Rumbidza Jehovha Nguva Dzose
1 Pane mibato mishomanene yakakosha kwazvo zvokuti nguva dzose inofanirwa nengwariro yedu. Pakati payo tinobatanidza kudya, kufema, uye kurara. Izvozvi zvinokosha kana tichizozvitsigira timene mumuviri. Muapostora Pauro akaisa kuparidza mashoko akanaka munzvimbo yakafanana apo iye akakurudzira, kuti: “Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza.” (VaH. 13:15) Naizvozvo, kurumbidza Jehovha kunofanirwawo nengwariro yedu yenguva dzose. Ndechimwe chinhu chatinofanira kuedza kuita zuva rimwe nerimwe, kugarorumbidza Baba vedu vokudenga.
2 Apo vamwe vakaedza kutsausira ngwariro yake kune imwe nzvimbo, Jesu akapindura, kuti: “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Evhangeri youshe hwaMwari.” (Ruka 4:43) Mukati moushumiri hwake hwamakore matatu nehafu, chinhu chiri chose chaakaita zuva rimwe nerimwe chakanga chakabatanidzwa zvakananga munzira yakati nokurumbidza Mwari. Tinoziva kuti Pauro akanzwa neiyi nzira, tichirangarira mufungo waakataura pana 1 VaKorinte 9:16: “Nokuti ndinorovererwa; ndine nhamo, kana ndisingaparidzi Evhangeri.” Vamwe vaKristu vakatendeka vakakurudzirwa kuva vakagadzirira nguva dzose kudzivirira tariro yavo kuvamwe. (1 Pet. 3:15) Nhasi mazana ezviuru zvamapiyona anoshingaira uye mamiriyoni avaparidzi veungano anovavarira kutevedzera mienzaniso yakaisvonaka yakadaro.
3 Apo tinofunga nezveshingairo yomwoyo wose yakaratidzirwa naJesu Kristu, Muenzaniso wedu, tinosundwa kusanotevera makwara ake. (1 Pet. 2:21) Pane dzimwe nguva tingaodzwa mwoyo apo tinofanira kutarisana nezvinetso zvokurarama kwezuva riri rose. Tinogona sei zuva nezuva kushandisa mikana yokurumbidza nayo Jehovha apo tinenge tine basa rokunyika renguva yakazara? Uyewo hatigoni kurega misengwa yemhuri iyo inoda yakawanda yenguva yedu. Vanhu vaduku vakawanda zvikurusa vakabatikana nokudzidza kwezuva nezuva kuri madikanwa. Vamwe vanganzwa kuti hakusati kuchibvira kurumbidza Jehovha pachena zuva riri rose. Padzimwe nguva, vamwe vangapedza mwedzi wose vasingagoverani mashoko akanaka munzira yakati.
4 Jeremia akanga ari mumwe uyo akanga asingagoni kunyarara. Apo akakundikana kwechinguvana kutaura muzita raJehovha, iye akanzwa mwoto usingashiviririki uchipfuta mukati make. (Jer. 20:9) Mukutarisana neyairatidzika kuva nhamo huru, Jeremia nguva dzose aiwana nzira yakati yokutaura nayo shoko raJehovha kuvamwe. Tinogona kutevedzera muenzaniso wake woushingi ndokupfuurira kutsvaka mikana yokurumbidza Musiki wedu zuva rimwe nerimwe here?
5 Kutaura kwedu pamusoro paJehovha hakufaniri kuganhurirwa kunguva dzakarongwa, dzakafanogadzirirwa nokuda kwokupupura nevamwe vaparidzi mundima yeungano. Chatinongoda inzeve inoteerera. Tinosangana navanhu nguva dzose zuva riri rose—ivo vanouya kumba kwedu, tinoshanda navo pabasa, tinomira navo mumutsetse musupamaketi, kana kuti tinokwira navo mubhazi. Chakunongoda bedzi ikwaziso youshamwari uye mubvunzo unonyandura mufungo kana kuti tsinhiro ichatanga kurukurirano. Vakawanda vakawana ikoku kuva chimiro chinobudirira zvikurusa chokupupura kwavo. Apo tinova nemikana yakawanda yokutaura kuvamwe pamusoro pamashoko akanaka, kwaizova kusingafungiki kuti tipedze mwedzi wakazara tisina kupa uchapupu hwoUmambo.
6 Ropafadzo yokurumbidza Jehovha haisati ichizotongopera. Seizvo wezvamapisarema akaratidzira, chinhu chiri chose chinofema chinofanira kuva chichirumbidza Jehovha, uye zvirokwazvo tinoda kubatanidzwa.—Pis. 150:6.