RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/15 pp. 3-6
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mazano Ekuti Misangano Yebasa Remumunda Ibatsire
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 3/15 pp. 3-6

Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira

1. Misangano yebasa romumunda inotibatsira sei?

1 Pane imwe nguva, Jesu akaita musangano nevadzidzi vake 70 vasati vaenda kunoparidza. (Ruka 10:1-11) Akavakurudzira paakavayeuchidza kuti vaisazova vega uye kuti vakanga vachitungamirirwa naJehovha, “Tenzi wokukohwa.” Akavapawo mirayiridzo yekuti vaizoita sei basa racho, uye akavaronga kuti vaende vari “vaviri vaviri.” Mazuva ano, misangano yatinoita tisati taenda muushumiri inotibatsirawo saizvozvo. Inotikurudzira, inoita kuti tizive zvatichaita, tozviita nenzira yakarongeka.

2. Musangano webasa remumunda unofanira kunge wakareba sei?

2 Iye zvino musangano webasa remumunda uyo unosanganisira kuronga mapoka, kupa vaparidzi ndima, uye munyengetero, uri kuitwa mumaminitsi 10 kusvika ku15. Izvi zvava kugadziridzwa. Kutanga muna April, musangano webasa remumunda uchange wava kuitwa kwemaminitsi 5 kusvika ku7. Zvisinei, kana uchiitwa pashure pemusangano weungano, unofanira kunge utori mupfupi kupfuura izvi, sezvo vanhu vanenge vachangobva kudzidziswa pfungwa dzakanaka dzemuMagwaro. Kuva nemisangano yebasa remumunda mipfupi kuchaita kuti vanhu vose vave nenguva yakawanda yekuparidza. Uye kana paine mapiyona nevaparidzi vanenge vatanga kuparidza nguva dzemusangano webasa dzisati dzasvika, zvichaita kuti vangomira kuparidza kwenguva pfupi.

3. Misangano yebasa remumunda ingarongwa sei kuti inonyatsobatsira vaparidzi?

3 Misangano yebasa remumunda inofanira kurongwa nenzira ichaita kuti vaparidzi vanyatsobatsirwa. Muungano dzakawanda, zvakanaka kuti boka rekuparidza rimwe nerimwe risangane roga, pane kuti mapoka acho aungane panzvimbo imwe chete. Izvi zvinogona kuitira nyore vaparidzi kuenda kumusangano wacho uye kundima. Vaparidzi vachakurumidza kurongwa, uye zvichava nyore kuti vatariri vemapoka vanyatsobatsira vari mumapoka avo. Dare revakuru rinogona kufunga nezvemamiriro ezvinhu eungano, roona kuti ndezvipi zvinonyatsoita. Musati mapa munyengetero mupfupi wekupedzisa musangano webasa remumunda, vanhu vose vanofanira kunge vava kuziva kuti vachanoparidza kupi uye naani.

4. Sei misangano yebasa remumunda ichifanira kukosheswa semimwe misangano yeungano?

4 Inokosha Kungofanana Nemisangano Yeungano: Sezvo misangano yebasa remumunda ichiitwa kuti ibatsire vanenge vachibuda muushumiri, ingasapindwa neungano yose. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti tinofanira kuiona seisingakoshi kana tichiienzanisa nemimwe misangano yeungano. Sezvakaita mimwe misangano yedu yose, misangano yebasa remumunda chimwe chezvinhu zvatinopiwa naJehovha zvinotibatsira kuti tive nerudo nemabasa akanaka. (VaH. 10:24, 25) Saka, anoitisa musangano uyu anofanira kunyatsogadzirira kuti kukurukura kwaachaita neboka kukudze Jehovha uye kubatsire vanenge vauya. Kana zvichikwanisika, vaparidzi vanenge vachida kuenda muushumiri vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vaupinde.

Misangano yebasa remumunda haifaniri kuonekwa seisingakoshi kana ichienzaniswa nemimwe misangano yeungano

5. (a) Ndezvipi zvinofanira kuitwa nemutariri webasa pakuronga misangano yebasa remumunda? (b) Hanzvadzi inofanira kuitisa sei musangano webasa?

5 Kugadzirira Kunoitwa Nemuitisi: Kuti munhu aite nemazvo zvaakakumbirwa kuita pamusangano weungano, anofanira kuudzwa pachine nguva. Ndizvowo zvimwe chete nemisangano yebasa remumunda. Boka rimwe nerimwe parinoungana riri roga, mutariri weboka racho kana kuti uya anomubatsira ndivo vanoitisa musangano wacho. Zvisinei, kana ungano ichizoita musangano webasa remumunda pamwe chete, mutariri webasa achasarudza achaitisa. Vamwe vatariri vebasa vanopa purogiramu yacho kune vose vanoitisa, voisa imwe yacho pabhodhi rezviziviso. Mutariri webasa anofanira kushandisa ungwaru pakusarudza vachaitisa. Anofanira kuyeuka kuti kubatsira kwemisangano iyi kuchabvawo pakuti anoitisa wacho ane unyanzvi hwakadini hwekudzidzisa uye kuronga. Kana pasina mukuru, mushumiri anoshumira, kana kuti hama yakabhabhatidzwa inokwanisa, kuti iitise pane mamwe mazuva, mutariri webasa anofanira kuudza hanzvadzi yakabhabhatidzwa inokwanisa, kuti izoitisa.—Ona nyaya yakanzi “Hanzvadzi Painoitisa.”

6. Sei zvichikosha kuti anenge anzi azoitisa musangano webasa anyatsogadzirira?

6 Patinopiwa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri kana kuti paMusangano Webasa, tinoikoshesa uye tinonyatsogadzirira. Vakawanda vedu hatimiriri kuti tizotanga kugadzirira zvatichada kutaura, tatova munzira kuenda kumusangano. Ndizvowo zvatinofanira kuita patinenge tanzi tiitise musangano webasa remumunda. Sezvo musangano webasa uchange wava mupfupi, zvinokosha chaizvo kunyatsougadzirira kuti unyatsobatsira uye upere nenguva. Kunyatsogadzirira kunosanganisira kuziva pachine nguva kuti indima ipi ichashandwa.

7. Muitisi anogona kukurukura zvinhu zvipi neboka?

7 Zvekukurukura: Sezvo ndima dzichisiyana, muranda akatendeka haana kugadzira purogiramu yezvinofanira kukurukurwa pamusangano webasa remumunda mumwe nemumwe. Bhokisi rakanzi “Pakuita Musangano Webasa Remumunda, Munogona Kukurukura,” rine zvimwe zvamunogona kushandisa. Kakawanda kacho, musangano uyu unoitwa muchikurukurirana. Pano neapo, munogona kuvawo nemuenzaniso kana kushandisa vhidhiyo yakakodzera pane dziri pajw.org. Muitisi paanenge achigadzirira musangano webasa remumunda, anofanira kufunga zvinhu zvichakurudzira uye zvichaita kuti vari kubuda muushumiri vazive zvavachaita.

Muitisi paanenge achigadzirira musangano webasa remumunda, anofanira kufunga zvinhu zvichakurudzira uye zvichaita kuti vari kubuda muushumiri vazive zvavachaita

8. Ndezvipi zvinonyatsobatsira zvamungakurukura pamusangano webasa remumunda musi weMugovera neSvondo?

8 Somuenzaniso, musi weMugovera, vaparidzi vakawanda vanenge vachipa vanhu Nharireyomurindi neAwake! Vakawanda vanobuda muushumiri musi weMugovera havabudi pakati pevhiki, saka zvinogona kuvaomera kuyeuka mharidzo dzavakagadzirira pamanheru avo oKunamata Kwemhuri. Saka kana muitisi akadzokorora imwe yemharidzo dzokuenzanisira dziri papeji yekupedzisira yeUshumiri Hwedu hwoUmambo, zvingavabatsira. Munogonawo kukurukura kuti nhau dzekwamunogara, chimwe chiitiko, kana kuti rimwe zororo, zvingabatana sei nemharidzo yekupa vanhu magazini, kana kuti nekuronga pekuzotangira kana munhu abvuma magazini. Kana paine vamwe vakatopa vanhu magazini emwedzi iwoyo, muitisi anogona kuvakumbira kuti vataure muchidimbu mazano kana kuti zvinokurudzira zvavakasangana nazvo. Musi weSvondo, muitisi anogona kuitawo zvimwe chete zvichienderana nokuti ndezvipi zvatiri kupa vanhu mwedzi iwoyo. Chero zuva, tinogona kupa vanhu zvinyorwa zvatinoshandisa pakudzidza navo, zvakadai sebhurocha raMashoko Akanaka kana kuti raTeerera Mwari uye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, saka muitisi anogona kukurukura muchidimbu kuti mungaita sei pakupa vanhu chimwe chezvinyorwa izvi.

9. Chii chingakurukurwa pamunenge muchiita mushandirapamwe pakupera kwevhiki?

9 Kana ungano ichiita mushandirapamwe pakupera kwevhiki, muitisi anogona kukurukura kuti tingapa sei vanhu magazini emwedzi iwoyo nepepa rekuvakoka kana kuti turakiti, kana kuti zvatingaita kana munhu afarira. Anogonawo kuita kuti vanhu vataure zvakaitika zvinoratidza kukosha kwekuva nemushandirapamwe wakaita seiwoyo.

