Kudyara Zvakawanda Kunounza Zvikomborero Zvakawanda
1 Tose zvedu tinotarisira mberi pachazadzika zvipikirwa zvakaisvonaka zviri muShoko raMwari. Kunyange iye zvino, Jehovha ari kuita kuti zvikomborero zvakawanda zviwanikwe zvinowedzera mufaro muupenyu hwedu. Zvisinei, kubatsirwa kwatinoita isusu pachedu kunobva zvikurukuru pakushingaira kwedu. Sokutaura kwakaita muapostora Pauro, “anodyara zvakawanda achakohwawo zvakawanda.” (2 VaK. 9:6) Ona mativi maviri anoshanda mashoko aya.
2 Ushumiri Hwedu Pachedu: Kuudza vanhu mashoko akanaka patinenge tichikwanisa kupupurira kunounza mibayiro yakawanda. (Zvir. 3:27, 28) Zvinofadza kuti vakawanda vari kudyara zvakawanda kuburikidza nokuwedzera kuita ushumiri hwavo, kusanganisira kuita upiyona hwebetsero kana kuti hwenguva dzose. Tose zvedu tinogona kudyara zvakawanda kana tikadzokera nomwoyo wose kunoona vanhu vanofarira vose vatakawana uye kana tikataura nezvechidzidzo cheBhaibheri pose apo mukana wacho unomuka. (VaR. 12:11) Kushanda nesimba munzira idzi kunoguma nezviitiko zvinokurudzira uye kunowedzera mufaro muushumiri hwedu.
3 Kutsigira Umambo hwaMwari: Pauro akataura ‘nezvokudyara zvakawanda’ paaitaura nezvokupa zvinhu zvokunyama. (2 VaK. 9:6, 7, 11, 13) Nhasi, tinogona kuita zvakawanda kutsigira Umambo hwaMwari nesimba uye nezvinhu zvokunyama. Tinogona kubatsira mukuvakwa kweDzimba dzoUmambo uye Dzimba dzeMagungano. Tinogonawo kuuya kuzochenesa uye kuzogadziridza nzvimbo idzi dzokunamata kwechokwadi. Uyezve, tinogona kubatsira nemari yokushandisa muungano yedu uyewo yebasa rokuparidza Umambo nerokuita vadzidzi romunyika yose. Tinofara zvikuru kuona zvikomborero zvaJehovha zvakawanda pabasa iri rakagadzwa naMwari, sezvo tose tichiita chikamu chedu!—Mar. 3:10; Ruka 6:38.
4 Shoko raMwari rinotikurudzira ‘kuti tishandire zvakanaka, kuti tipfume pamabasa akanaka kwazvo, kuti tive norupo, tichida kugoverana.’ Sezvatinoteerera kurudziro iyoyo, tinova nezvikomborero zvakawanda iye zvino. Panguva imwe chete, tiri ‘kuzvichengetera nheyo yakanaka kwazvo nokuda kwenguva yemberi uye upenyu chaihwo’ huchauya.—1 Tim. 6:18, 19.