RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/94 p. 1
  • Paimba Neimba Tisingaregi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Paimba Neimba Tisingaregi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ushumiri Hwepaimba Neimba—Nei Huchikosha Iye Zvino?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kupupurira Paimba Neimba
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Dzidzisa Pachena Uye Paimba Neimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 7/94 p. 1

Paimba Neimba Tisingaregi

1 Muna Israeri wakare, zvibayiro zvaipiwa zuva nezuva. (Eks. 29:38-42) Mwoto weatari wakachengetwa uchibvira; utsi hwaikwira hwakanga huri “chipo chinonhuwira” chakafadza Jehovha. (Eks. 29:18) Nhasi, tinokurudzirwa “kupa kuna Mwari chibayiro cherumbidzo, ndiko kuti, chibereko chemiromo inoita ziviso yapachena kuzita rake.” (VaH. 13:15, NW) Panzvimbo pokushandisa zvibayiro zvinorairwa noMutemo, tinonamata Jehovha kupfurikidza nokutaura rumbidzo dzake tisingaregi.—Isa. 43:21; Mab. 5:42.

2 Jesu Kristu, Chapupu chikurusa chati chambofamba papasi rino, akatidzidzisa nzira yatinofanira kupa nayo kunamata kwakachena kupfurikidza nokupa zvibayiro zverumbidzo. Iye akadzidzisa vadzidzi vake kuti shoko ravaiparidzira rakanga rine kurumidziro. Iye akaziva kuti nzira inobudirira zvikurusa yokusvika nayo vanhu namashoko akanaka yakanga iri kutaura kwavari somunhu oga mumisha yavo. (Mat. 10:7, 12) Naizvozvo tinowana kuti vaapostora vakatevera nhungamiro yake yakafuridzirwa nenzira youmwari yokuparidzira paimba neimba.—Mab. 20:20.

3 Hakuna kusiyana nhasi. Savadzidzi vaJesu, vaKristu vechokwadi vanotevera muenzaniso wake kupfurikidza nokuparidzira mashoko akanaka paimba neimba. Kunyange zvazvo tingatsoropodzerwa nokutambudzirwa ikoko, mamiriyoni akadzidza zvokwadi uye mazana ezviuru evadzidzi vatsva ari kukumbanira boka guru gore rimwe nerimwe, kuchipa ufakazi hwokuti iyi inzira yaJehovha yokuita nayo kuda kwake. Ndicho chikonzero nei tichipfuurira muushumiri hwedu.

4 Betsero Dzokuparidzira Paimba Neimba: “Mwari haazi mutsauri wavanhu . . . munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.” (Mab. 10:34, 35) Kuenda zvakananga kuimba imwe neimwe iri mundima yedu kunoratidzira zvakajeka kusasarura, kuchipa munhu ari wose banza rokugaronzwa shoko roUmambo. Uyewo vanogamuchira vanopiwa rubatsiro rwomunhu oga mukuwirirana nezvinodikanwa zvavo zvomunhu oga.

5 Vanoda kuva vaparidzi vose, kubatanidza vaduku, vakwegura, uye kunyange avo vari vatsva, vanogona kutora rutivi mubasa rapaimba neimba. Neiyi nzira mumwe nomumwe anogona kuita “ziviso yapachena yoruponeso.” (VaR. 10:10, NW) Kutora rutivi pamwe chete navamwe muushumiri hwapaimba neimba kunotibatanidza muzvisungo zvorudo nechinzwano. Panguva imwe cheteyo, tinopiwa banza rokuratidzira tsungiriro yedu apo tinosangana nokusakendenga kana kuti chishoro. Uku kuratidzirwa kwapachena kwokutenda kunotiita “chinhu chinoshamisa,” uko kunobetsera vanhu vakatendeseka kuziva kuti tine gadziriro yakarongwa yokudzidzisa Bhaibheri uye kuti vanogona kubetserwa nayo. (1 VaK. 4:9) Chinhu chiri chose chinoratidza zvakajeka kuti Jehovha ari kukomborera basa rapaimba neimba uye ari kurishandisa kuunganidza boka guru ku“imba” yake yokunamata kwakachena.—Isa. 2:2-4.

6 Zvino kupfuura paimwe nguva ipi neipi munhau, vanhu vanofanira kunzwa shoko roUmambo. Ngatirambe tichiparidzira paimba neimba tisingaregi kusvikira Jehovha ati zvakwana. (Isa. 6:11) Tichiita saizvozvo, tichatuswa nomufaro unobva mukugoverana muushumiri hunokosha nohunobetsera hwapaimba neimba munguva ino yomugumo.—1 VaK. 15:58.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe