Urongwa Hwokutibatsira Kuti Tirege Ropa
Vaparidzi vakabhabhatidzwa vakazadza kare makadhi eAdvance Medical Directive/Release kana kuti maIdentity Card asina kunyorwa musi kana kuti akanyorwa kuti 3/99 havafaniri kuzadza mamwe matsva gore rino. PaMusangano Webasa wevhiki yaDecember 29, munyori anofanira kuva neakakwana okupa vaparidzi vachangobhabhatidzwa, vana vavo, uye vaya vanoda kuchinja. Ungano hadzisi kuzotumirwa makadhi aya. Kana ungano isina makadhi akakwana, munyori angabvunza ungano dziri pedyo kana kuti angaodha mamwe neodha yemabhuku eungano inotevera.
Makadhi acho anofanira kunyatsozadzwa muri kumba asi HAAFANIRI kusainwa. PaChidzidzo Chebhuku Cheungano chinotevera, makadhi acho anofanira kusainwa, kupupurirwa, uye kunyorwa musi, mutariri wechidzidzo chebhuku achibatsira sezvinodiwa. Zvapupu zvinofanira kunyatsoona muridzi wekadhi achirisaina.
Vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora gwaro ravo rokushandisa ivo nevana vavo nokuita kuti mutauro wacho uenderane nezviri pamakadhi eAdvance Medical Directive/Release, neIdentity Card.