RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/96 p. 1
  • Kuita Mhiko Yedu Zuva Nezuva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Mhiko Yedu Zuva Nezuva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • “Ripa Zvaunopika”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kurarama Mukuwirirana Nemhiko Yako Yeroorano!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Tinofanira Kuripa Mhiko Dzedu Here?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
km 7/96 p. 1

Kuita Mhiko Yedu Zuva Nezuva

1 Wezvamapisarema Dhavhidhi akasundwa kuzivisa kuna Jehovha, kuti: “Ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza nokusingaperi, kuti ndiite mhiko dzangu zuva rimwe nerimwe.” (Pis. 61:8) Dhavhidhi aiziva kuti kuita mhiko inhau yokuzvidira chose chose. Zvisinei, iye akanzwisisawo kuti kana akaita mhiko, aisungirwa kuiita. Kunyange zvakadaro, akarumbidza Jehovha nokuda kwomukana wokuita mhiko dzake zuva nezuva.

2 Apo takaita tsauriro yedu kuna Jehovha, nenzira yokuzvidira takapika kuita kuda kwake. Takazviramba timene ndokuita kubatira Jehovha chirondwa chedu chikuru muupenyu. (Ruka 9:23) Nokudaro, isuwo tinofanira kuripira mhiko yedu zuva nezuva. (Mup. 5:4-6) Ziviso yedu yapamhene yakaitwa panguva yerubhapatidzo rwomumvura inofanira kuratidzirwa mumararamire edu ose, sezvo tichiziva kuti “[munhu] unopupura nomuromo, ndokuponeswa.” (VaR. 10:10) Ikoku kunobatanidza kuparidza mashoko akanaka. (VaH. 13:15) Mamirire ezvinhu omunhu oga anosiyana zvikuru, asi zuva nezuva tose zvedu tinogona kuramba tichipa ngwariro paukoshi hwokugoverana mashoko akanaka nevamwe.

3 Ita Mikana Yokuparidza Zuva Nezuva: Kugoverana mashoko akanaka nomumwe munhuwo zvake ndechinoitika chinofadza. Kuti tiite ikoku zuva nezuva, tinofanira kuita mikana yokuparidza panguva ipi neipi apo mamirire edu ezvinhu anobvumidza. Zvakaitika zvakawanda zvinofadza zvakafarikanywa naavo vakatanga kupupura nenzira isina kurongwa kuvanhu kubasa kana kuti muchikoro uye kuvavakidzani kana kuti vamwe vavanosangana navo zuva rimwe nerimwe. Kunyange kunyora tsamba kana kuti kushandisa runhare kunogona kuva mutoo wokupupura nawo kuvamwe. Kushandisa mitoo yose iyoyi pamwe chete nokutsaura nguva yokupupura pasuo nesuo nokuita shanyo dzedzokerero nguva dzose kunogona kutungamirira kumufaro chaiwo unobva mukuitisa fundo yeBhaibheri yapamusha. Hungu, zuva rimwe nerimwe ringakwanisa kuparira mikana yokuparidza.

4 Imwe hanzvadzi yakavamba kurava Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva mukati mekuzorora kwayo pabasa. Yakakumbira mumwe wokubasa biyayo kuti arave rugwaro rwezuva nayo, uye ikoko nokukurumidza kwakatungamirira kufundo yeBhaibheri nomukadzi wacho. Vaifunda kwehafu yeawa zuva rimwe nerimwe, mazuva mashanu pavhiki. Mumwe wokubasa biyayo akacherekedza fundo yavo yezuva nezuva. Pakupedzisira akazvizivisa amene sehama isingachaiti basa. Asundwa neshingairo yehanzvadzi yacho, akaonana nomumwe mukuru kuti amutsidzirwe. Iyi hanzvadzi yakava nepesvedzero yakanaka pavanhu vaviri nemhaka yokupfuurira kuita mhiko yayo zuva nezuva.

5 Apo tinosundwa nemwoyo unofashukira nokuonga zvinhu zvose zvakanaka izvo Jehovha akatiitira, kuita mhiko yedu yetsauriro zvakanakisisa sezvatinogona zuva rimwe nerimwe kuchatiunzira mufaro negutsikano. Kufanana newezvamapisarema, tinogona kuzivisa, kuti: “Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose, ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.”—Pis. 86:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe