Bhokisi Remibvunzo
◼ Fundo yeBhaibheri yakarongwa inofanira kuitiswa nomunhu kwenguva yakareba sei mubhuku raZivo?
Jehovha ari kukomborera sangano rake nhasi. Tinoona ufakazi hwaikoku gore rimwe nerimwe sezvo zviuru zvevatsva zvinotsigira chokwadi. Bhuku raZivo riri kubvumikisa kuva chishandiso chinobudirira mukuita ikoku. Chinyorwa chaJanuary 15, 1996, cheNharireyomurindi chakaonesa kuti iri bhuku rakagadzirirwa kubetsera mudzidzi weBhaibheri kuita fambiro mberi yomudzimu achiti kurumidzei, zvichida kusvikira kupfundo rokubhabhatidzwa mukati memwedzi mishomanene.
Nokuda kwechikonzero ichochi, Nharireyomurindi imwe cheteyo, peji 17, yakapa zano, kuti: “Pashure pokunge munhu apedza fundo yake yeBhaibheri mubhuku raZivo uye abhabhatidzwa, kungasava kuri madikanwa kuitisa fundo yakarongwa naye mubhuku rechipiri.”
Zvakadiniko nemunhu asingabhabhatidzwi pashure pokufunda bhuku raZivo? Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, peji 6, ndima 23, hwakatiyeuchidza nezvepfundo rakabudiswa muNharireyomurindi pamusoro pokusafunda mabhuku okuwedzera nomudzidzi mumwe cheteyo pashure pokupedza bhuku raZivo. Ikoku kunoreva here kuti hatifaniri kubetsera mudzidzi weBhaibheri kupfuura papfundo irori. Aiwa. Tinoda kuti vanhu vagamuchire zivo inokosha yezvokwadi. Zvisinei, kunokarirwa kuti munhambo pfupi zvikuru yenguva, mudzidzisi anobudirira achakwanisa kubatsira mudzidziwo zvake wapachokwadi kuwana zivo yakakwana yokuita chisarudzo chokuchenjera chokubatira Jehovha. Kungava kuti kuri nemhaka yemumiriro wezvinhu womunhu oga, vamwe vadzidzi veBhaibheri vachatoshuva kudzidza kanopfuura kamwe pavhiki.
Sezvinobvumwa, vamwe vadzidzi vachafambira mberi zvishoma nezvishoma zvikuru kupfuura vamwe. Asi kana pashure pokufunda bhuku raZivo, uko kungave kwakatora nguva refu kupfuura zvakwaizowanzoita, munhu wacho asati asarudza kuti anoda kubatanidzwa neungano, muparidzi angaita zvakanaka kukurukura mamiriro ezvinhu acho nomumwe wevakuru vari muDare Rebasa Reungano. Kana mamirire ezvinhu anopembedza kana kuti asiri enguva dzose achibatanidzwa, imwe betsero ingapiwa. Ikoku kunotsinhirana nenheyo inotaurwa mundima 11 ne12 papeji 17 yeNharireyomurindi yaJanuary 15, 1996.
Kuonga kwokudzidza kunyange zivo yehwaro yechokwadi kunofanira kusunda mudzidzi kupinda misangano yechiKristu. Ikoku kungagona kutungamirira mudzidzi kupa ufakazi hwakajeka hwechishuvo chake chokubatira Jehovha. Kana kuonga kwomudzimu kwakadaro kusiri pachena pashure pokunge fundo mubhuku raZivo yaitiswa kwenhambo yakareba, kungava kwakanaka kugumisa fundo yacho.