Batira Jehovha Pasina Chinotsausa
1 “Vanomufaro vanhu avo, Mwari wavo ari Jehovha.” (Pis. 144:15) Aya mashoko aMambo Dhavhidhi achiri echokwadi here, kunyange mukati meaya mazuva akaipa? (VaEf. 5:16) Hungu! VaKristu vachiri kuwana mufaro mukubatira Jehovha. Zvinhu hazvisiri nyore nguva dzose nokuda kwedu. Satani anoparira zvitambudzo mukati meidzi “nguva dzokutambudzika,” bva hatiodzwi mwoyo. (2 Tim. 3:1, 2) Migariro iri kuipa zvikuru ndichimwe chibvumikiso chokuti nguva yasvika yokuti Umambo hwaMwari hubvise nyika ino yekare iri kuipa ndokuitsiva nenyika itsva yakachena. (2 Pet. 3:13) Rima renyika ino hariiti kuti rimi retariro yedu inofadza risajeka kana kuti kuridzima; panzvimbo pezvo, tariro yedu yoUmambo inopenya zvikuru nguva dzose. Ko haufari here kubatira Jehovha sechivheneko muiyi nyika ine rima?—VaF. 2:15.
2 Savanhu vamwe navamwe, tinofanira kungwarira nguva dzose kuti tinobatira sei Jehovha. Neiko? Nemhaka yokuti Satani Mutsausi mukuru. Rimwe duramashoko rinorondedzera “kutsausa” se“kutendeukira parutivi,” “kukwevera kana kuti kunangidzira (sengwariro yomunhu) kuchinhu chakasiana kana kuti kumativi akasiana-siana panguva imwe cheteyo,” uye “kunyandura kana kuti kuvhiringidza nemirangariro kana kuti vavariro zvinorwisana.” Chibviro chokukandirwa kupasi rino, Satani akabudirira mu“kutsausa” rudzi rwomunhu. Anoshandisa nzira dzakawanda kubvisa ngwariro yomunhu panhau dzechokwadi dzezuva redu. (Zvak. 12:9, NW) Kunyange zvazvo Zvapupu zvaJehovha zvakazvishandisa zvimene mukuparidzira Umambo kwamakore zana apfuura, vanhu vangani vanonzwisisa nhau dzinoisvokosha dzokutsveneswa kwezita raMwari nokurevererwa kwouchangamire hwake kupfurikidza noUmambo hwaMwari? Vashomanene zvikuru. (1 Johane 5:19) Kana Satani achigona kutsausa mabhirioni avanhu papasi rino, ngozi inoramba iripo ndeyokuti anogona kutitsausa kana kuti kubata ngwariro yedu kuti tisiye basa raJehovha. Nenzira inosuruvarisa, vamwe vehama dzedu vakavhiringidzwa nezvinotsausa zvaSatani. Vakabvumira pfungwa dzavo kukweverwa mumativi akasiana-siana. Kune marudzi ose ezvinotsausa nhasi. Rangarira mashomanene awo.
3 Zvinetso Zvemari uye Rudo Rwezvinhu Zvokunyama: Munyika zhinjisa dzapasi, kushaikwa kwamabasa nokukwira kwemitengo yezvinhu zvokurarama nazvo zvinoparira funganyo. Chokwadi, tinofanira kugovera zvokudya, zvipfeko, uye pokugara nokuda kwedu timene nemhuri dzedu. Asi kana tikazvibvumira timene kuva vanonyanyofunganya pamusoro pezvinodikanwa zvoupenyu, idzi itiro hanya dzichakurira kufunga kwedu. Kupukunyuka kwokunyama kunogona kuva chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu panzvimbo pokupa kwedu tsigiro kunhau yoUmambo. Muapostora Pauro akapa zano muna ikoku pana VaHebheru 13:5, 6. Jesu Kristu anotivimbisa kuti avo vanotanga kutsvaka Umambo havafaniri kufunganya; Jehovha anogovera zvatinoda zvirokwazvo. (Mat. 6:25-34) Mapiona navamwe vabatiri venguva yakazara munyika yose vanogona kusimbisa kuti ikoku ndekwechokwadi.
