Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi February 1
“Munofunga kuti zvinonyatsoita here kuziva zvakaita Mwari? [Murege apindure.] Ndine chimwe chinhu chinonakidza nezvenyaya iyi.” Verenga uye kurukurai mashoko anowanika pasi pemubvunzo nhamba 2 papeji 16 uye rumwe rwemagwaro aripo. Govera magazini acho uye ronga kuzodzokera zvekare kuti mukurukure mashoko ari pasi pemubvunzo nhamba 3.
Awake! February
“Vanhu vakawanda vanofunga kuti Bhaibheri harina kururama mune zvesayenzi nemhaka yekuti rakanyorwa kare kare. Ko imi munofungei? [Murege apindure.] Vanhu vakawanda vanoshamisika kuti Bhaibheri rinotaura mashoko aya. [Verenga Isaya 40:22.] Nyaya inotangira papeji 22 inopindura mubvunzo unoti, Sayenzi neBhaibheri zvinowirirana here?”
Nharireyomurindi March 1
“Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa nokuparidza kwazvinoita. Makambozvibvunzawo here kuti nei tichiita basa iri? [Murege apindure.] Onai zviri kutsanangurwa pano. [Verenga Mateu 24:14.] Magazini iyi inopindura mibvunzo inoti: Mashoko akanaka chii? Umambo chii? Uye kuti mugumo uri kuuya chii?”
Awake! March
“Sezvo vakawanda vari kunetseka nekurwara, tiri kukurukurawo nevamwe rugwaro urwu runokurudzira. [Verenga Isaya 33:24.] Kana izvi zvichinge zvazadziswa, munofunga kuti upenyu huchange hwachinja zvakadini? [Murege apindure.] Kutozosvikira Mwari aita kuti zvinhu zvichinje, tine matanho anokosha atinogona kutora tose kuti tivandudze utano hwedu. Magazini iyi inotsanangura izvozvo.”