Mashoko Akanaka Avanyoro
1 Tinorarama munguva yorutongeso rwuri kuswedera pedyo. (Ezek. 9:5, 6) Ndekwokukurumidzira kuti vanhu vanyoro kwose kwose vaziviswe kuitira kuti vagogona kugadzirira nokuda kwezviri kuuya. Mumutsa wake worudo, Jehovha akatuma vanhu vake “kuparidza mashoko akanaka kuvanyoro.” (Isa. 61:1, 2) Magazini edu anotibetsera kuzivisa aya mashoko akanaka kwose kwose.
2 Nharireyomurindi neMukai! zvinogovera zvokudya zvomudzimu zvikukutu izvo zvinotisimbisa uye zvinotisunda. Nharireyomurindi inonyaradza vanyoro nemashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kushandura pasi kuva paradhiso. Mukai! inovaka chivimbo muchipikirwa choMusiki chenyika itsva ine rugare uye yakachengeteka. Kuparadzirwa kwakafara kwaaya magazini ndeimwe nzira inokurumidza zvikurusa yokuunza nayo mashoko akanaka kuvanyoro. Ndeapi mapfundo okutaura ayo tinogona kusimbisa muzvinyorwa zvazvino uno?
3 Ungagona kugovera “Nharireyomurindi” yaMay 1 kupfurikidza nokunongedzera kunyaya inoti: “Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva” uye kubvunza mubvunzo unoti:
◼ “Ibetseroi yamunofunga kuti tinogona kuwana mukurava Bhaibheri? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rimene, pana VaRoma 15:4, rinotibetsera kurangarira pamubvunzo iwoyo. [Rava VaRoma 15:4.] Vanhu vakawanda zvikurusa munharaunda yedu vane Bhaibheri, asi vashomanene vanowana nguva yokurirava nguva dzose. Tinodavira kuti tariro bedzi yechokwadi yeramangwana inowanikwa muBhaibheri, uye tichabetserwa kana tikarirava.” Ita tsinhiro dzokuwedzera dzakakodzera, uye ipapo govera kuzvinyoresa kweNharireyomurindi nokuda kwe$25,00.
4 “Nharireyomurindi” yaMay 15 inosimbisa nyaya inofadza ine musoro unoti: “Upenyu Hutsva Nokuda Kwavakare Vedu.” Ungakwanisa kunyandura fariro neiyi sumo:
◼ “Vanhu vakawanda vanogaroshamiswa kuti madzitateguru avo aiva akaita sei. Sezvo vakafa uye vakaenda, vanhu vakawanda zvikurusa vanogumisa kuti hatizati tichizotongoziva. Munofunga kuti pane bviro ipi neipi yokuti tichazomboziva madzitateguru edu here?” Bvumira mhinduro. Rava Johane 5:28, 29, uye tsanangura kuti Mwari akapikira sei kuvapa upenyu hutsva muparadhiso yapasi.
5 Ungagona kugovera “Mukai!” yaMay 8 kupfurikidza nokubvunza mubvunzo, unoti:
◼ “Chii chamunofunga kuti kungada kuita kuti upenyu huve hwakakodzera chaizvoizvo kurarama?” Bvumira mhinduro. Nongedzera kunyaya inoti “Chii Chiri Revo Youpenyu?”, papeji 29, uye rava mashoko aSoromoni ari pana Muparidzi 2:11. Ipapo, ratidzira zano rake riri paganhuro 12, ndima 13. Kumbira kuti saimba agamuchire kuzvinyoresa.
6 Kana iwe uri kushanda nemagazini apamberi paMay 14, iva nechokwadi chokutakura makopi aMashoko oUmambo Nha. 34 uye agovere kuna ani naani uyo asati agamuchira kopi. Nguva dzose tinofanira kuva vakagadzirira kugovera zvinyorwa zvedu, tichiziva kuti zvingaraviwa navamwe vari mumhuri pamwe chete neshamwari idzo dzingavashanyira. (1 Tim. 6:18) Mashoko akanaka atinounza kuvanyoro angaponesa upenyu hwavo.—1 Tim. 4:16.