Iva Muenzaniso Mukutaura Nomumufambiro
1 Muapostora Pauro akakurudzira Timotio kuva muenzaniso mukutaura nomumufambiro. (1 Tim. 4:12) Tinofanirawo kuratidzira kutaura nomufambiro zvomuenzaniso, zvikurukuru patinenge tiri muushumiri, nokuti kuita saizvozvo kungasarudza kana tichisvika kana kuti kwete mwoyo weavo vatinosangana navo.
2 Tinofanira kuratidzira mativi ose etsika dzakanaka, kubatanidza tsika, kurangarira, mutsa, kuremekedza, uye kungwarira. Kupfurikidza nokuratidzira aya mavara, tinoratidza kuti tinoziva kuti zviito zvedu zvinotapura sei kunzwa kwevamwe. Tsika dzakanaka muushumiri dzingaenzaniswa nezvokurungisa, zvinoshandiswa kuwedzera kunaka kwezvokudya. Pasina izvozvo, zvokudya zvakaisvonaka zvinogona kuva zvisinganaki nezvisinganyanduri chishuvo chokuda kudya. Kukundikana kuratidzira tsika dzakanaka mukubata kwedu nevamwe kunogona kuva netapuro yakafanana.—VaK. 4:6.
3 Iva Muenzaniso Mukutaura: Kunyemwerera kwoushamwari nekwaziso yemwoyo wose zvinhu zvinokosha zvokupa kwedu mashoko akanaka. Apo tinorunga sumo yedu noushamwari nouchokwadi, tinoita kuti saimba azive kuti tinomufarira zvepachokwadi. Apo anotaura, sanoteerera uye ratidza kuremekedza murangariro wake kwakafanira. Apo unotaura, ita saizvozvo nokungwarira nenyasha.—Enzanisa naMabasa 6:8.
4 Panhambo nenhambo tinosangana nomunhu angave asina ushamwari, anotoda zvokurwa. Tinofanira kuita sei? Petro akatikurudzira kutaura nenzira inoratidzira “unyoro nokutya.” (1 Pet. 3:15; VaR. 12:17, 18) Jesu akataura kuti kana saimba akaramba nehasha shoko roUmambo, tinofanira kungo‘zunza guruva patsoka dzedu.’ (Mat. 10:14) Kuratidzira kwedu tsika dzomuenzaniso mumamirire ezvinhu akadaro pakupedzisira kungapfavisa mwoyo womushori.
5 Iva Muenzaniso Mumufambiro: Kuparidza mashoko akanaka mumigwagwa yakabatikana nomunzvimbo dzavose kunoda kuti tive vanorangarira, vasingatongotauri nenzwi riri pamusoro kana kuti vanoomerera, uye kuti hatibonderani nokufamba kwomupfuuri. Apo tinenge tiri mumisha yevanhu vanofarira, tinofanira kuchengeta mufambiro wakafanira uye kuzvibata timene sevaenzi vane tsika, tichiratidza kuonga mutsa wavo. Vana vapi nevapi vatinoenda navo vanofanira kuratidza kuremekedza saimba nezvinhu zvake uye vanofanira kuva vane tsika nevanoteerera apo tinenge tichikurukura. Kana vana vasingadzoreki, ikoku kuchashoresa.—Zvir. 29:15.
6 Chitarisiko chedu chomunhu oga chinofanira kuita kuti kuve pachena kune vamwe kuti tiri vashumiri veShoko raMwari. Mumupfekero wedu nokutsvinda, hatifaniri kuva vakati nyangarara nevane uyanga uyewo vanonyanyokwezva nevanopfurikidza mwero. Chitarisiko chedu chinofanira nguva dzose kuva chakafanira mashoko akanaka. (Enzanisa naVaFiripi 1:27.) Kupfurikidza nokusanopa ngwariro kuchitarisiko chedu nezvishandiso, hatisati tichizopa vamwe chisakiso chokugumbuka kana kuti kuwanira ushumiri hwedu mhaka. (2 VaK. 6:3, 4) Kutaura kwedu kwomuenzaniso nomufambiro zvinowedzera vara rinofadza kushoko roUmambo, zvichiunza rukudzo kuna Jehovha.—1 Pet. 2:12.