Tanga Kutsvaka Umambo hwaMwari—Kupfurikidza Nokupa Nguva Dzose Zvibayiro Zverumbidzo
1 Avo vanotanga kutsvaka Umambo vanongwarira nguva dzose kutaura pamusoro paJehovha nokukurukura pamusoro poUmambo hwake. (Pis. 145:11-13) Zuva riri rose pane mikana yokurumbidza nayo zita rake nokutaura pamusoro pamashoko akanaka. (Pis. 96:2) Kurumbidza Jehovha kwaifadza kune wezvemapisarema uyo akazivisa, kuti: “Takazvirumbidza zuva rose muna Mwari.” (Pis. 44:8) Kana tichirangarira nenzira imwe cheteyo, tichava vanodisa kugoverana nguva dzose muushumiri hwoUmambo.
2 Jehovha haana kugadza zvinodikanwa zvakananga pamusoro pokuti inguva yakawanda sei yatinofanira kupedzera muushumiri, asi anotikurudzira kuva tinomurumbidza “nguva dzose.” (VaH. 13:15, NW) Kana mamirire ezvinhu zvedu zvomunhu oga achibvumidza, tinofanira kukuita nharidzano yedu kupedza nguva yakati tichirumbidza Jehovha vhiki iri yose. Avo vari kutoita izvozvo vangakwanisa kuronga zvinhu zvavo kuti vabatire sapiyona webetsero panhambo nenhambo kana kunyange pahwaro hunopfuurira. Vamwe vave vachifarikanya basa roupiyona hwebetsero vangakwanisa kunyoresa samapiyona enguva dzose.
3 Api kana api ari mamirire ezvinhu zvedu zvomunhu oga, kunobvira here kuti tiwedzere chibayiro chedu cherumbidzo? Shingairo inonyandurwa nenzwisiso. Fundo yomunhu oga yeShoko raMwari inoyamura nzwisiso. Misangano yeungano inotisunda kuratidzira nzwisiso iyoyo munzira dzinoshanda. Songaniro yapedyo navamwe varumbidzi vanoshingaira inogona ‘kutinyandurira kumabasa akaisvonaka.’ (VaH. 10:24) Kupfurikidza nokushandisa zvakazara gadziriro dzinoitwa neungano, tingakwanisa kuwedzera chibayiro chedu cherumbidzo.
4 Muporofitakadzi Ana akagadza muenzaniso wakaisvonaka mubasa raJehovha. Kunyange zvazvo aive namakore 84 okukura, akanga “asingabvi mutembere, achishumira Mwari . . . usiku namasikati.” (Ruka 2:37) Kubatanidzwa kwake kwomwoyo wose mumibato yeungano kwakamuunzira gutsikano huru yomunhu oga. Nhoroondo yeBhaibheri yebasa rake rokutendeka inogovera kurudziro kwatiri nhasi.
5 Pauro akarumbidza kuti avo va“ne simba [vano]fanira kutakura utera hwavasina simba.” (VaR. 15:1) Sezvingabvira mune vamwe muungano yenyu vangabetserwa norubatsiro rwako rwomutsa nekurudziro. Kokero yokukuperekedza muushumiri hwomumunda ingava chinodikanwa bedzi. Muparidzi angada chokufambisa kana mumwe munhu wokushanda naye. Mumwe munhuwo zvake chinetso chingava kuora mwoyo, uye iwe ungava munhu anogona kugovera tsigiro inovaka inodikanwa kumutsidzira shingairo yomunhu wacho yebasa roUmambo. (1 VaT. 5:14) Kudisa kwako “[ku]govana navatsvene pakushayiwa kwavo” kunoratidzira chishuvo chako chomwoyo wose chokuwedzera rumbidzo kuzita raJehovha.—VaR. 12:13.
6 Hatigoni kuvamba kududza zvinhu zvose izvo Jehovha akatoita uye zvaachatiitira. Hapana nzira yatinogona kumutsiva nayo nokuda kwezvikomborero izvozvi. Pane zvikonzero zvinosunda zvikuru sei zvokuti ‘chinhu chiri chose chinofema chirumbidze Jehovha’!—Pis. 150:6.