RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/97 p. 3
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Unobatsira Kuti Pave Nomushumo Wakarurama Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Iva Wenguva Dzose Mubasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Vaparidzi veMashoko Akanaka
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Batsira Mutariri Wako weChidzidzo Chebhuku Cheungano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 1/97 p. 3

Bhokisi Remibvunzo

◼ Nei tichifanira kushuma mubato wedu webasa romumunda nokukurumidza mwedzi mumwe nomumwe?

Tose zvedu tinofara apo tinonzwa nezvezvinhu zvakanaka zviri kuitwa mukuparidza shoko roUmambo. (Ona Zvirevo 25:25.) Mabasa 2:41 inoshuma kuti pashure pehurukuro yaPetro inonyandura pazuva rePentekosta, “vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa.” Nguva pfupi gare gare, nhamba iyeyo yakanga yakura kusvika “zviuru zvinenge zvishanu.” (Mabasa 4:4) Mishumo iyoyo inofanira kuve yakafadza sei vaKristu vomuzana rokutanga remakore! Tinoita nenzira imwe cheteyo kumishumo inokurudzira nhasi. Tinofadzwa nokunzwa nezvekubudirira uko hama dzedu dzinofarikanya mukuparidza mashoko akanaka munyika yose.

Sezvo nguva yakawanda nenhamburiko zvichibatanidzwa mukuunganidza mishumo yakadaro, batira pamwe yomuparidzi woUmambo ari ose inokosha. Unongwarira kupinza mushumo wako nokukurumidza mwedzi mumwe nomumwe here?

Mishumo yewedzero inotiunzira mufaro mukuru. Mukuwedzera, mishumo inobetsera Sosaiti kunzvera kufambira mberi kwebasa romunyika yose. Zvisarudzo zvinofanira kuitwa pamusoro pouko betsero yakawanda ingadikanwa kana kuti rudzi neuwandu hwemabhuku anofanira kubudiswa. Vakuru vari muungano imwe neimwe vanoshandisa mishumo yebasa romumunda kuziva apo panogona kunatswa. Mishumo yakanaka inovaka, ichisunda tose zvedu kunzvera ushumiri hwedu timene nokuda kwekunatsa kunobvira.

Vaparidzi vose vanofanira kuziva basa ravo romunhu mumwe nomumwe rokupinza mushumo webasa romumunda nokukurumidza mwedzi mumwe nomumwe. Vaitisi veFundo Yebhuku Yeungano vanokwanisa kuyeuchidza vaparidzi nezvebasa iri, sezvo vakangwarirawo kupa betsero yomunhu oga kuavo vangave nechinetso chokugoverana mubasa romumunda nguva dzose mwedzi mumwe nomumwe. Chiyeuchidzo ichi chingagona kupiwa pafundo yebhuku yokupedzisira mwedzi mumwe nomumwe kana kuti pane imwe nguva yakakodzera. Kana pasina mukana wokupinza mishumo yebasa romumunda paHoro yoUmambo, muitisi weFundo Yebhuku Yeungano anogona kuiunganidza ndokuva nechokwadi chokuti inopiwa munyori nguva ichipo kuti ibatanidzwe nemushumo weungano wemwedzi nomwedzi wenguva dzose unoenda kuSosaiti.

Shingairo yedu mukushuma nokutendeka mubato wedu webasa romumunda nokukurumidza inorerutsira mutoro avo vane basa regarikano yedu yomudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe