RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 pp. 3-4
  • Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Tevera Chiedza Chenyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 pp. 3-4

Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose

1 Chii chiri chiedza? Duramashoko rinochirondedzera se“chimwe chinhu chinoita kuti kuona kubvire.” Asi chaizvoizvo, pasinei hapo noruzivo rwake rwokugadzira zvinhu rwafambira mberi, munhu achiri asingazivi zvizere mhinduro kumubvunzo uyo Jehovha akabvunza sezvakanyorwa pana Jobho 38:24. Tinogona kurarama pasina chiedza here? Pasina chiedza hatingagoni kuvapo. Chiedza chinokosha nokuda kwokuona kwokunyama, uye Bhaibheri rinotiudza kuti mupfungwa yomudzimu, “Mwari chiedza.” (1 Joh. 1:5) Tinotsamira chose chose paUyo “wakativhenekera.”—Pis. 118:27.

2 Ikoku ndokwechokwadi mupfungwa yokunyama asi kwakatodaro zvikuru munzira yomudzimu. Rudzidziso rwenhema rwakatsausa vanhuwo zvavo, rwuchivasiya murima romudzimu, vachi“tsvangadzira pamadziro samapofu.” (Isa. 59:9, 10) Achisundwa norudo rwake rwusingaenzaniswi uye tsitsi, Jehovha ‘anotuma chiedza chake nezvokwadi.’ (Pis. 43:3) Nenzira chaiyoiyo mamiriyoni avanoonga akapindura, achibuda “[mu]rima [achiuya] kuchiedza chake chinoshamisa.”—1 Pet. 2:9.

3 Jesu Kristu anoita rutivi rwunokosha mukuunza ichi chiedza kunyika. Iye akati: “Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.” (Joh. 12:46) Nguva yake yose, simba, uye pfuma zvakanga zvakanangidzirwa kukuita kuti chiedza chezvokwadi chizivikanwe. Iye akafamba nzvimbo iri yose munyika yokumusha kwake, achiparidza uye achidzidzisa murinenge guta riri rose nomusha. Iye akatsungirira chitambudzo chenguva dzose chaibva kurutivi rwuri rwose, asi iye akaramba akasimba mubasa rake rokuparadzira chiedza chezvokwadi.

4 Jesu akanangidzira ngwariro pakusarudza, kurovedza, uye kuronga vadzidzi, nenharidzano yakananga mumurangariro. Pana Mateo 5:14-16 tinorava mirayiridzo yake kwavari: “Imi muri chiedza chenyika. . . . Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.” Kungofanana naJesu, ivo vakanga vachifanira kuva “zviedza panyika,” vachiparadzira chiedza chezvokwadi kunzvimbo iri yose. (VaF. 2:15) Ivo vakagamuchira mutoro iwoyo nomufaro, vachiurangarira sechinangwa chavo chikuru muupenyu. Chinguvana gare gare, Pauro akanga achikwanisa kutaura kuti mashoko akanaka akanga a“paridzirwa zvisikwa zvose pasi pokudenga.” (VaK. 1:23) Ungano yose yechiKristu yakanga yakabatana mukuita basa guru iroro.

5 Isu nhasi tinofanira kuva vanoonga kuti takasvika pakuva pakati paavo vaka“rash[a] mabasa erima.” (VaR. 13:12, 13) Tinogona kuratidza kuonga kwedu kupfurikidza nokutevedzera muenzaniso wakagadzwa naJesu navaKristu vakatendeka munguva yakapfuura. Dikanwo yokuti vamwe vanzwe zvokwadi ndeyekukurumidzira zvikuru uye yakakomba zvino kupfuura panguva ipi neipi munhau yomunhu. Hapana mumwe mubato unogona kuenzaniswa neiri basa mukurumidziro yaro uye betsero dzakakura.

6 Tinogona Sei Kupenya Sezviedza? Nzira huru yokuita kuti chiedza chedu chipenye ndeyokugoverana mubasa rokuparidza Umambo. Ungano iri yose ine gadziriro dzenguva dzose, dzakarongwa dzokuparidzira mundima yayo yakagoverwa. Uwandu hukuru zvikuru hwamabhuku hunoitwa kuti huwanike mumhatsa yakakura uye mumitauro yakawanda. Dzidzo huru inogoverwa kupfurikidza nemisangano, uye betsero mukurovedza vamwe somunhu oga inogoverwa neavo vane ruzivo rwokuzviwanira. Mikana yokutora rutivi yakazaruka kuvarume, vakadzi, vakura, uye kunyange vana. Munhu ari wose muungano anokumbirwa kuti atore rutivi pamwero upi kana upi uyo mano ake uye mamiriro ezvinhu zvinobvumidza. Mabasa ose eungano anonangidzira ngwariro pakuparidza, negadziriro dzokubetsera mutezo uri wose kugoverana munzira yakati. Songaniro yenguva dzose, yapedyo neungano ndiyo nzira yakanakisisa yokuva nechokwadi chokuti chiedza chedu chinoramba chichipenya.

7 Tinogona kupenya munzira dzingasava dzichibatanidza kupupura namashoko. Tinogona kukwezva ngwariro yavamwe nemhaka bedzi yomufambiro wedu. Ndizvo izvo Petro akanga achirangarira apo akakurudzira, kuti: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti . . . varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.” (1 Pet. 2:12) Vakawanda vanoyera basa kana kuti sangano nomufambiro weavo vanosonganirana naro. Apo vacherekedzi vanocherekedza vanhu avo vakachena mutsika, vakatendeseka, vane rugare, uye vanochengeta mutemo, vanorangarira vanhu vakadaro savakasiyana ndokugumisa kuti ivo vanorarama mukuwirirana nemipimo iri pamwero mukuru zvikuru kupfuura iyo inoteverwa noruzhinji. Naizvozvo murume anoita kuti chiedza chake chipenye apo anokudza uye anoda mudzimai wake nomutoo worudo; mudzimai anoita zvimwe chetezvo kupfurikidza nokuremekedza umusoro hwomurume wake. Vana vanotanhamara savakasiyana apo vanoteerera vabereki vavo ndokudzivisa utere hwevatano uye kushandiswa kwemirimo. Mushandi uyo anongwarira basa rake, akatendeseka, uye anorangarira vamwe anokosheswa zvikuru. Kupfurikidza nokuratidzira aya mavara echiKristu, tiri kuita kuti chiedza chedu chipenye, tichirumbidza mararamire edu kuvamwe.

8 Kuparidza kutaura kuvamwe pamusoro pezvatakadzidza muShoko raMwari. Ikoko kunoitwa pachikuva chavose kana kuti pamasuo, asi hakuna munzira ipi neipi kuganhurirwa kuzviitiko zvakadaro. Mibato yedu yezuva nezuva inotiita kuti tisangane nevanhu vakawanda. Kangani pazuva kaunotaura kuvavakidzani vako? Kazhinji sei apo mumwe munhu anogogodza pasuo rako? Vanhu vangani vakasiyana-siyana vaunoonana navo apo unotenga, unofamba nebhazi, kana kuti kushanda pabasa rako rokunyika? Kana uri munhu muduku ari muchikoro, unogona here kuverenga nhamba yavanhu vaunotaura kwavari zuva rimwe nerimwe? Mikana yokutaura kuvamwe inodokuva isina kuganhurirwa. Chaunongoda bedzi kurangarira mifungo mishomanene yapaMagwaro, kuchengeta Bhaibheri nematurakiti akati zviri pedyo, uye kutanga kutaura apo unowana mukana wacho.

