RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/96 p. 2
  • Misangano Yebasa yaFebruary

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaFebruary
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naFebruary 5
  • Vhiki Inotanga naFebruary 12
  • Vhiki Inotanga naFebruary 19
  • Vhiki Inotanga naFebruary 26
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 2/96 p. 2

Misangano Yebasa yaFebruary

Vhiki Inotanga naFebruary 5

Rwiyo 96

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko Oushe.

15 min: “Kuzivisa Zvokwadi Zuva Nezuva Mukutevedzera Jesu.” Mibvunzo nemhinduro. Ravai ndima 5.

20 min: “Zvakazarurwa—Kiyi Kumufarwa Wechokwadi.” Kurukurai mharidzo dzakakarakadzwa, uye ivai nomuenzaniso mumwe kana kuti miviri.

Rwiyo 14 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 12

Rwiyo 191

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

13 min: “Gadzirira Mubato Wamagazini Muna April.” Simbisai ukoshi hweNharireyomurindi uye Mukai! mukuzivisa mashoko akanaka. Ravai nyaya ine ndima mbiri, uye onesai icho ungano yomunzvimbomo ichaita kuti April ave mwedzi chaiwo wokuparadzirwa kwamagazini.

22 min: “Ndinogona Sei Kuwana Nzeve Inoteerera?” Mibvunzo nemhinduro. Itai kuti vaparidzi vaviri vakurukure nzira yavachaedza nayo kuratidzira ushamwari hukuru pakutaura pamasuo, vachishandisa zvimwe zvezvikarakadzo zvinopiwa muBhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 165-7, ndima 10-21.

Rwiyo 133 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 19

Rwiyo 72

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: “Vabetsere Kunzwisisa.” Hwirudzurai mharidzo dzakakarakadzwa nokuda kwokuita shanyo dzedzokerero. Mukuru anokurukura nevaparidzi vaviri kana kuti vatatu mativi ebhuku raZvakazarurwa uye kuti iwaya angasimbiswa sei. Enzanisirai mharidzo imwe kana kuti mbiri. Goverai zvikarakadzo pamusoro penzira yamunogona nayo kutanga fariro kusvikira kupfundo uko fundo yeBhaibheri inogona kutangwa mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi.

20 min: “Bazu Rinoda Tsigiro Yako Inopfuuridzirwa.”—Rutivi 1. Kurukurirano ine upenyu yemibvunzo nemhinduro kubva pandima 1-15, kubatanidza “Bhokisi Rehwirudzuro.” Batanidzai bvunzurudzo pfupi kana kuti tsinhiro dzinobva kuna vapi navapi vakava nomukana wokushanda paBheteri kana kuti Pakuvaka. Mukuru anoitisa urwu rutivi anofanira kupedza anenge maminiti maviri achihwirudzura mapfundo makuru, achishandisa “Bhokisi Rehwirudzuro.”

Rwiyo 53 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naFebruary 26

Rwiyo 28

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

10 min: “Betserwa neChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari cha1996—Rutivi 2.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Simbisai dikanwo yokurava Shoko raMwari zuva nezuva.

20 min: “Bazu Rinoda Tsigiro Yako Inopfuuridzirwa.”—Rutivi 2. Mukuru anoitisa kufukidzwa kwemibvunzo nemhinduro kune mbavarira kwenyaya yacho kubva pandima 16-28. Vambai nehwirudzuro pfupi yoRutivi 1 ndokupedzisa nehwirudzuro muchishandisa bhokisi rakanzi “Unoyeuka Here?” Batanidzai tsinhiro dzine mbavarira dzaavo vakashanyira Bheteri.

10 min: Kugovera bhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi mukati maMarch. Onesai mamwe amativi anofadza ebhuku racho ayo anogona kushandiswa kutanga kurukurirano. (1) Kwevera ngwariro kumifananidzo inonyandura, yakadai seiyo inoratidzwa pamapeji 4-5, 86, 124-5, 188-9. (2) Ratidzai nzira iyo ndima imwe neimwe inoguma nayo nendaza yemibvunzo yehwirudzuro, uye tsanangurai mashandisirwe ainogona kuitwa sohwaro hwemharidzo. Saimba angagona kubvunzwa kana angada kuziva mhinduro. Sarudzai mimwe mibvunzo pakati peiyo yakarongwa pamapeji 11, 22, 61, 149. (3) Nongedzerai kubhokisi riri papeji 102, uye ipai zvikarakadzo zvinoratidza nzira iyo “Mamwe Mativi Amazuva Okupedzisira” angagona kushandiswa nayo kunyandura fariro. (4) Simbisai nzira iyo bhuku racho rakarongedzerwa nayo zvikurukuru nokuda kwokuitisa fundo dzinofambira mberi. Maganhuro acho mapfupi, mashoko acho ari nyore kunzwisisa, magwaro ane simba akaratidzirwa, uye mibvunzo inonyandura inonangidzira ngwariro pamapfundo makuru. Kurudzirai vose kugovera bhuku racho nenharidzano yokutanga fundo.

Rwiyo 151 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe