Bhokisi Remibvunzo
◼ Chii chinofanira kuitwa apo mukurukuri wavose akagoverwa anokundikana kusvika munguva nokuda kwomusangano wacho?
Panhambo nenhambo, mamirire ezvinhu asingadzivisiki achadzivisa hama kusvika munguva kuti ipe hurukuro yayo yakarongwa. Kana pane chikonzero chokudavira kuti ichasvika nokukurumidza, vakuru vangasarudza kupfuurira neFundo yeNharireyomurindi; Musangano Wavose ungagona kutevera pashure pacho. Zvakadiniko kana kukava pachena kuti mukurukuri haasati achizosvika? Zvichida mumwe wavakurukuri vomunzvimbomo angagona kupa hurukuro ipi neipi yaakatogadzirira.
Kufanoronga kwokungwarira kazhinji kazhinji kunodzivisa ichi chinetso. Mutsinhiranisi wehurukuro dzavose anofanira kukurukura nomukurukuri mumwe nomumwe kuchine inenge vhiki imwe mberi kuti amuyeuchidze nezvemugove wake. Chiyeuchidzo chacho chinofanira kubatanidza nguva yomusangano wacho, kero yeHoro yoUmambo nenhamba dzorunhare, kana dziripo, uye nhungamiro dzakajeka pamusoro penzira yokuwana nayo horo yacho. Mukurukuri wacho anofanira kusanocherekedza uhwu udzame. Anofanira kurangarira zvakakomba mugove wacho, achiita gadziridzo dzipi nedzipi dzinodikanwa muzvinhu zvake zvomunhu oga kuti agogona kuita uyu mutoro. Kana chimwe chinhu chisingadzivisiki chikaitika icho chichamudzivisa kuita saizvozvo, iye anofanira kukurukura nomutsinhiranisi wehurukuro dzavose nokukurumidza kuti mutsivi agogona kurongwa. Nhamburiko iri yose inofanira kuitwa kudzivisa kukanzura kwapaminiti yokupedzisira. Kana mukurukuri akanonotswa uye achizononoka nemaminiti mashomanene, iye anogona kuva nechokwadi chokuti runhare rwaridzwa kana kuti shoko ratumirwa kuitira kuti hama dzigoziva kuti dzopfuurira sei.
Kuonga migove yehurukuro dzavose, kufanoronga kwakanaka uye zviyeuchidzo, uye kusanotarisira zvinogona kuvimbisa kuti ungano ichakwanisa kufarikanya hurukuro yavose inobetsera vhiki iri yose.