9 Kunyange zvazvo kupupura kusina kurongwa kwakapfava zvikuru, vamwe vanonzwa vachizengurira kukuedza. Ivo vangava vanozengurira, vachitaura kuti ivo vanonyara zvikuru kana kuti vanotya zvikuru kusvika vavasingazivi. Ivo vanganzwa vachitya kukwevera ngwariro pavari vamene kana kuti kuwana mhinduro ine hasha. Avo vane ruzivo rwokuzviwanira mukupupura kusina kurongwa vanogona kukuudza kuti hapawanzovi nechisakiso chipi nechipi chefunganyo. Vamwe vakangoita sesu; vane zvinodikanwa zvimwe chetezvo, vanorangarira itiro hanya dzimwe chetedzo, uye vanoda zvinhu zvimwe chetezvo nokuda kwavo vamene nemhuri dzavo. Vakawanda zvikurusa vachapindura munzira yomutsa kukunyemwerera kwomufaro uye kwoushamwari kana kuti kumhorosa kwoushamwari. Kuti utange, ungafanira ku‘tsunga.’ (1 VaT. 2:2) Ukangotanga, zvisinei, ungashamiswa uye kufadzwa nemigumisiro yacho.

10 Takakomborerwa Apo Tinoita Kuti Chiedza Chedu Chipenye: Heinoi mimwe mienzaniso yezvinoitika zvinozorodza zvinobva mukupupura kusina kurongwa: Mumwe mukadzi ane makore 55 okukura akanga achiedza kudimbura mugwagwa. Sezvo motokari yakanga yodokumurova, imwe hanzvadzi yakabata ruoko rwake ndokumukwevera kukotsekano, ichiti: “Ndapota ngwarirai. Tiri kurarama munguva dzine ngozi!” Iyo yakatsanangura ipapo chikonzero nei nguva dzine ngozi kwazvo. Mukadzi wacho akabvunza kuti, “Uri mumwe weZvapupu zvaJehovha here?” Achinge awana rimwe ramabhuku edu rakabva kumukoma wake, mukadzi wacho aida kusangana nomumwe weZvapupu zvaJehovha, uye uku kusangana kwakakuita kuti kubvire.

11 Imwe hanzvadzi yakatanga kurukurirano nomumwe mukadzi mukamuri rokumirira pahofisi yachiremba. Mukadzi wacho akateerera nenzira yokungwarira uye ipapo akati: “Kwenguva yakati, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichisangana neni; asi kana pane imwe nguva mune ramangwana ndikagona chaizvoizvo kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha ini ndimene, kuchava kuri nemhaka yezvauchangobva kundiudza. Kukuteerera kwakafanana nokutanga kuona chiedza munzvimbo ine rima.”

12 Chiito chomutsa chinogona kuva nhanho yokubetsera vamwe kudzidza zvokwadi. Padzaifamba dzichienda kumba dzichibva kubasa romumunda, hanzvadzi mbiri dzakacherekedza mukadzi akwegura uyo airatidzika kuva achirwara sezvo aidzika bhazi. Idzo dzakamira ndokubvunza mukadzi wacho kana akanga achida betsero. Iye akashamiswa kwazvo kuti vanhu vaviri vaasingatombozivi vangaratidza fariro maari zvokuti akaomerera pakuda kuziva kuti chii chakanga chanyandura chiratidzo chomutsa chakadaro. Ikoku kwakazarura mukana wouchapupu. Mukadzi wacho akapa nokudisa kero yake ndokuvakoka nenzira youshamwari kuti vamushanyire. Fundo yakatangwa. Nokukurumidza mukadzi wacho akavamba kupinda misangano uye zvino ari kugoverana zvokwadi nevamwe.

13 Imwe hanzvadzi yakwegura inoshandisa kupupura kwamangwanani-ngwanani pamhenderekedzo yegungwa yomunzvimbomo. Iyo inosangana nevashandi vomumba, vareri, vashandi vomumabhangi, uye vamwewo avo vanoita kufamba-famba kwamangwanani mumhenderekedzo. Iyo inoitisa fundo dzeBhaibheri, yakagara pamabhenji. Vanhu vanoverengeka vakadzidza zvokwadi kwaari uye zvino vava Zvapupu zvaJehovha.

