yakanaka. Hungu, ungano imwe neimwe ngaitsaure mazuva chaiwo kana kuti manheru nokuda kwekupupurira namagazini—paimba neimba, pachitoro nechitoro, mubasa romumigwagwa, uye kwakamirirwa magazini. Mukuwedzera, chii icho iwe, muparidzi woUmambo, unogona kuita kubetsera kuwedzera kuparadzirwa kwamagazini?
18, 19. (a) Kuziva Nharireyomurindi naMukai! kunogona sei kukubetsera kugovera magazini? (b) Chii chiri betsero yemharidzo pfupi, yakananga pakugovera magazini? (c) Chii chinoratidza ukoshi hwokupinza magazini mumisha yavanhu?
18 Kuziva “Nharireyomurindi” na“Mukai!” ndiyo nhano yokutanga. Rava magazini pachine nguva mberi. Sezvaunorava nyaya imwe neimwe, zvibvunze umene kuti, ‘Nyaya iyi ingafarirwa naani?’ Funga nezvamashoko mashomanene aungagona kutaura kunyandura fariro munyaya. Kunze kwokungotsigira Zuva raMagazini renguva dzose, huregererei kufamba namakopi kuti ushandise zvakanaka banza riri rose rokuagoverana navamwe—pakufamba kana kuti kutenga uye pakutaura kuvashandi biyako, vavakidzani, vokuchikoro biyako, kana kuti vadzidzisi?
19 Ichengete yakapfava chikarakadzo chechipiri. Nharireyomurindi yechiNgezi December 1, 1956, yakati: “Mharidzo pfupi, yakananga ndiyo yakanakisisa pakugovera magazini. Vavariro ndeyokugovera makopi akawanda. Achazvi‘taurira’ amene.” Vamwe vaparidzi vakakuwana kuchishanda kusarudza pfungwa imwe munyaya, kuiisa mumashoko mashomanene, uye kugovera magazini acho. Angopinda mumusha bedzi, magazini anga“taura” kuna vamwe mukuwedzera kumunhu aagamuchira kwauri. MuIreland mumwe mudzidzi muduku wapayunivhesiti akarava chinyorwa chaSeptember 1, 1991, cheNharireyomurindi, icho baba vake vakanga vagamuchira kune chimwe Chapupu. Nyaya pamusoro pekurukurirano nedzimwe nhau dzakanyandura fariro yake. Nokukurumidza apo akanga arava magazini yacho, akaridzira runhare Zvapupu, achiridza nhamba yakarongwa mubhuku refoni. Fundo yeBhaibheri yakakurumidza kutangwa, uye mukadzi muduku wacho akabhapatidzwa pa“Kudzidzisa Kwoumwari” Kokorodzano Yoruwa muna July 1993. Zvamazvirokwazvo, ngatipinzei magazini mumisha, umo anogona “kutaura” kuna vanhu! Mumwe mutariri wedunhu akapa chimwe chikarakadzo chakapfava: “Buritsa magazini mubhegi rako ramabhuku.” Zvamazvirokwazvo, kana zvaunotaura zvisingabati fariro yasaimba, ipapo zvichida mifananidzo yawo yebutiro inofadza ichakugoverera magazini acho.
20, 21. (a) Unogona sei kuva anochinjika pakugoverana mubasa ramagazini? (b) Chii chaunogona kuita kuti ugovere magazini akawanda mwedzi mumwe nomumwe?
20 Chikarakadzo chechitatu ndechokuti iva anochinjika. (Enzanisa na 1 VaKorinte 9:19-23.) Gadzirira mharidzo pfupi shomanene. Rangarira nyaya imwe iyo ichafadza kuvarume, imwe kuvakadzi. Nokuda kwepwere, ungatanhamarisa nyaya ya“Vechiduku Vanobvunza Kuti. . . .” Iva anochinjikawo saapo unogoverana mubasa ramagazini. Mukuwedzera kuZuva raMagazini, ungawana kuti kupupurira manheru kunopa banza rakaisvonaka rokugovera magazini paimba neimba.
21 Chikarakadzo chechina ndechokuti gadza nharidzano yomunhu oga. Wedzero inoti “Magazini Anoratidzira Nzira Inoenda Kuupenyu,” yakaoneka muHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 1984, yakati: “Sechikarakadzo, vaparidzi vangava nenharidzano, toti, magazini gumi pamwedzi, kuchitsamira pamigariro yavo; mapiona angavavarira 90. Chokwadika, vamwe vaparidzi vangave vachikwanisa kugovera magazini akawanda pamwedzi uye nokuda kwechikonzero ichocho vachagadza nharidzano yavo vamene yakakwirira zvikuru. Zvisinei, nokuda kwoundonda, rudzi rwendima, kana kuti zvimwe zvikonzero zvakanaka, nharidzano yavamwe ingava yakaderera zvikuru. Asika basa ravo rinoitirwa kuna Jehovha rinongova rinokoshawo. (Mateo 13:23; Ruka 21:3, 4) Chinhu chinokosha ndicho chokuva nenharidzano yako umene.”
22. Tinogona kuratidza munzirai kuti tinoonga kuna Jehovha nokuda kwamagazini edu akakodzera nguva ezvokwadi?
22 Tinoonga sei kuti Jehovha, “Mwari wazvokwadi,” akashandisa boka romuranda akatendeka naakachenjera noMutumbi Unodzora waro kutigovera aya magazini akakodzera nguva! (Pisarema 31:5) Chero bedzi Jehovha achida, aya magazini achapfuurira kubata nezvinodikanwa chaizvoizvo zvavanhu. Acharamba achitsigira mipimo yaJehovha yakakwirira yetsika. Haasati achizorega kutsigira dzidziso yakarurama. Uye achapfuurira kukwevera ngwariro kuzadziko youporofita hunoratidzira mazuva edu senguva apo Umambo hwaMwari huri kutonga uye kuda kwaMwari kuri kuitwa pasi pano sezvisakamboitwa nakare kose nechiverengero chinowedzera chavanamati vechokwadi vaJehovha. (Mateo 6:10; Zvakazarurwa 11:15) Tine pfuma inokosha zvakadini muNharireyomurindi naMukai! Ngatishandisei zvakanaka banza riri rose rokugoverana navanhu vane mwoyo minyoro aya magazini anokosha anotapura upenyu hwavanhu uye anotsigira zvokwadi dzoUmambo.
[Mashoko Omuzasi]
a July 15, 1992, mapeji 19-22.
b Kwamakore akawanda Nharireyomurindi yakarangarirwa semagazini zvikurukuru yamaKristu akazodzwa. Kutanga muna 1935, zvisinei, simbiso inowedzera yakaiswa pakukurudzira “boka guru,” vane tariro iri upenyu husingaperi pasi pano, kuwana ndokurava Nharireyomurindi. (Zvakazarurwa 7:9, NW) Makore mashomanene gare gare, muna 1940, Nharireyomurindi yakagoverwa nguva dzose mumigwagwa. Pashure paikoko, kuparadzirwa kwakawedzera nokukurumidza.
Chii Chiri Mhinduro Yako?
◻ Chii chinoratidza kuti Nharireyomurindi naMukai! magazini ezvokwadi?
◻ Nharireyomurindi naMukai! akatapura sei upenyu hwavanhu?
◻ Ungano dzinogona kuitei kuwedzera kuparadzirwa kwamagazini?
◻ Zvikarakadzoi zvinogona kukubetsera kugovera magazini akawanda?
[Bhokisi riri papeji 22]
Dzimwe Nyaya Dzakatapura Upenyu Hwavanhu
Mumakore akawanda akapfuura varavi vazhinji vakanyora kuti vataure kuonga nokuda kwenyaya dzakananga dzakaburitswa muNharireyomurindi naMukai! Dzakarongwa pasi apa ishomanene chete dzenyaya dzakawanda dzakatapura varavi vedu. Idzi nyaya kana kuti dzimwe dzakachinja upenyu hwako here?
Nharireyomurindi
“Gamuchira Betsero yaMwari Yokukurira Mhaka Dzapakavanda” (October 15, 1985)
“Kushandisa Kuzvipira Kwoumwari Kuvabereki Vakwegura” (June 1, 1987)
“Dzidzo Ine Donzo” (November 1, 1992)
Mukai!
“Unogona Kurwisa Kuora Mwoyo!” (September 8, 1981, chiNgezi)
“Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa . . .” (Mukai! No. 4, 1985)
“Dzivirirai Vana Venyu!” (October 8, 1993)
[Mufananidzo uri papeji 23]
MuCanada—kuparidzira paimba nemba namagazini
[Mufananidzo uri papeji 24]
MuMyanmar—kugovera magazini anonongedzera nzira yokuupenyu