RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/95 p. 1
  • “Murinde”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Murinde”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira ‘Kuramba Takarinda’?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • “Ngwarirai, Uye Chenjererai!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • “Rambai Makarinda”—Awa Yokutonga Yasvika!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Tevedzera Muenzaniso waJesu Wokurinda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 7/95 p. 1

“Murinde”

1 Apo Jesu akataura mashoko akanyorwa pana Mateo 26:38-41, akanga achisvika nguva inotambudza zvikurusa yokuvapo kwake somunhu. Iyo yaizobvumikisa kuva nguva inokosha zvikurusa munhau yose yomunhu. Ruponeso rworudzi rwose rwomunhu rwakanga rwuri mungozi. Vadzidzi vaJesu vaifanira kuti va“rinde.”

2 Nhasi takamira pachikumbaridzo chokusvika kwaJesu mumabasa maviri romununuri nomuurayi. SavaKristu vakarinda vanoziva kurumidziro yenguva, hatingopeti bedzi maoko edu ndokumirira rununuro. Tinoziva kuti tinofanira kuva vakagadzirira nguva dzose. Kuri madikanwa kuti tirambe “tichishanda nesimba uye tichizvishandisa timene” mubasa redu kuna Jehovha. (1 Tim. 4:10, NW) Zvakadiniko nomumwe nomumwe wedu somunhu mumwe nomumwe? Tiri kuramba takarinda here?

3 Kuzvinzvera Timene: Jesu akanyeverawo, kuti: “Zvingwarirei mumene.” (Ruka 21:34, 35, NW) Tinofanira kuzvingwarira timene, tichiva nechokwadi chokuti tiri “vasina chavangapomerwa, . . . [na]vasina mhosva pakati porudzi rwakakombama, rwakatsauka.” (VaF. 2:15) Tiri kurarama zuva rimwe nerimwe savaKristu, tichitevedzera Jesu uye tichifamba mutsinhirano nenheyo dzinooneswa muShoko raMwari here? Tinofanira kudzivisa mufambiro usati uri wechiKristu unoratidzira nyika iyo “igere muna iye wakaipa.” (1 Joh. 5:19; VaR. 13:11-14) Apo tinozvinzvera timene nebetsero yaMagwaro, tiri zvirokwazvo vakarinda seizvo Jesu akarayira here?

4 Vakuru vanofanira kuva vakasvinurira kuti vashingaire mukuita migove yavo muungano, vachiziva kuti vachazvidavirira nokuda kwenzira yavanotarisira nayo boka. (VaH. 13:17) Misoro yemhuri ine musengwa chaiwo wokutungamirira mhuri dzavo munzira dzaJehovha. (Gen. 18:19; Josh. 24:15; enzanisa na 1 Timotio 3:4, 5.) Uyewo, kwakakosha sei kuti tose zvedu tiite murayiro wapaMagwaro wokudana! Ndicho chiratidzo chechiKristu chechokwadi.—Joh. 13:35.

5 Iva Akasvinurira Kunyevera Vamwe: Kuramba takarinda kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kupa ngwariro kwatiri timene. Tine basa rokuita vamwe vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Kuda muvakidzani kunofanira kutisunda kunyevera vamwe kuitira kuti zvimwe vangapukunyuka ruparadziko rwakatarisana nenyika ino. Uyu mutoro uri pavaKristu vose. Rutivi rwunokosha rwokunamata kwedu. (VaR. 10:9, 10; 1 VaK. 9:16) Kazhinji kazhinji tinonangana nokusakendenga kana kuti chishoro chakananga kuiri basa rinoponesa upenyu. Tine musengwa wokupfuurira, kunyange kana ruzhinji rwuchifuratira nyevero yedu. (Ezek. 33:8, 9) Kuda Mwari nomuvakidzani kwechokwadi kuchatisunda kutsungirira.

6 Ino haisi nguva yokuzvigutsa. Hatifaniri kubvumira funganyo dzoupenyu kutitsausa kana kuti kuva vanobatanidzwa kwazvo mumifarwa yetsika ino zvokuti iyo inobvumikisa kuva musungo. (Ruka 21:34, 35) Kana pakambova nedikanwo yepfungwa yekurumidziro, zvino ndiyo nguva yacho. Nguva iri kusvika nokukurumidza yokuti Jesu Kristu aite rutongeso patsika ino yakaipa. Avo bedzi vakamuka, vakasvinura, uye vakarinda vachapukunyuka. Kana tikateerera mirayiridzo yaJesu uye “[tikagona] kupukunyuka pazvinhu izvi zvose,” tichava vanoonga sei!—Ruka 21:36.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe