Tsika Dzakanaka—Dzinoratidza Vanhu Vakazvipira Kuna Mwari
1 Tsika dzakanaka hadziwanzowaniki muvanhu vakawanda nhasi. Nei zvakadaro? Vanhu vari kumhanya-mhanya zvokuti havawanzofunga nezvetsika dzinokosha, dzakadai sokuti “Ndapota,” “Mazvita,” kana “Ndine urombo.” Shoko raMwari rakafanotaura nezvokuipa kwetsika mumazuva okupedzisira parakati vanhu vaizova ‘vanozvida, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vasingaongi, vasina rudo chairwo rwokuzvarwa narwo, vasingazvidzori, vasingadi zvakanaka, uye vakaoma musoro.’ (2 Tim. 3:1-4) Zvose izvozvo zvinokonzera tsika dzakaipa. Sevanhu vaMwari, vaKristu vanofanira kuchenjerera kuti vasaitewo senyika ino isingaremekedzi vamwe.
2 Tsika Chii? Tsika dzakanaka dzingarondedzerwa sokunyatsoziva manzwiro anoita vamwe, kukwanisa kurarama nevamwe murunyararo. Tsika dzakanaka dzinosanganisira kufunga vamwe, kuzvibata, mutsa, unyoro, kungwarira, uye kuva anofunga. Izvozvi zvinotangira pakuda kunoita munhu Mwari nomuvakidzani. (Ruka 10:27) Hazvitengwi, asi zvinokosha zvikuru mukunatsiridza ukama hwedu nevamwe.
3 Jesu Kristu akagadza muenzaniso wakakwana. Aigara achitevera Mutemo Unokosha wokuti: “Zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo nenzira yakafanana.” (Ruka 6:31) Hatishamiswi here nokuva nehanya kwaiita Jesu uye kubata norudo kwaaiita vadzidzi vake? (Mat. 11:28-30) Tsika dzake dzakanaka hadzina kubva mumitemo yakanyorwa mumabhuku emitemo yetsika. Dzaibva mumwoyo wechokwadi uye une mutsa. Tinofanira kuedza kutevedzera muenzaniso wake wakaisvonaka.
4 VaKristu vanoda tsika dzakanaka papi? Panguva inokosha chete here, pavanenge vachida kuti vamwe vavaone zvakanaka? Dzinodiwa chete pakuedza kuchinja vamwe here? Kwete! Tinofanira kuratidza tsika dzakanaka nguva dzose. Munzira dzipi zvikurukuru matinofanira kuva nehanya neizvi patinosonganirana nevamwe muungano?
5 PaHoro yoUmambo: Horo yoUmambo inzvimbo yedu yokunamatira. Tiriko nokuti takokwa naJehovha Mwari. Mupfungwa iyoyo, tiri vaeni. (Pis. 15:1) Tiri vaeni vane muenzaniso wakanaka here patinouya kuHoro yoUmambo? Tinonyatsova nehanya here nezvatinopfeka uye kuzvigadzira kwedu? Chokwadi hatifaniri kupfeka zvachero kana zvokunyanyisa. Pangave pakupinda kokorodzano kana misangano yedu yeungano yevhiki nevhiki, vanhu vaJehovha vanocherechedzwa nokuda kwechitarisiko chakanaka chinokodzera vaya vanoti vanotya Mwari. (1 Tim. 2:9, 10) Saka tinoratidza kuti tinofunga uye tinoremekedza zvikuru Mugamuchiri wedu wokudenga uye vamwe vaeni vanenge vakokwa.
6 Imwe nzira yatinoratidza tsika dzakanaka maererano nemisangano ndeyokusvika nenguva. Zvinobvumwa kuti izvi hazvisi nyore nguva dzose. Vamwe vangava vachigara kure zvikuru kana kuti vangava nemhuri dzakakura dzinoda nguva yakawanda yokugadzirira. Zvisinei, zvakacherechedzwa mune dzimwe ungano kuti 25 muzana yevaparidzi vanogara vachisvika rwiyo nomunyengetero wokuzarura zvapera. Iyi inhau yakakomba. Zvakanaka kuyeuka kuti tsika dzine chokuita nokuziva kwedu manzwiro anoita vamwe. Jehovha, Mugamuchiri wedu ane nyasha, akaronga mabiko omudzimu aya kuti tibatsirwe. Tinoratidza kuti tinoonga uye kuti tine hanya nokunzwa kwake nokusvika panguva. Uyezve, kunonoka kusvika kumisangano kunovhiringidza uye kunoratidza kusaremekedza vaya vatovapo.
7 Patinoungana, tinocherechedza vatsva vanenge varipo here? Kuvagamuchira ndeimwe nzira yokuva netsika dzakanaka. (Mat. 5:47; VaR. 15:7) Kuvakwazisa nomufaro, tichiita zvokuvabata maoko noushamwari, kunyemwerera kune mutsa—zvose zvinhu zviduku, asi zvinowedzera kune zvinotizivisa sevaKristu vechokwadi. (Joh. 13:35) Pashure pokuuya kuHoro yoUmambo kokutanga, mumwe murume akati: “Muzuva rimwe ndakaona vanhu vane rudo rwechokwadi, vanhu vandakanga ndisingazivi uye vakawanda kupfuura vandati ndambosangana navo muchechi yandakakurira. Zvaiva pachena kuti ndakanga ndawana chokwadi.” Saka akachinja mararamiro ake, uye mwedzi minomwe gare gare akabhabhatidzwa. Hungu, tsika dzakanaka dzinogona kubatsira zvikuru!
8 Kana tichiratidza tsika dzakanaka kune vanhu vatisingazivi vatinoonana navo, hatifaniri kudaro “zvikurukuru [kune] vaya vane ukama nesu mukutenda” here? (VaG. 6:10) Nheyo yacho inoti: ‘Unofanira kukudza murume [kana mukadzi] akura.’ (Revh. 19:32) Vakadaro havafaniri kumbokanganwika patinoungana.
9 Kunyatsoteerera: Pamisangano yeungano, vashumiri vaMwari vechiKristu vari kutaura kuti vape chipo chomudzimu kuti chitivake. (VaR. 1:11) Zvechokwadi zvaizoratidza kuti tine tsika dzakaipa zvikuru kana tikakotsira zvishoma, kutsenga chingamu zvine ruzha, tikataura tataurazve nekazevezeve kumunhu akagara pedyo nesu, kungoenda kuchimbudzi zvisina chinangwa, kuverenga zvinhu zvisinei nezviri kuitwa, kana kuti kuita zvimwe zvinhu musangano uchiitwa. Vakuru vanofanira kuva nomuenzaniso wakanaka mune izvi. Tsika dzakanaka dzechiKristu dzichatiita kuti tiremekedze zvakanaka mukurukuri uye shoko rake rinobva muBhaibheri nokunyatsomuteerera.
10 Uyezve, nokuda kwokuremekedza mukurukuri uye vateereri, tinofanira kuchengeta nhare dzeserura dzisingavhiringidzi misangano yedu.
11 Tsika uye Vana: Vabereki vanofanira kuchenjerera kuzvibata kwevana vavo nguva dzose. Kana mwana akatanga kuchema kana kuti akatanga kunetsa musangano uchiitwa uye izvi zviri kuvhiringidza vamwe, zvakanaka kubuda muhoro nomwana wacho nokukurumidza sezvingabvira kuti mumunyararidze. Dzimwe nguva izvi zvingava zvakaoma, asi yeukai, zvinoratidza kuti munoziva manzwiro anoita vamwe. Vabereki vane vana vaduku avo vangangonetsa vanowanzosarudza kugara kumashure kwehoro kuti vasazovhiringidza vakawanda kana zvikaita kuti vasimuka misangano ichiitwa. Chokwadi, vamwe vose varipo vangaratidza kuti vanofungawo dzimwe mhuri nokudzisiyira nzvimbo dzokumashure, kana zvichidiwa.
12 Vabereki vanofanirawo kuziva kuzvibata kwevana vavo misangano isati yatanga uye yapera. Vana havafaniri kumhanya mukati mehoro, nokuti zvinogona kukonzera tsaona. Kumhanya-mhanya vachipoterera kunze kweHoro yoUmambo kungavawo nengozi, zvikurukuru manheru pakunenge kusinganyatsooneka. Kuita ruzha kunze kwehoro kungavhiringidza vavakidzani uye kungazvidzisa kunamata kwedu. Vabereki vanoedza nepavanogona napo kutarisira vana vavo mukati nokunze kweHoro yoUmambo vanofanira kurumbidzwa nokuti izvi zvinowedzera kufadza kwokugara kwedu pamwe chete murugare.—Pis. 133:1.
13 PaChidzidzo Chebhuku: Tinoonga mutsa wehama dzedu dzinozarura misha yadzo nokuda kwemisangano yeungano. Patinopinda, tinofanira kuratidza kuti tinoremekedza uye tine hanya nezvinhu zvadzo. Tisati tapinda mumba, tinofanira kunyatsopukuta bhutsu dzedu kuti tisasvibisa uriri kana kuti kapeti. Vabereki vanofanira kutarisira vana vavo, vachiva nechokwadi chokuti vanoramba vari munzvimbo yomusha inoitirwa chidzidzo chebhuku. Kunyange zvazvo boka racho ringava duku uye pakati sunungukei, hatifaniri kunyanyova vakasununguka pamisha yevamwe. Mubereki womwana muduku anofanira kumuperekedza kana achida kuenda kuchimbudzi. Uyezve, sezvo chidzidzo chebhuku uri musangano weungano, tinofanira kupfeka sezvatinoita patinoenda kuHoro yoUmambo.
14 Tsika Dzakanaka Dzinokosha: Kuva netsika dzechiKristu hakungoiti kuti ushumiri hwedu huoneke zvakanaka chete asiwo kunosimudzira ukama hwakanaka nevamwe. (2 VaK. 6:3, 4, 6) Sezvo tiri vanamati vaMwari anofara, tinofanira kuona zviri nyore kunyemwerera, kufarira uye kunyange kuitira vamwe zvinhu zviduku, zvomutsa zvinoita kuti vafare. Idzi tsika dzakanaka dzichayemurisa upenyu hwedu sevanhu vaMwari.