4 Nyika yaSatani inosimudzira rudo rwezvinhu zvokunyama. Kuwana zvinhu zvakawanda kana kuti kuzvitaviridza isimba rinosunda muupenyu hwamamirioni. Zvinotsausa zvakafanana zvaivapo muzuva raJesu. Mumwe mutongi jaya rakapfuma akabvunza Jesu chaaifanira kuita kuti agare nhaka upenyu husingaperi. Jesu akapindura, kuti: “Kana uchida kukwana, enda utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, ugova nefuma kudenga; ugouya unditevere.” (Mat. 19:16-23) Sezviri pachena, zvinhu zvaro zvakawanda zvokunyama zvakatsausa iri jaya pakubatira Mwari nomwoyo wose. Mwoyo waro wakatendeudzirwa kupfuma yaro. Jesu aiziva kuti jaya racho raizobetserwa kana raizozvibvisira rimene mutoro weizvi zvinotsausa. Zvakaridzivisa kuva rakakwana mukuzvipira kwaro kuna Mwari. Zvakadiniko newe? Unozviwana umene uchishanda maawa akawanda mubasa rokunyika kuti uchengetedze bedzi mararamire awarovedzana nawo here? Ikoku kwakatapura basa rako kuna Jehovha here? Ko zvinhu zvako zvokunyama zviri kutora yakawanda yenguva yako nesimba zvokuti hapana zvinosara nokuda kwefariro dzoUmambo here? (Mat. 6:24) Unogona kupfavisa upenyu hwako kuti upe nguva yakawanda kufariro dzomudzimu here?
5 Zvinhuwo Hazvo Zvoupenyu Hwezuva Nezuva: Kana tikasangwarira, tingava vakanyura kwazvo muzvinhuwo hazvo zvoupenyu zvokuti tinovamba kuregeredza zvirondwa zvomudzimu. Yeuka vanhu vomuzuva raNoa. Vakanga vakanyanyobatikana kwazvo muzvinhu zvomunzanga, kudya nokunwa, kuroora nokuroodza vana vavo, zvokuti havana kuteerera shoko renyevero raNoa pamusoro peBoporodzi raisvika. Vasati vakuziva, mafashamo akauya akavaparadza vose. Zvinotsausa zvakareva ruparadziko nokuda kwavo. Jesu akati: “Ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.” (Mat. 24:37-39) Zvamazvirokwazvo, vanhu vazhinjisa nhasi vakanyura muupenyu hwavo vamene zvokusagona kupa ngwariro kushoko renyevero ratinounza kwavari. Vanoratidza kusaitira hanya kunokatyamadza kuzvinhu zvomudzimu.
6 Ko upenyu hwako huri kuva hwakazadzwa kwazvo nemibato yemunzanga zvokuti zvomudzimu zviri kuwana ngwariro yakaderera zvikuru here? Pane imwe nhambo, Jesu akakokwa kuti ave muenzi mumusha waMarta naMaria. Maria akanga achisanoteerera izvo akanga achitaura. Kuno rumwe rutivi, Marta “wakanga achitambudzika nokushanda zvikuru.” Marta akanga ane itiro hanya isina kufanira pamusoro pokuva mugamuchiri akanaka. Akakundikana kunzwisisa dikanwo yokuwana nguva yokuteerera Jesu. Akaratidzira nomutsa kuna Marta kuti zvokudya zvakasanobikwa zvakanga zvisiri madikanwa; ngwariro yakawanda inofanira kupiwa zvinhu zvomudzimu. Unofanira kushandisa zano iroro here? (Ruka 10:38-42) Jesu akanyeverawo kuti tinofanira kupa ngwariro kwatiri timene kuti tisanyanyodyisa nokunwisa, tichigomadza pfungwa dzedu. Paino awa yakakomba yenhau yomunhu, tinodikanirwa kuva vakasvinurira zvizere.—Ruka 21:34-36.
7 Kurondwa Kwemifarwa: Chimwe chezvinotsausa chikurusa icho Dhiabhorosi anoshandisa kubvisa ngwariro panhau yoUmambo kurondwa kwemufarwa. Mamirioni muchiKristudhomu akaisa mufarwa munzvimbo yaMwari. Anodawo hawo kufadzwa nechinofadza chakati panzvimbo pokuva nefariro yakakomba muShoko raMwari. (2 Tim. 3:4) Chokwadika, varaidzo nenhandaro zvakanaka hazvina kushata mazviri zvimene. Asi kupedza nguva yakawandisa vhiki rimwe nerimwe pazvinhu zvakadai seterevhizheni, mabhaisikopo, mavhidhiyo, mitambo, zvokurava zvenyika, kana kuti mabasa okuzvivaraidza zvingabvumidza mwoyo unonyengera kukura ndokutikwevera kure naJehovha. (Jer. 17:9; VaH. 3:12) Ikoko kunogona kuitika sei? Mukati memisangano yechiKristu, ungawana kuti ndangariro yako inodzungaira; ungatoshuva kuti dai misangano yaizoguma kuti ugone kudzokera kukurondwa kwemifarwa. Nokukurumidza, ungagona kuzviwana umene uchitsvaka zvikonzero zvokugara kumba panzvimbo pokupinda misangano kana kuti kupinda mubasa romumunda. Zvino inguva yokusarudza zvizere kana izvi zvirondwa zvava zvinotsausa muupenyu hwako. (Ruka 8:14) Ko maawa anokosha iwayo anopedzwa nevaraidzo haangagoni here kushandiswa zviri nani nokuda kwokukura mumudzimu?
8 Nhau Duku Dzinopedza Nguva: Vamwe vakabatwa munhamburiko dzokupedza zvinetso zvavose muchaunga chazvino uno. VaKristu vanodikanirwa kudzivisa kuva vanobatanidzwa mumagakava asingagumi enyika pamusoro penhau dzemunzanga kana kuti kurwisana kwayo kusina maturo kwokururamisa kusaruramisira. (Johane 17:16) Kwose ikoku rutivi rwegadziriro yaSatani yokubvisa ngwariro pazano reBhaibheri neidi rinokosha rokuti kune chigadzikiso chimwe chenguva refu—Umambo hwaMwari. Kana takatambura kuvadziko yomunhu oga kana kuti kusaruramisira, tinofanira kudzivisa kuva vanotsiva kana kuti kuvhiringika kwazvo mumirangariro zvokuti tinokanganwa zvatiri—Zvapupu zvaJehovha. Kupfuura zvose, ndiJehovha akakanganisirwa, uye izita rake ratinofanira kutsvenesa.—Isa. 43:10-12; Mat. 6:9.
9 Nepo munhu ari wose achida kuchengetedza mwero wakati weutano hwakanaka, kupa ngwariro yokunyanyisa kurondedzero nemishonga zvinoratidzika kuva zvisingagumi zvinogoverwa zvinogona kubatikanisa munhu nezvinhu zvoutano. Kune vanhu vakawanda kwazvo vanotsigira mhatsa huru yezvokudya, kurapa, uye mishonga yezvinetso zvomuviri nemirangariro, kuzhinji kwokurapa ikoku kunorwisana pachako. Icho mumwe munhu anoita muzvinhu zvoutano chisarudzo chomunhu oga, chero bedzi pasina kurwisana nenheyo dzeBhaibheri. Ngatichengetei nguva dzose chivimbo chedu chakazara muUmambo hwaMwari somushonga wechokwadi wezvirwere zverudzi rwomunhu.—Isa. 33:24; Zvak. 21:3, 4.
10 Ivai Vakatsiga, Vasingazununguki: Sezvo mugumo unoswedera pedyo, Satani achawedzera nhamburiko dzake kukutsausa pabasa rako kuna Jehovha. “Mumudzivisei, makamira nesimba pakutenda.” (1 Pet. 5:9) Seiko? Unofanira kuzvidyisa umene mifungo yaMwari. (Mat. 4:4) Usarega zvinotsausa zvenyika zvichikutorera iwe nemhuri yako nguva yamunofanira kufungisisa uye kurangarira chinyararire Shoko raMwari. Pazvokudya zvemhuri, kurukurai pamwe chete zvinoitika zvinovaka nezvimwe zvinhu zvomudzimu. Omererai parudungwe rwenguva dzose rwefundo yomunhu oga negadziriro yemisangano.
11 Apo funganyo dzinotyisidzira kusagadzikanisa ndangariro yako, kandira mutoro wako pana Jehovha mumunyengetero. Iva nechokwadi chokuti anokuitira hanya. (1 Pet. 5:7) Ita kuti rugare rwaMwari rurinde mwoyo wako nemasimba endangariro. (VaF. 4:6, 7) Usaite kuti zvinotsausa zvidzikatidze chiono chako chomudzimu. Chengeta Jehovha ari pamberi pako nguva dzose, sezvakaita Jesu. (Mabasa 2:25) Chengeta chiono chako chakanangidzirwa mberi panharidzano yako, seizvo Zvirevo 4:25-27 inotikurudzira, kuti: “Meso ako ngaarurame pakutarira; mafungiro ameso ako ngaatarire mberi kwako. Gadzirira tsoka dzako gwara; nzira dzako dzose dzive dzakasimba. Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.”
12 Pinda misangano yose nokutendeka, uye zvirange umene kuti upe ngwariro kumurairidzo unobva muShoko raMwari. (VaH. 2:1; 10:24, 25) Uye panzvimbo pokutsvaka mifarwa inogoverwa nenyika ino yakaipa, kuite nharidzano yako kuchengeta hushumiri hune miuyo. Ikoku ndiko kunounza mufaro usingaperi negutsikano. (1 VaT. 2:19, 20) Pakupedzisira, usarega chinhu chipi nechipi kana kuti munhu upi noupi zvichikutsausa pabasa rako rinoyera. “Mirai makasimba, murege kuzununguswa, mubatire Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti kubata kwenyu hakungavi pasina munaShe.”—1 VaK. 15:58.