RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/94 p. 1
  • Uri Kudyara Zvizhinji Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Kudyara Zvizhinji Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kudyara Zvakawanda Kunounza Zvikomborero Zvakawanda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Dyara Kururama, Kohwa Mutsa waMwari Une Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 6/94 p. 1

Uri Kudyara Zvizhinji Here?

1 Pane kutaura, kwokuti: “Kana ukaisa zvakawanda mune chimwe chinhu, uchawana zvakawanda machiri.” Ikoku ndokwechokwadi zvikuru mukunamata kwedu. Kana tikapedza nguva nenhamburiko yakawanda mukugadzirira misangano, kuparidzira shoko roUmambo, uye kuratidza rudo nokuda kwehama dzedu, tichawana zvakawanda mukukura kwomudzimu. Mhesano yacho ndeyechokwadiwo. Kana tisingadi kuzvishandisa timene nesimba kana kuti tisina mbavarira mune izvo tinoita, tinogona here zvirokwazvo kukarira miuyo inogutsa?

2 Muapostora Pauro akataura zvakanaka nheyo yacho pana 2 VaKorinte 9:6: “Unodyara zvishoma, uchachekawo zvishoma; unodyara zvizhinji, uchachekawo zvizhinji.” Uri kudyara zvizhinji here?

3 Fundo yeBhaibheri Yomunhu Oga: Kuti tive vashumiri vanobudirira, tinofanira kutanga kudyara zvizhinji mufundo yedu yomunhu oga. Tinofanira kuva nechishuvo chikuru chomudzimu. (Pis. 119:97, 105; Mat. 5:3) Neitiro hanya dzose dzoupenyu hwezuva nezuva dzinotidzvinyirira, kunoda nhamburiko yokungwarira kukudziridza kusvinurira kwapachokwadi chinodikanwa chedu chomudzimu. Nokuda kwavakawanda zvikurusa vedu, kunoda “kutenga nguva yakafanira.” (VaEf. 5:16, NW) Vamwe vanoronga kukurumidza kumuka zvikuru pamazuva akati kuti vaite fundo yomunhu oga. Vamwe vakatsaura mamwe manheru nokuda kwedonzo iroro. Tinocheka zvizhinji munzirai? Tinowana kutenda kwakasimba zvikuru, tariro yakajeka zvikuru, uye chimiro chendangariro chinofara zvikuru nechakanaka zvikuru.—VaR. 10:17; 15:4; 1 Pet. 1:13.

4 Misangano yeUngano: PaPisarema 122:1, Dhavhidhi akati: “Ndakafara panguva yavakati kwandiri: Hendei kumba kwaJehovha.” Unonzwa zvimwe chetezvo here? Kudyara zvizhinji kunoreva kuvapo nguva dzose pamisangano yedu mishanu yevhiki nevhiki. Sarudza kuti hausati uchizobvumira mugariro wokunze usingafadzi kudzongonyedza. Kazhinji kazhinji, kana tikakurira mhinganidzo zhinji, zvikomborero zvedu zvichava zvikuru.

5 Kurumidza kusvika uye nonoka pashure kuti ugoverane mukurukurirano dzinovaka nehama dzako. Kudza songaniro dzako kuti dzibatanidze vakawanda vakasiyana-siyana sevaunogona. Sanogadzirira Fundo yeNharireyomurindi nemimwe misangano kuti ugogona kudyara zvizhinji kupfurikidza nokutsinhira kana ukava nebanza. Kupfurikidza noku“diridza” vamwe pamisangano, ucha“diridzwawo.”—Zvir. 11:25.

6 Ushumiri Hwomumunda: Zvichida hapana nzvimbo apo iyi nheyo yokudyara zvizhinji iri yechokwadi zvikuru kupfuura muushumiri hwomumunda. Kana tikapa nguva yakawanda kwahuri, sezvingabvira zvikuru tichacheka zvinoitika zvinofadza, shanyo dzedzokerero dzinobudirira, uye fundo dzeBhaibheri dzinobudirira.

7 Kudyara zvizhinji muushumiri hwomumunda kunobatanidza kunaka pamwe chete nezvakawanda. Yamuro yakaisvonaka yokutibetsera kuvandudza kunaka kwoushumiri hwedu ibhuku raKurangarira. Mapeji 9-15 anoronga sumo dzinopfuura 40 dzinofukidza misoro 18 kubetsera kunyandura fariro pamasuo. Kana ukawana fariro, iva nechokwadi chokuicherekedza kuti ugogona kudzokera ndokucheka chibereko chokudyara kwako. Sezvinokarirwa nhamburiko dzako dzichatungamirira kufundo yeBhaibheri, uye unogona kudzidzisa mumwe munhuwo zvake nzira yokudyara nayo zvizhinji.

8 Kana tikadyara zvizhinji, tinogona kukarira zvikomborero zvikuru zvinobva kuna Jehovha.—Mar. 3:10.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe