RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/96 p. 1
  • Ita Basa Rinoyera Masikati Nousiku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ita Basa Rinoyera Masikati Nousiku
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Vaparidzi veMashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Shingairira Kuita Zvakanaka!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 4/96 p. 1

Ita Basa Rinoyera Masikati Nousiku

1 Ropafadzo yakatanhamara yakapiwa kwatiri. Ndiyo yokuva zvapupu zvaJehovha. Nemhaka yekurumidziro yenguva dzedu, tiri kugoverana here muiri basa kusvikira kumwero wakazara zvikurusa unobvira?

2 Hatizivi kuti vangani vachadavidza pakupedzisira kukuparidza kwedu. Jehovha anotivimbisa kuti richava “boka guru,” vose avo vanozivikanwa noku“muitira [kwavo] basa rinoyera masikati nousiku.” (Zvak. 7:9, 15, NW) Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni mashanu izvo zvakatobatikana mubasa raMwari hazvisi bedzi vateereri vanofarira, uyewo hazvisi vapindi chete vemisangano.

3 Zuva riri rose, kune mikana yokurumbidza Jehovha, mubasa romumunda kana kuti zvimwe nenzira isina kurongwa. Funga nezveuchapupu hukuru hungagona kupiwa kudai mumwe nomumwe wedu akatanga kugoverana zvokwadi nomunhu mumwe chete zuva rimwe nerimwe. Kuonga kwedu Jehovha kunofanira kutisunda kutaura pamusoro pake nembavarira.—Pis. 92:1, 2.

4 Betsera Vamwe Kuita Basa Rinoyera: Jehovha anopfuurira kutikomborera newedzero. (Hag. 2:7) Mukati megore rebasa rakapfuura muZimbabwe, avhareji yefundo dzeBhaibheri dzapamusha 34 638 dzakaitiswa mwedzi mumwe nomumwe. Nharidzano yedu mukufunda neava vanhu ndeyokuvabetsera kuva vadzidzi vaJesu. (Mat. 28:19, 20) Vakawanda vavo vakatoita fambiro mberi yakaisvonaka kupfurikidza nokupinda misangano nguva dzose. Vakatanga kutaura navazivikanwi vavo “pamusoro pezvinhu zvinoshamisa zvaMwari” izvo vakadzidza. (Mabasa 2:11, NW) Vanogona kukokwa zvino kuti vatore rutivi muushumiri hwapachena here?

5 Mukati maApril tinofanira kuita nhamburiko chaiyo yokukoka vatsva vanokwanirisa, kuti vatikumbanire mubasa romumunda. Mudzidzi wako akaratidzira chishuvo chokuita ikoku here? Kana zvakadaro, anosvitsa zvinodikanwa zvapaMagwaro here? (Ona bhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 97-9.) Apo mudzidzi anoshuva kugoverana mubasa romumunda, kurukura kariro dzake nomutariri anotungamirira, uyo acharonga kuti vakuru vaviri vanzvere nhau yacho. Kana mudzidzi wacho achikwanirisa kugamuchirwa somuparidzi asina kubhapatidzwa, mukoke kuti akukumbanire mumunda. Vatariri vebasa nevaitisi vefundo dzebhuku vanofanira kungwarira zvikuru kubetsera avo vangakwanirisa kuvamba kuparidza muna April.

6 Vabereki vangarangarira kana vana vavo vachikwanirisa kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa. (Pis. 148:12, 13) Kana mwana wenyu achishuva kuzvitaurira amene mubasa roUmambo uye ane mufambiro wakanaka, mungasvika mumwe wavakuru vari mudare rebasa kuti mukurukure mamirire acho ezvinhu. Pashure pokusangana nemi nemwana wacho, vakuru vaviri vachafanira kusarudza kana mwana wenyu achikwanirisa kuverengwa somuparidzi. Pane chisakiso chaicho chokufara apo vana vanotikumbanira mukurumbidza Mwari!

7 Jehovha bedzi ndiye akafanirwa nebasa redu rinoyera. (Ruka 4:8) Mumwe nomumwe wedu ngaashandise ropafadzo yedu inoshamisa yokumurumbidza “zvikuru kwazvo.”—Pis. 109:30; 113:3, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe