RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/07 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Unokokwa Noushamwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mirayiridzo Yemusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
    Mirayiridzo yeMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Purogiramu Itsva Yomusangano Weungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
km 5/07 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Rwiyo rwokutanga rweChikoro chaMwari Choushumiri, rwoMusangano Webasa, rwoMusangano Wavose uye rweChidzidzo cheNharireyomurindi runofanira kusumwa sei uye naani?

Nziyo dzakasarudzwa kutanga Chikoro chaMwari Choushumiri vhiki imwe neimwe dzakarongwa muPurogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri iri muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober. Nziyo dzokutanga nedzokugumisa Musangano Webasa vhiki nevhiki dzinoratidzwa papeji 2 yoUshumiri Hwedu hwoUmambo. Uyewo, nziyo dzeChidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki nevhiki dziri papeji 2 yeNharireyomurindi imwe neimwe. Nziyo idzi dzinoonekwawo sechikamu chomusangano wacho uye dzinofanira kusumwa nehama ichautungamirira pane kuti sachigaro womusangano wapfuura adzisume.

Somuenzaniso, mutariri weChikoro chaMwari Choushumiri achagamuchira vateereri, osuma rwiyo rwokutanga, otungamirira muchikoro, uye zvadaro achakoka mukurukuri wokutanga paMusangano Webasa pachikuva. Hama ine hurukuro paMusangano Webasa ndiyo inofanira kusuma rwiyo rwokutanga musangano wacho.

Nenzira yakafanana, Musangano Wavose uchazarurwa nasachigaro. Achagamuchira nomufaro vose vari muvateereri uye achavakumbira kuti vaimbe pamwe chete rwiyo rwokutanga rwakasarudzwa nomukurukuri. Sachigaro (kana kuti imwe hama inokwanisa yakafanosarudzwa) achazarura musangano wacho nomunyengetero. Achasuma mukurukuri uye otaura musoro wehurukuro yake. Kana hurukuro yapera sachigaro achaonga mirayiridzo yakurukurwa, asi asingadzokorori zvataurwa nomukurukuri. Achazivisa musoro wehurukuro yavose yevhiki inotevera obva akumbira vateereri kuti vamirire Chidzidzo cheNharireyomurindi. Hapana chikonzero chokuti sachigaro akumbire vateereri kuti vatumire kwaziso kuungano yomukurukuri anenge ashanya. Zvadaro, sachigaro achakoka pachikuva mutariri weChidzidzo cheNharireyomurindi.

Mutariri wechidzidzo cheNharireyomurindi achasuma rwiyo rwokutanga rwechidzidzo chacho. Achatungamirira chidzidzo maererano nemirayiridzo yakabudiswa uye achazivisa rwiyo rwokugumisa. Mutariri weChidzidzo cheNharireyomurindi achakumbira hama yapa hurukuro yavose kuti igumise nomunyengetero.

Kuteerera mazano aya kuchabatsira kuti tive nechokwadi chokuti misangano yedu yeungano iri kuitiswa nenzira imwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe