Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
1. Misangano yebasa romumunda inotibatsira sei?
1 Pane imwe nguva, Jesu akaita musangano nevadzidzi vake 70 vasati vaenda kunoparidza. (Ruka 10:1-11) Akavakurudzira paakavayeuchidza kuti vaisazova vega uye kuti vakanga vachitungamirirwa naJehovha, “Tenzi wokukohwa.” Akavapawo mirayiridzo yekuti vaizoita sei basa racho, uye akavaronga kuti vaende vari “vaviri vaviri.” Mazuva ano, misangano yatinoita tisati taenda muushumiri inotibatsirawo saizvozvo. Inotikurudzira, inoita kuti tizive zvatichaita, tozviita nenzira yakarongeka.
2. Musangano webasa remumunda unofanira kunge wakareba sei?
2 Iye zvino musangano webasa remumunda uyo unosanganisira kuronga mapoka, kupa vaparidzi ndima, uye munyengetero, uri kuitwa mumaminitsi 10 kusvika ku15. Izvi zvava kugadziridzwa. Kutanga muna April, musangano webasa remumunda uchange wava kuitwa kwemaminitsi 5 kusvika ku7. Zvisinei, kana uchiitwa pashure pemusangano weungano, unofanira kunge utori mupfupi kupfuura izvi, sezvo vanhu vanenge vachangobva kudzidziswa pfungwa dzakanaka dzemuMagwaro. Kuva nemisangano yebasa remumunda mipfupi kuchaita kuti vanhu vose vave nenguva yakawanda yekuparidza. Uye kana paine mapiyona nevaparidzi vanenge vatanga kuparidza nguva dzemusangano webasa dzisati dzasvika, zvichaita kuti vangomira kuparidza kwenguva pfupi.
3. Misangano yebasa remumunda ingarongwa sei kuti inonyatsobatsira vaparidzi?
3 Misangano yebasa remumunda inofanira kurongwa nenzira ichaita kuti vaparidzi vanyatsobatsirwa. Muungano dzakawanda, zvakanaka kuti boka rekuparidza rimwe nerimwe risangane roga, pane kuti mapoka acho aungane panzvimbo imwe chete. Izvi zvinogona kuitira nyore vaparidzi kuenda kumusangano wacho uye kundima. Vaparidzi vachakurumidza kurongwa, uye zvichava nyore kuti vatariri vemapoka vanyatsobatsira vari mumapoka avo. Dare revakuru rinogona kufunga nezvemamiriro ezvinhu eungano, roona kuti ndezvipi zvinonyatsoita. Musati mapa munyengetero mupfupi wekupedzisa musangano webasa remumunda, vanhu vose vanofanira kunge vava kuziva kuti vachanoparidza kupi uye naani.
4. Sei misangano yebasa remumunda ichifanira kukosheswa semimwe misangano yeungano?
4 Inokosha Kungofanana Nemisangano Yeungano: Sezvo misangano yebasa remumunda ichiitwa kuti ibatsire vanenge vachibuda muushumiri, ingasapindwa neungano yose. Zvisinei, izvi hazvirevi kuti tinofanira kuiona seisingakoshi kana tichiienzanisa nemimwe misangano yeungano. Sezvakaita mimwe misangano yedu yose, misangano yebasa remumunda chimwe chezvinhu zvatinopiwa naJehovha zvinotibatsira kuti tive nerudo nemabasa akanaka. (VaH. 10:24, 25) Saka, anoitisa musangano uyu anofanira kunyatsogadzirira kuti kukurukura kwaachaita neboka kukudze Jehovha uye kubatsire vanenge vauya. Kana zvichikwanisika, vaparidzi vanenge vachida kuenda muushumiri vanofanira kuita zvose zvavanogona kuti vaupinde.
Misangano yebasa remumunda haifaniri kuonekwa seisingakoshi kana ichienzaniswa nemimwe misangano yeungano
5. (a) Ndezvipi zvinofanira kuitwa nemutariri webasa pakuronga misangano yebasa remumunda? (b) Hanzvadzi inofanira kuitisa sei musangano webasa?
5 Kugadzirira Kunoitwa Nemuitisi: Kuti munhu aite nemazvo zvaakakumbirwa kuita pamusangano weungano, anofanira kuudzwa pachine nguva. Ndizvowo zvimwe chete nemisangano yebasa remumunda. Boka rimwe nerimwe parinoungana riri roga, mutariri weboka racho kana kuti uya anomubatsira ndivo vanoitisa musangano wacho. Zvisinei, kana ungano ichizoita musangano webasa remumunda pamwe chete, mutariri webasa achasarudza achaitisa. Vamwe vatariri vebasa vanopa purogiramu yacho kune vose vanoitisa, voisa imwe yacho pabhodhi rezviziviso. Mutariri webasa anofanira kushandisa ungwaru pakusarudza vachaitisa. Anofanira kuyeuka kuti kubatsira kwemisangano iyi kuchabvawo pakuti anoitisa wacho ane unyanzvi hwakadini hwekudzidzisa uye kuronga. Kana pasina mukuru, mushumiri anoshumira, kana kuti hama yakabhabhatidzwa inokwanisa, kuti iitise pane mamwe mazuva, mutariri webasa anofanira kuudza hanzvadzi yakabhabhatidzwa inokwanisa, kuti izoitisa.—Ona nyaya yakanzi “Hanzvadzi Painoitisa.”
6. Sei zvichikosha kuti anenge anzi azoitisa musangano webasa anyatsogadzirira?
6 Patinopiwa hurukuro paChikoro chaMwari Choushumiri kana kuti paMusangano Webasa, tinoikoshesa uye tinonyatsogadzirira. Vakawanda vedu hatimiriri kuti tizotanga kugadzirira zvatichada kutaura, tatova munzira kuenda kumusangano. Ndizvowo zvatinofanira kuita patinenge tanzi tiitise musangano webasa remumunda. Sezvo musangano webasa uchange wava mupfupi, zvinokosha chaizvo kunyatsougadzirira kuti unyatsobatsira uye upere nenguva. Kunyatsogadzirira kunosanganisira kuziva pachine nguva kuti indima ipi ichashandwa.
7. Muitisi anogona kukurukura zvinhu zvipi neboka?
7 Zvekukurukura: Sezvo ndima dzichisiyana, muranda akatendeka haana kugadzira purogiramu yezvinofanira kukurukurwa pamusangano webasa remumunda mumwe nemumwe. Bhokisi rakanzi “Pakuita Musangano Webasa Remumunda, Munogona Kukurukura,” rine zvimwe zvamunogona kushandisa. Kakawanda kacho, musangano uyu unoitwa muchikurukurirana. Pano neapo, munogona kuvawo nemuenzaniso kana kushandisa vhidhiyo yakakodzera pane dziri pajw.org. Muitisi paanenge achigadzirira musangano webasa remumunda, anofanira kufunga zvinhu zvichakurudzira uye zvichaita kuti vari kubuda muushumiri vazive zvavachaita.
Muitisi paanenge achigadzirira musangano webasa remumunda, anofanira kufunga zvinhu zvichakurudzira uye zvichaita kuti vari kubuda muushumiri vazive zvavachaita
8. Ndezvipi zvinonyatsobatsira zvamungakurukura pamusangano webasa remumunda musi weMugovera neSvondo?
8 Somuenzaniso, musi weMugovera, vaparidzi vakawanda vanenge vachipa vanhu Nharireyomurindi neAwake! Vakawanda vanobuda muushumiri musi weMugovera havabudi pakati pevhiki, saka zvinogona kuvaomera kuyeuka mharidzo dzavakagadzirira pamanheru avo oKunamata Kwemhuri. Saka kana muitisi akadzokorora imwe yemharidzo dzokuenzanisira dziri papeji yekupedzisira yeUshumiri Hwedu hwoUmambo, zvingavabatsira. Munogonawo kukurukura kuti nhau dzekwamunogara, chimwe chiitiko, kana kuti rimwe zororo, zvingabatana sei nemharidzo yekupa vanhu magazini, kana kuti nekuronga pekuzotangira kana munhu abvuma magazini. Kana paine vamwe vakatopa vanhu magazini emwedzi iwoyo, muitisi anogona kuvakumbira kuti vataure muchidimbu mazano kana kuti zvinokurudzira zvavakasangana nazvo. Musi weSvondo, muitisi anogona kuitawo zvimwe chete zvichienderana nokuti ndezvipi zvatiri kupa vanhu mwedzi iwoyo. Chero zuva, tinogona kupa vanhu zvinyorwa zvatinoshandisa pakudzidza navo, zvakadai sebhurocha raMashoko Akanaka kana kuti raTeerera Mwari uye bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?, saka muitisi anogona kukurukura muchidimbu kuti mungaita sei pakupa vanhu chimwe chezvinyorwa izvi.
9. Chii chingakurukurwa pamunenge muchiita mushandirapamwe pakupera kwevhiki?
9 Kana ungano ichiita mushandirapamwe pakupera kwevhiki, muitisi anogona kukurukura kuti tingapa sei vanhu magazini emwedzi iwoyo nepepa rekuvakoka kana kuti turakiti, kana kuti zvatingaita kana munhu afarira. Anogonawo kuita kuti vanhu vataure zvakaitika zvinoratidza kukosha kwekuva nemushandirapamwe wakaita seiwoyo.
10, 11. Sei zvichikosha kuti vaparidzi vagadzirire kuitira kuti musangano webasa ufambe zvakanaka?
10 Kugadzirira Kunoitwa Nevaparidzi: Vaparidzi vane zvavanoitawo kuti musangano webasa remumunda ufambe zvakanaka. Kana vakagadzirira musangano wacho, zvimwe pavanenge vachiita kunamata kwemhuri, vachava nezvekuudzawo vamwe vaparidzi. Kunyatsogadzirira kunosanganisira kuva nemagazini nezvinyorwa tisati tasvika panoitirwa musangano webasa remumunda, kuitira kuti tose tiende kundima pasina kumbomira-mira.
11 Zvinokoshawo kuti tironge kusvika panoitirwa musangano webasa remumunda maminitsi mashoma usati watanga. Ichokwadi kuti tinoda kusvika pamisangano yose zvayo yeungano nenguva. Zvisinei, kana tikanonoka kumusangano webasa remumunda, tinogona kuvhiringidza vamwe zvikuru. Sei tichidaro? Hama inenge ichitungamirira ine zvakati kuti zvainofunga isati yaronga kuti boka richafamba sei. Kana paine vaparidzi vashoma, inogona kusarudza kuti vose vaende kundima yakasiyirwa panzira. Kana vamwe vafamba netsoka pakuuya kumusangano webasa remumunda uye ndima inenge ichishandwa iri kure, hama iyi inogona kuita kuti vaparidzi ava vabude nevauya nemotokari. Kana ndima yacho ichiwanzonetsa matsotsi, muitisi anogona kuita kuti hama dzibude nehanzvadzi kana kuti dzishande dziri pedyo nemapoka ehanzvadzi. Vaparidzi vanonetseka neutano vanganzi vashande mumugwagwa usina mikwidza, kana kuti une dzimba dzisina masitepisi akawanda. Vaparidzi vatsva vangafanira kurongwa kuti vashande nevane ruzivo. Asi kana vaparidzi vakanonoka kusvika, zvirongwa zvose izvozvo zvingafanira kugadziridzwa kana kuti kutangwa patsva kuti vanonoka vawane vokubuda navo. Zvinonzwisisika kuti dzimwe nguva tingava nechikonzero chine musoro chatinonotsa. Zvisinei, kana tichigara tichinonoka, tingafanira kuzvibvunza kuti inyaya yekusakoshesa misangano yebasa remumunda here kana kuti tiri kutadza kugara taronga zvinhu zvedu.
12. Kana muchigara makaronga wamuchada kubuda naye muushumiri, ndezvipi zvamungafanira kufunga nezvazvo?
12 Vaparidzi vanenge vauya kumusangano webasa remumunda vanogona kuronga wavanoda kubuda naye musangano wacho usati watanga, kana kuti vanogona kuzopiwa wokubuda naye. Kana muchigara muine urongwa hwamunenge makatoita, munogona here ‘kuwedzera’ vokushanda navo muushumiri nekuendawo nevaparidzi vakasiyana-siyana pane kuti mungogara muchibuda neshamwari dzenyu dzepedyo? (2 VaK. 6:11-13) Pano neapo, munogonawo here kuronga kubuda nemuparidzi mutsva kuti mumubatsire kuvandudza madzidzisiro ake? (1 VaK. 10:24; 1 Tim. 4:13, 15) Nyatsoteererai chero mirayiridzo yamunenge mapiwa, kusanganisira kwamuchatangira kuparidza. Kana musangano wacho wapera, musachinja zvinenge zvarongwa uye ibvai maenda kundima.
13. Kana vose vanouya kumusangano webasa remumunda vakaukoshesa uye vakaita zvavanotarisirwa, zvichatibatsira sei?
13 Vapedza kuparidza, vadzidzi 70 vainge varongwa naJesu “vakadzoka nomufaro.” (Ruka 10:17) Hapana mubvunzo kuti musangano wavakaita naJesu vasati vatanga kuparidza wakavabatsira kuti vabudirire. Mazuva ano, misangano yebasa remumunda inogona kutibatsirawo saizvozvo. Kana vose vanouya vakaikoshesa uye vakaita zvavanotarisirwa, misangano iyi ichatikurudzira, ichaita kuti tizive zvatichaita, tozviita nenzira yakarongeka mubasa ratakapiwa rekupa “uchapupu kumarudzi ose.”—Mat. 24:14.