RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/03 p. 1
  • “Ivai Vakagadzirira”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ivai Vakagadzirira”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Batira Jehovha Pasina Chinotsausa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Tiri Kuramba Takamuka Here—Tichidzivisa Zvinotsausa?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Iva Akagadzirira Zuva raJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • “Unondida Here Kupfuura Idzi?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 11/03 p. 1

“Ivai Vakagadzirira”

1 Muuprofita hwake hukuru hune chokuita nomugumo wenyika ino, Jesu akanyevera kuti tisanyanyofunganya nezvezvinhu zvenyika zvoupenyu. (Mat. 24:36-39; Ruka 21:34, 35) Sezvo kutanga kwokutambudzika kukuru kungaitika chero nguva, zvinokosha kuti titeerere nyevero yaJesu inoti: “Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.” (Mat. 24:44) Chii chingatibatsira munhau iyi?

2 Kukurira Kufunganya uye Zvinotsausa: Mumwe wemisungo yezvokunamata watinofanira kungwarira “kufunganya zvoupenyu.” (Ruka 21:34) Mune dzimwe nyika, urombo, kushayikwa kwemabasa, uye kukwira kwemitengo yezvinhu zvokurarama nazvo zvinoita kuti zviome kuwana zvinodiwa muupenyu. Mune dzimwewo nyika, kuwana zvinhu zvokunyama hakushamisiri. Kana tava kutanga kunyanyonetseka pamusoro pezvinhu zvokunyama, tingangokundikana kuramba tichifunga zvinhu chaizvo zvoUmambo. (Mat. 6:19-24, 31-33) Misangano yechiKristu inotibatsira kuramba tichifunga zvinhu izvozvo. Unovavarira kupinda misangano yose here?—VaH. 10:24, 25.

3 Nhasi nyika yakazara nezvinotsausa izvo zvingagona kutitorera nguva yedu inokosha. Kushandisa kombiyuta kungava musungo kana munhu achipedzera nguva yakawandisa achitarira Indaneti, achiverenga nokutumira tsamba nekombiyuta, kana kuti achitamba mitambo yekombiyuta. Maawa asingaverengeki angapedzerwa paterevhizheni, mabhaisikopu, mabasa okuzvifadza, kuverenga mabhuku enyika, uye mitambo, zvichitisiya tiine nguva kana kuti simba shomanana rokuita zvinhu zvomudzimu. Kunyange nhandaro nokuzorora zvingazorodza kwenguva pfupi, kudzidza Bhaibheri tiri toga uye semhuri kunopa zvikomborero zvisingaperi. (1 Tim. 4:7, 8) Unotenga nguva yokufungisisa Shoko raMwari zuva rimwe nerimwe here?—VaEf. 5:15-17.

4 Tinogona kuonga zvikuru kuti sangano raJehovha rakaronga purogiramu yemirayiridzo yomudzimu yokutibatsira ‘kugona kupukunyuka zvinhu zvose zvinofanira kuitika, uye pakumira pamberi peMwanakomana womunhu’! (Ruka 21:36) Ngatishandisei zvakazara urongwa uhu ‘tova vakagadzirira’ kuitira kuti kutenda kwedu zvimwe kuve “chikonzero cherumbidzo nembiri nokukudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.”—1 Pet. 1:7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe