Hapana Kurega Kuzivisa Mashoko Akanaka
1 VaKristu vapakuvamba vakarangarira ushumiri hwavo zvakakomba zvikuru. Ruka akashuma, kuti: “Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.” (Mabasa 5:42) Hapana chinhu, kwete kunyange chitambudzo, chaigona kuvadzivisa! (Mabasa 8:4) Vakataura navamwe pamusoro pezvokwadi zuva riri rose.
2 Zvakadiniko nesu? Zvibvunze umene, kuti: ‘Ndinonzwa kurumidziro yenguva here? Ndinoda kupfuurira kuzivisa mashoko akanaka ndisingaregi here?’
3 Mienzaniso Yomuzuva Razvino Yokuparidza Pasina Kurega: Imwe hanzvadzi, nyajambwa weporiyo, yakaganhurirwa pamuchina wokubetsera mapapu pakufema. Yakanga isingakwanisi kuenda kuHoro yoUmambo kana kuti kupinda gungano. Asi yakanga yakabatikana zvikuru nokuzivisa mashoko akanaka. Mukati memakore ayo 37 okuganhurirwa, yakakwanisa kubetsera vanhu 17 kudzidza zvokwadi! Yakakuita sei? Kunyange zvazvo yakanga isingakwanisi kuenda pasuo nesuo, yakawana nzira zuva rimwe nerimwe yokupupura nenzira isina kurongwa kuavo vaionana nayo.
4 Hama dzedu muBosnia dzave dzichifanira kugonana nehondo nokushayiwa. Kunyange zvakadaro, dzinopfuurira nguva dzose kuparidzira vamwe. MuSarajevo vaparidzi vave vachiita avhareji yamaawa 20 mwedzi mumwe nomumwe vachitaura navamwe pamusoro pamashoko akanaka, uye vanoitisa avhareji yefundo dzeBhaibheri mbiri mumwe nomumwe. Pasinei zvapo nemamirire avo ezvinhu akakomba, vanoparidza nokudzidzisa vasingaregi.
5 Vanhu vaduku vanoratidzirawo kushingairira ushumiri. Imwe mhuri yeZvapupu muRwanda yakaiswa mukamuri umo varwi vakagadzirira kuyiuraya. Mhuri yacho yakakumbira mvumo yokutanga kunyengetera. Iyoyi yakapiwa, uye mwanasikana muduku, Deborah, akanyengetera zvinonzwika, kuti: “Jehovha, vhiki ino Baba neni takagovera magazini mashanu. Tichadzokera sei kuava vanhu kuti tivadzidzise zvokwadi ndokuvabetsera kuwana upenyu?” Nemhaka yokutenda kwake kwakasimba uye kuda kwake ushumiri, mhuri yose haina kuurawa.
6 Nhasi, kune kudikanwa kwokusvinurira mikana yokupupura kuvamwe nokutsvaka avo vaka“tarirwa upenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48) Mukuwirirana nemamirire ezvinhu omunzvimbomo, vakuru veungano vanoita gadziriro dzokupupura kweboka panguva dzakakodzera, mungave muri mumangwanani, masikati, kana kuti manheru. Nyaya dziri muUshumiri Hwedu hwoUmambo nemativi paMisangano Yebasa, magungano edunhu, uye kokorodzano dzeruwa zvinogovera zvikarakadzo zvakakodzera nguva nekurudziro yokugoverana mumativi akasiyana-siyana okupupura kwoUmambo. Kuwedzera kuna ikoku, vatariri vedunhu neveruwa vanorovedza vaparidzi mukupupura kwomumugwagwa, vanoratidza nzira yokushanda nayo ndima yebhizimisi, uye vanoonesa dzimwe nzira dzokupa nadzo uchapupu kupi nokupi uko vanhu vanowanwa. Kwose ikoku kunosimbisa kuti hapana kurega kuzivisa mashoko akanaka.
7 Vaapostora vaJesu vakazivisa noushingi, kuti: “Hatigoni isu kurega kutaura zvatakaona nezvatakanzwa.” Vakapfuurira sei pasinei zvapo nemhinganidzo dzose? Vakakumbira Jehovha kuti avabetsere, izvo akaita, uye “vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.” (Mabasa 4:20, 29, 31) Munhu ari wose angasakomborerwa nezvinoitika zvakatanhamara muushumiri, asi kana tichishuva zvirokwazvo kuzivisa mashoko akanaka tisingaregi uye kana tichiita nhamburiko yokuita saizvozvo kunyange pahwaro hwezuva nezuva, Jehovha achatibetsera.