Rucheno Runokudza Mwari
1 Mutemo waMosesi waiva nezvinodikanwa zvorumano zvokuvimbisa rucheno. Zvaitsaura Israeri sorudzi rwaidikanirwa kuzvichengeta rumene rwakachena mumuviri nomumudzimu. (Revh. 11:35, 36; 15:1-11; Isa. 52:11) Uyu mugariro wakachena wakaunza rukudzo kuna Mwari uye wakabetsera kuutano hworudzi rwacho.
2 Nhasiwo, rucheno chiratidzo chinozivisa chavanhu vaJehovha. Asi nepo ichochi chichizivisa vanhu vaJehovha seboka, ndokwechokwadi nomumwe nomumwe wedu somunhu oga here? Tambanuko yatinoitira hanya kusvikira kwairi pamusoro porutsvindo norucheno rwomunhu oga inoratidzira kuti tinonzwisisa zvikuru sei zvinodikanwa zvaJehovha.
3 Zvakadiniko nechitarisiko chomusha wedu? Chinozvidzisa shoko roUmambo ratinotakura here? Kunobvira here kuti vamwe vangapanikira uchokwadi hwedu kana tichitaura pamusoro pokushandura pasi kuva paradhiso nepo musha wedu timene une tsvina uye ruvazhe rwune uswa hwakurisa husina kuchekwa kana kuti sora? Kana musha wedu uchipa chitarisiko chokusava nenhevedzano kana kuti pane hwema hwakaipa nemhaka yemiitiro youtsvina, kunogona kutaurwa here kuti takakudziridza “mitoo yorucheno ichakodzera nyika itsva inodzorwa noUmambo hwaMwari”?—omCA mapeji 130-1.
4 Zvakadiniko nemotokari yatinoshandisa nokuda kwebasa romumunda? Yakachena nenzira ine mufungo here, mukati nokunze, zvokuti chitarisiko chayo hachizvidzisi basa redu? Zvakadiniko nezvipfeko zvedu, bhegi ramabhuku, uye rutsvindo rwomunhu oga? Zvakatsvinda uye zvinotarisika here, zvisingapi chisakiso chokugumbuka? Kune mufungo kuti tizvichengete timene nezvipfeko zvedu zvakachena kupfurikidza nokugeza kwenguva dzose nokuwacha.—wCA89 6/1 mapeji 16-19.
5 Zvakadiniko kana imwe hama yazova isingaitiri hanya zvokuti utsanana hwayo hwomunhu oga kana kuti mhoteredzo zvazova chisakiso choruzvidzo kuungano? Zvichida inongoda zvayo rubatsiro rworudo nemhaka yezera kana kuti utera. Kana zvakadaro, waizova mutsa kuibetsera. Mumwe munhu angava nechinetso chacho ndokusambochiziva; zano romutsa ringamusunda kururamisa mugariro wacho. Vanhu vamwe navamwe vanogadza nguva dzose muenzaniso wakashata muna ikoku vaisazokwanirisa nokuda kweropafadzo dzakatanhamara muungano. Chokwadika, vakuru vanofanira kudzivisa kuisa mipimo yavo vamene yomunhu oga kana kuti zvido.
6 Vanhu vachangobva kufarira vanokokwa kuti vafarikanye madyo omudzimu paHoro yedu yoUmambo. Kazhinji kazhinji, tinodisa kutambanudza kokero nemhaka yokuti horo yacho inokwezva kwazvo uye yakatsvinda. Kunoda basa, kunyanguvezvo, kuichengeta yakadaro. Tarira-tarira horo yenyu. Zvigaro, uriri, uye madziro zvakachena here? Zvimbudzi zvinokweshwa nguva dzose here? Apo tinova vakarovedzana nokutarira kapeti yakasviba kana kuti madziro ane pendi iri kukwatanuka, tingakurumidza kurangarira izvozvo sezvinogamuchirika. Zvisinei, vaenzi vanoshanya kwenguva yokutanga vangasiiwa vane murangariro usina kunaka. Tinofanira kuita unani hwedu kuchengeta horo inofadza neinokwezva, tichiita rutivi rwedu apo nguva inosvika yokuchenesa kana kuti kushongedza.
7 Tisingatauri shoko, tinogona kurumbidza Mwari kupfurikidza nechitarisiko chedu chomunhu oga norutsvindo rwemisha yedu, motokari, uye Horo dzoUmambo. Muenzaniso wedu wakanaka hausati uchizopa chisakiso chipi nechipi chokugumbuka asi uchapupurira kuti kunamata kwedu kwakachena uye kwakarurama.—1 VaK. 10:31, 32; Jak. 1:27.