14 Pabasa rayo rokunyika, imwe hanzvadzi yakanzwa mushandi biyayo achitaura pamusoro pebato rezvematongerwe enyika iro aidavira kuti ringagona kupedza zvinetso zvenyika. Hanzvadzi yacho yakataura naye, ichirondedzera zvipikirwa pamusoro peicho Umambo hwaMwari huchaita. Iyi kurukurirano pabasa yakatungamirira kufundo yeBhaibheri yenguva dzose mumusha, uye pakupedzisira mukadzi wacho nomurume wake vakava Zvapupu.

15 Usatongokanganwa Kuti Uri Chapupu! Apo Jesu akarondedzera vadzidzi vake se“chiedza chenyika,” akarangarira kuti vanofanira kuva vachibetsera vamwe kubetserwa nevhenekero yomudzimu yeShoko raMwari. Kana tikashandisa zano raJesu, ticharangarira sei ushumiri hwedu?

16 Pakutsvaga basa, vamwe vanhu vanosarudza basa renguva isina kuzara. Vanoisa ganhuriro panguva nenhamburiko zvavachaisa mariri nemhaka yokuti vanoda kushandisa yakawanda zvikurusa yenguva yavo vachironda mibato yavanowana kuva inotusa zvikuru. Tiri kuva nemurangariro wakafanana woushumiri hwedu here? Kunyange zvazvo tinganzwa tichisungirwa uye kunyange kudisa kutsaura nguva yakati nokuda kwoushumiri, fariro dzedu huru dzinofanira kuva kune imwe nzvimbo here?

17 Tinoziva kuti hapana chinhu chakadai somuKristu wenguva isina kuzara, takaita tsauriro yedu, ‘tichizviramba timene’ uye tichibvuma kutevera Jesu “nguva dzose.” (Mat. 16:24, NW) Chishuvo chedu ndechokupfuurira “nomwoyo wose,” tichishandisa mukana uri wose kuita kuti chiedza chedu chipenye kuitira kuti tisvike vanhu kupi kana kupi kwavangava vari. (VaK. 3:23, 24) Tinofanira kudzivisa zvimiro zvendangariro zvenyika, kuchengeta shingairo yedu seyapakuvamba, uye kuva nechokwadi chokuti chiedza chedu chinopfuurira kupenya nenzira yakajeka. Vamwe vangava vakabvumira shingairo yavo kutonhora uye chiedza chavo kuva chinongopenya zvishoma, chisingatongooneki padaro pfupi. Munhu akadaro angada betsero kuti awanezve shingairo yakarasika nokuda kwoushumiri.

18 Vamwe vangarega nemhaka yokuti shoko redu haridiwi navakawanda. Pauro akataura kuti shoko pamusoro paKristu rakanga riri “upenzi kuna vanoparadzwa.” (1 VaK. 1:18) Pasinei hapo neizvo vamwe vakataura, zvisinei, iye nenzira ine simba akazivisa, kuti: “Nokuti handinyari pamusoro peEvhangeri.” (VaR. 1:16) Munhu uyo anonyara anonzwa akaderera uye asina kukodzera. Tingagona sei sezvinobvira kunzwa tichinyara apo tinotaura pamusoro paChangamire Mukurusa wechisiko chose uye gadziriro dzinoshamisa dzaakaita nokuda kwomufaro wedu usingagumi? Hakufungiki kuti tinganzwa takaderera uye tisina kukodzera apo tinenge tichitaura idzi zvokwadi kuvamwe. Panzvimbo pakwo, tinofanira kunzwa tichisundwa kuita unani hwedu, tichiratidzira kupwiswa kwedu kuti hapana “chinhu chatinofanira kunyara nacho.”—2 Tim. 2:15, NW.

19 Chiedza chezvokwadi icho chiri kupenya zvino munyika kupota pasi rose chinogovera nenzira youshamwari tariro youpenyu husingaperi munyika itsva yeparadhiso. Ngatiratidzei kuti takafungisisa zano rokuita kuti chiedza chedu chipenye nguva dzose! Kana tikadaro, tichava nechisakiso chokufara kungofanana nevadzidzi avo zuva riri rose vasi“na kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu.”—Mabasa 5:42.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe