“Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
1. Tine ropafadzo yokugoverana chii nevamwe?
1 Kubva mambakwedza kusvikira panguva yorubvunzavaeni, kunaka kwechiedza chinooneka kunorumbidza Jehovha Mwari. Asi, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vave nechiedza chakasiyana neichocho—“chiedza choupenyu.” (Joh. 8:12) Kuva nechiedza ichi iropafadzo chaiyo inosanganisira basa guru. Jesu akarayira kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu,” zvobva zvabatsirawo vamwe. (Mat. 5:16) Nhasi zvakuine rima gobvu mune zvokunamata, chiedza ichi chinofanira kupiwawo vamwe, uye chiri kutonyanya kudiwa kupfuura kare! Kufanana naKristu, tingaita sei kuti chiedza chedu chivheneke?
2. Jesu akaratidza sei kukosha kwekuudzawo vamwe chokwadi chezvokunamata?
2 Nokuparidza: Jesu akashandisa nguva yake, simba, nezvinhu zvake kuti vanhu vawane chiedza chechokwadi mumisha yavo, munzvimbo dzavose, pamusoro pemakomo—pose pose pavaiwanikwa. Aiziva kuti kupa vamwe ruzivo rwechokwadi mune zvokunamata kunokosha zvikuru. (Johani 12:46) Kuti asvike kune vanhu vakatowanda, Jesu akagadzirira vadzidzi vake kuti vave “chiedza chenyika.” (Mat. 5:14) Vakaita kuti chiedza chavo chivheneke kuburikidza nokuitira vavakidzani zvakanaka uye kuudzawo vamwe chokwadi chezvokunamata.
3. Tingaratidza sei kuti tinonyatsokoshesa chiedza chechokwadi?
3 Vanhu vaMwari vanokoshesa basa ‘rokuramba vachifamba sevana vechiedza,’ uye vanoparidza kwose kunowanikwa vanhu. (VaEf. 5:8) Kungoverenga Bhaibheri kana mamwe mabhuku eBhaibheri vamwe vanhu vachikuona panguva yokuzorora kubasa kana kuchikoro kunogona kuita kuti mutange kukurukura nezveBhaibheri nemumwe munhu. Imwe hanzvadzi yechiduku yakazviita yakatanga chidzidzo cheBhaibheri uye yakagovera mabhuku 12 kune vainodzidza navo kuchikoro!
4. Nei ‘kuita kuti chiedza chedu chivheneke’ kuchisanganisira kuva neunhu hwakanaka?
4 Nemabasa Akanaka: Kuita kuti chiedza chedu chivheneke kunosanganisirawo mufambiro wedu wezuva nezuva. (VaEf. 5:9) Mufambiro wechiKristu unowanzoonekwa nevamwe kubasa, kuchikoro, uye mune dzimwe nzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda, uye unoita kuti pave nemikana yokugoverana nevamwe chokwadi chomuBhaibheri. (1 Pet. 2:12) Somuenzaniso, unhu hwakanaka hwemumwe mukomana wemakore mashanu hwakaita kuti mudzidzisi wake ashevedze vabereki vake. Mudzidzisi wacho akataura kuti: “Handisati ndamboona mwana anonyatsoziva zvakanaka nezvakaipa seizvi!” Chokwadi, ushumiri hwedu neunhu hwedu hwakanaka zvinoita kuti vanhu vade “chiedza choupenyu” uye zvinoita kuti Mwari arumbidzwe.