10, 11. Sei zvichikosha kuti vaparidzi vagadzirire kuitira kuti musangano webasa ufambe zvakanaka?

10 Kugadzirira Kunoitwa Nevaparidzi: Vaparidzi vane zvavanoitawo kuti musangano webasa remumunda ufambe zvakanaka. Kana vakagadzirira musangano wacho, zvimwe pavanenge vachiita kunamata kwemhuri, vachava nezvekuudzawo vamwe vaparidzi. Kunyatsogadzirira kunosanganisira kuva nemagazini nezvinyorwa tisati tasvika panoitirwa musangano webasa remumunda, kuitira kuti tose tiende kundima pasina kumbomira-mira.

11 Zvinokoshawo kuti tironge kusvika panoitirwa musangano webasa remumunda maminitsi mashoma usati watanga. Ichokwadi kuti tinoda kusvika pamisangano yose zvayo yeungano nenguva. Zvisinei, kana tikanonoka kumusangano webasa remumunda, tinogona kuvhiringidza vamwe zvikuru. Sei tichidaro? Hama inenge ichitungamirira ine zvakati kuti zvainofunga isati yaronga kuti boka richafamba sei. Kana paine vaparidzi vashoma, inogona kusarudza kuti vose vaende kundima yakasiyirwa panzira. Kana vamwe vafamba netsoka pakuuya kumusangano webasa remumunda uye ndima inenge ichishandwa iri kure, hama iyi inogona kuita kuti vaparidzi ava vabude nevauya nemotokari. Kana ndima yacho ichiwanzonetsa matsotsi, muitisi anogona kuita kuti hama dzibude nehanzvadzi kana kuti dzishande dziri pedyo nemapoka ehanzvadzi. Vaparidzi vanonetseka neutano vanganzi vashande mumugwagwa usina mikwidza, kana kuti une dzimba dzisina masitepisi akawanda. Vaparidzi vatsva vangafanira kurongwa kuti vashande nevane ruzivo. Asi kana vaparidzi vakanonoka kusvika, zvirongwa zvose izvozvo zvingafanira kugadziridzwa kana kuti kutangwa patsva kuti vanonoka vawane vokubuda navo. Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva tingava nechikonzero chine musoro chatinonotsa. Zvisinei, kana tichigara tichinonoka, tingafanira kuzvibvunza kuti inyaya yekusakoshesa misangano yebasa remumunda here kana kuti tiri kutadza kugara taronga zvinhu zvedu.

12. Kana muchigara makaronga wamuchada kubuda naye muushumiri, ndezvipi zvamungafanira kufunga nezvazvo?

12 Vaparidzi vanenge vauya kumusangano webasa remumunda vanogona kuronga wavanoda kubuda naye musangano wacho usati watanga, kana kuti vanogona kuzopiwa wokubuda naye. Kana muchigara muine urongwa hwamunenge makatoita, munogona here ‘kuwedzera’ vokushanda navo muushumiri nekuendawo nevaparidzi vakasiyana-siyana pane kuti mungogara muchibuda neshamwari dzenyu dzepedyo? (2 VaK. 6:11-13) Pano neapo, munogonawo here kuronga kubuda nemuparidzi mutsva kuti mumubatsire kuvandudza madzidzisiro ake? (1 VaK. 10:24; 1 Tim. 4:13, 15) Nyatsoteererai chero mirayiridzo yamunenge mapiwa, kusanganisira kwamuchatangira kuparidza. Kana musangano wacho wapera, musachinja zvinenge zvarongwa uye ibvai maenda kundima.

13. Kana vose vanouya kumusangano webasa remumunda vakaukoshesa uye vakaita zvavanotarisirwa, zvichatibatsira sei?

13 Vapedza kuparidza, vadzidzi 70 vainge varongwa naJesu “vakadzoka nomufaro.” (Ruka 10:17) Hapana mubvunzo kuti musangano wavakaita naJesu vasati vatanga kuparidza wakavabatsira kuti vabudirire. Mazuva ano, misangano yebasa remumunda inogona kutibatsirawo saizvozvo. Kana vose vanouya vakaikoshesa uye vakaita zvavanotarisirwa, misangano iyi ichatikurudzira, ichaita kuti tizive zvatichaita, tozviita nenzira yakarongeka mubasa ratakapiwa rekupa “uchapupu kumarudzi ose.”—Mat. 24:14.

Hanzvadzi Painoitisa

Hanzvadzi painoitisa musangano webasa remumunda inofanira kufukidza musoro uye kazhinji inenge yakagara. Zvainosarudza kukurukura zvakangofanana nezvaizokurukurwa nehama. Kunyange zvazvo ichifanira kungwarira kuti irege kuita sekuti iri kudzidzisa vanenge varipo, inogona kutanga nyaya inobatsira muushumiri, vokurukura vose. Kana ikakumbira kuti imwe hanzvadzi yakabhabhatidzwa ipe munyengetero, hanzvadzi iyoyo inofanira kufukidzawo musoro. Kana hama yakabhabhatidzwa ikasvika musangano iwoyo uri pakati, kazhinji kacho hanzvadzi inobva yaita kuti hama yacho ipedzise. Mutariri webasa anofanira kufunga zvimwe zvinhu zvinogona kuitika, opa mirayiridzo yakakodzera, kuti zvinhu zvisazoita sezvisina kurongeka. Somuenzaniso, pamusangano unenge wakarongwa kuti uitiswe nehanzvadzi panogona kunge paine imwe hama yechiduku chaizvo yakabhabhatidzwa, zvimwe ine makore ari pasi pe13, asi vakuru vachiona kuti hama iyi haisati yava kukwanisa kuitisa musangano uyu. Pakadaro, mutariri webasa anogona kuudza hanzvadzi iyi nehama iyi, kuti hanzvadzi yacho ndiyo ichaitisa, asi hama iyi ndiyo inofanira kunyengetera kana vakuru vachiona kuti inokwanisa. Zvinogonawo kuitika kuti mumwe aripo ihama yakura asi yakanzi isaitisa musangano uyu kana kupa munyengetero ichimiririra ungano nokuda kwezvikonzero zvinozivikanwa nevakuru chete. Vakuru vanofanira kuudza hanzvadzi dzakapiwa basa iri kuti dzinofanira kuitisa uye kunyengetera, kunyange kana hama iyi iripo, asi havafaniri kudziudza mashoko akavanzika. Vakuru vanogonawo kuudza hama yacho mazuva achange achiitiswa musangano webasa remumunda nehanzvadzi.

Pakuita Musangano Webasa Remumunda, Munogona Kukurukura:

  • Mharidzo yekuenzanisira kubva muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

  • Vhidhiyo inobatsira pakuparidza pane dziri pajw.org.

  • Chimwe chinhu chinobatsira pakupa mharidzo yakanaka, chakadai semashoko atinotanga kutaura, uye kusiya pekutangira patinozodzoka.

  • Rugwaro rwunokurudzira kana kuti rwunotidzidzisa chimwe chinhu nezveushumiri.

  • Nyaya yezvakaitika mubasa remumunda mundima yenyu kana kuti yakabudiswa nesangano redu.

  • Mazano ari mune imwe nyaya iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

  • Zvatakadzidza pane chimwe chikamu cheMusangano Webasa uchangobva kuitwa.

  • Mashoko anobatsira muushumiri anobva muNharireyomurindi.

  • Mashoko anobatsira muushumiri anobva muzvinyorwa zvakadai sebhuku reChikoro Choushumiri uye ra‘Uya Uve Muteveri Wangu.’

  • Chimwe chinhu chiri pajw.org chinogona kushandiswa muushumiri.

  • Nyaya imwe chete iri mukabhuku kaZviri muShoko raMwari.

  • Zvamungataura kana mukasangana nemunhu wemundima yenyu anenge achiti hakuna Mwari, anozviti akaberekwa patsva, anoti zvinhu zvakaita zvekushanduka shanduka, muHindu kana kuti muBuddha.

  • Kupindura kwamungaita munhu anenge ataura chimwe chinhu chinoratidza kuti haadi kuparidzirwa.

  • Kubatsira kwatingaita munhu watinenge tichishanda naye kuti aparidze pasuo zvinobudirira.

  • Zvamungaita kana masangana nemunhu anotaura mumwe mutauro.

  • Zvatingaita patinenge tichiita imwe mhando yeushumiri ichashandiswa nevamwe, seyekutsvaga vanhu vemumwe mutauro, kuparidza tichishandisa foni, kuparidza munzvimbo dzinowanikwa vakawanda, kudzoka kune vanenge vafarira, kana kuti kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri.

  • Kuyeuchidzana zvamungaita kuti musapinda munjodzi, kuti muchinje zvinoenderana nezvinenge zvichidiwa, kuti muve netsika, muve vanhu vanofara, nezvimwewo zvakadaro.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe