Betserwa Nechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1996—Rutivi 2
1 Nokukurumidza pashure pokuvambwa kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari muna 1943, rimwe ramapazu eSosaiti rakashuma, kuti: “Iyi gadziriro yakaisvonaka zvikuru yakabudirira munguva pfupi mukubetsera hama dzakawanda kuti dzigova dzinogona zvikuru pachikuva uye dzinobudirira zvikuru mumunda idzo dzakanga dzafungidzira kuti dzaisatongova vakurukuri vapachena.”
2 Kurava Bhaibheri: Avo vanopiwa mativi okutaura havasi ivo voga vanobetserwa nechikoro. Chaizvoizvo, tose zvedu tine mugove—kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki. Rudungwe rwechikoro rwunoratidza kuti ndeapi maganhuro eBhaibheri anofanira kuraviwa vhiki imwe neimwe. Pane zviyeuchidzo zvakawanda zvapaMagwaro izvo zvinosimbisa ukoshi hwokurava Bhaibheri zuva nezuva. (Josh. 1:8; Pis. 1:2; Mabasa 17:11) Kurava Bhaibheri kwakakosha kuutano hwomudzimu hwakanaka; kunodyisa ndangariro nomwoyo. Kana tikarava Bhaibheri kweanenge maminiti mashanu pazuva, tichakwanisa kufambirana norudungwe. Pakupera kwegore, tichava tarava anopfuura maganhuro 150 eShoko raMwari.
3 Hurukuro Yomurayiridzo: Kuti asunde hama kubasa rokuvimbika, rokushingaira, mukurukuri anopa hurukuro yomurayiridzo anofanira kushandisa mitoo yakanaka yokudzidzisa, kupa nzwisiso, uye kuvaka kuonga Jehovha, Shoko rake, uye sangano rake. Vakuru nevabatiri vanoshumira vanogona kuita ikoku kupfurikidza nokugadzirira zvakanaka, kuvakira hurukuro yavo pamusoro wacho, kutaura nokupwiswa, uye kuita kuti mashoko acho ave akajeka. (VaH. 4:12) Kunze kwokuva nezano rinokurudzira uye rinosunda, bhuku raVakabatana Mukunamatwa rinonyandura kupanga kwedu zivo yomudzimu. Masimba edu okurangarira anosimbiswa kupfurikidza nenzira iyo mashoko acho anopiwa nayo. Uyewo, pachava nekuhwirudzurwa kwezvimwe zvezvinyorwa zvegore rakapfuura zvemagazini yeNharireyomurindi. Murangariro nezano zvinoshanda zviri munyaya dzakarongwa nokuda kwehurukuro yomurayiridzo.
4 Mapfundo Makuru eBhaibheri: Hama dzinopiwa uyu mugove dzinofanira kusarudza ndima dzakananga idzo dzinogona kushandiswa munzira inoshanda nokuda kwokubetserwa kweungano. Ikoku kunoda kurava maganhuro akagoverwa, kufungisisa paari, uye kunzvera ndima dzakasarudzwa kuti uwane mapfundo ayo achajekesa revo yemagwaro iwayo. Shure kweWatch Tower Publications Index, kune “Scripture Index,” iyo inogona kuva inobetsera mukuwana mashoko pamusoro pendima dzakananga dzeBhaibheri. Hama dzinoita urwu rutivi dzinofanira kushandisa chisarudzo chakanaka ndokudzivisa kuwedzera mashoko asiri madikanwa. Idzo hadzifaniri kugadzirira mashoko akawanda kupfuura ayo anogona kufukidzwa nenzira ine mufungo mumaminiti matanhatu.
5 Tose zvedu tinogona kubetserwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Chinogona kutibetsera kuvandudza mukutaura kwedu uye mano okudzidzisa. Kushandisa zvakazara iyi gadziriro zvirokwazvo kuchatibetsera kuita ‘kuti kupfuurira mberi [kwedu] kuonekwe kuvanhu vose.’—1 Tim. 4:15.