Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
Unogona Kuita Upiyona Hwebetsero Here Muna March? April? May?
1 “Vari kudikanwa Vaparidzi 1 000” ndiwo wakanga uri musoro weimwe nyaya yakabudiswa muchinyorwa cheNharireyomurindi yechiNgezi chaApril 1881. Yaive nechikumbiro kuvarume nevakadzi vose vakazvitsaurira, “avo Ishe akapa zivo yechokwadi Chake,” kuti vashandise nguva ipi kana ipi yavaigona kugoverana mukuparadzira chokwadi cheBhaibheri. Avo vaigona kupa hafu kana kuti inopfuura yenguva yavo kubasa raShe chose chose vakakurudzirwa kuzvipira sevaevhangeri macolporteur—vakatangira mapiyona anhasi.
2 Kunyange zvazvo nguva dzakachinja kubvira muma1800, idi rimwe rinoramba riri rimwe chetero—vabatiri vaMwari vakazvitsaurira vanoda kupfuurira kushandisa nguva yakawanda seinobvira mukuparadzira mashoko akanaka. Kubatira samapiyona ebetsero kunobetsera vaparidzi veungano kunatsa kubudirira kwavo sezvavanoisa nguva yomuraudzo muushumiri hwoUmambo.—VaK. 4:17; 2 Tim. 4:5.
3 Kubvira pakuvambwa kwako, kuita upiyona hwebetsero kwakafarikanywa nemazana ezviuru ehama nehanzvadzi. Mbavarira nokuda kweurwu rutivi rwoushumiri hwoupiyona yakakura kusvika kuukuru hwokuti nhamba yapamusoro yemapiyona ebetsero anopfuura 4 000 yakasvikwa mundima yebazu reZimbabwe muna April 1992! Katatu kubvira ipapo, vaparidzi vanopfuura 3 000 vakagoverana semapiyona ebetsero mukati momwedzi waApril—muna 1993, uye 1995. Bviro zvirokwazvo iripo yokudzokorora iyi nhamburiko yakaisvonaka mukati mechirimo cha1997.
4 Tinokukurudzirai kuva nevavariro yokuita upiyona hwebetsero mukati memumwe kana kuti kupfuura wemwedzi yaMarch, April, uye May. Kubatanidzirei March? Nemhaka yokuti gore rino Chirangaridzo chorufu rwaKristu chiri paSvondo, March 23. Hapana nzira iri nani yatingagona kupedza nayo vhiki dzinotangira Chirangaridzo inopfuura kugoverana neshingairo mubasa rokuparidza Umambo iro Ishe wedu noMuponesi, Jesu Kristu, akatanga. Neuchapupu hukuru huri kupiwa muna March, tinogona kukoka vanhu vazhinji vanofarira kuti vatikumbanire mukuchengeta rufu rwaKristu. March achavawo chaiye mukuti, kekutanga, tichave tichigovera bhuku idzva, Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Mukuwedzera, mwedzi waMarch une Zvitanhatu zvishanu nemaSvondo mashanu, kuchibvumira mubato wokupera kwevhiki wakasimba mubasa romumunda. Chokwadika, mukati memwedzi yaApril naMay, nhamburiko yokushingaira inopfuuridzirwa muushumiri ichatibvumira kutevera fariro inenge yawanwa ndokutanga fundo itsva dzeBhaibheri dzapamusha, tichishandisa bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Tichafukidzawo ndima yedu zvakakwana, zvikurukuru pakupera kwevhiki, nezvinyorwa zvazvino uno zvakakodzera nguva zveNharireyomurindi neMukai!
5 Ndiani Anokwanirisa Kuita Upiyona Hwebetsero?: Bhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, peji 113-4, rinotsanangura kuti: “Ipi kana ipi ingava migariro yako umene, kana wakabhapatidzwa, uri wechimiro chakanaka chetsika, unogona kugadzirira kusvitsa chinodikanwa chokupedza maawa 60 pamwedzi muushumiri hwomumunda uye uchidavira kuti ungabatira mwedzi mumwe kana kuti inopfuura sapiyona webetsero, vakuru veungano vachafara kurangarira kumbiriso yako nokuda kweiyi ropafadzo yebasa.” Unogona kuwanira mukana ropafadzo iyi muna March? April? May here?
6 Chimiro chendangariro chakananga chemitumbi yevakuru pamwe chete netsigiro yemwoyo wose yevaparidzi vose vasara zvinofanira kuita kuti davidzo kukokero iyi yemapiyona ebetsero 4 000 ive inobudirira zvikuru. (VaH. 13:7) Misoro yose yemhuri inokurudzirwa kuwana kuti vangani mumhuri dzayo vanogona kukumbanira mapiyona ebetsero mukati memwedzi mumwe kana kuti inopfuura iri kuuya.—Pis. 148:12, 13; enzanisa naMabasa 21:8, 9.
7 Usakurumidza kugumisa kuti haugoni kuita upiyona hwebetsero nemhaka yebasa rako renguva yakazara rokunyika, rudungwe rwechikoro, mabasa emhuri, kana kuti mimwe misengwa yeMagwaro. Nokuda kwevamwe kungasava nyore kutora rutivi; kunyange zvakadaro, nokuronga kwakanaka nechikomborero chaJehovha, vanogona kubudirira. (Pis. 37:5; Zvir. 16:3) Rega chishuvo chokugoverana mubasa roupiyona chidzore mamiriro ezvinhu zvako; usarega mamiriro ezvinhu zvako achidzora chishuvo chako chokupayona. (Zvir. 13:19a) Nokudaro, nekuda Jehovha kwakasimba nevanhu biyedu, vazhinji vangakwanisa kugadziridza mararamiro avo evhiki nevhiki kuitira kuti vakudze ushumiri hwavo mwedzi mumwe panguva. (Ruka 10:27, 28) Zvikomborero zvizhinji zvakachengeterwa avo vanozvishandisa vamene nesimba mubasa roUmambo.—1 Tim. 4:10.
8 Icho Kuita Upiyona Hwebetsero Kunoita: Nhamburiko yemwoyo wose iyo zviuru zvevabatiri vaMwari zvinoshandisa kuti zviite upiyona hwebetsero inoguma nekudanidzira kukuru kwerumbidzo kuna Jehovha. Vazivisi voUmambo ava sezvavanozvishandisa vamene nesimba kuparadzira mashoko akanaka kuvanhu vakawanda, vanokweverwa pedyo zvikuru naJehovha somunhu oga nemhaka yokuti vanodzidza kutsamira paari zvikuru nokuda kwemudzimu wake nechikomborero.
9 Kuva nemapiyona ebetsero, enguva dzose, uye chaiwo anoshingaira pakati pedu kunoparira mudzimu wakanaka wesimba muungano. Mbavarira yavo inotapukira sezvavanotaura pamusoro pezvakaitika zvavo zvomumunda. Ikoku kunosunda vamwe kuyerazve zvavanoisa pakutanga nebviro yokuva negoverano huru mubasa rinokosha zvikurusa roushumiri. Imwe hanzvadzi yakabhabhatidzwa pazera ramakore 70 yakavamba nokukurumidza kupfuurira kuita upiyona hwebetsero. Apo yakabvunzwa makore akati gare gare chikonzero nei, pazera rayo, yakanga ichiri kuzvishandisa imene zvikuru kwazvo muushumiri sapiyona webetsero mwedzi uri wose, iyo yakati yainzwa sokunge makore 70 okutanga oupenyu hwayo akanga apambadzwa, uye yakanga isingadi kupambadza api neapi emakore ayo asara oupenyu!
10 Mumwe nomumwe anotora rutivi mubasa roupiyona hwebetsero anotanga unyanzvi hwakanatswa muushumiri. Chimwe chapupu chiduku, chakabvuma kuti: ‘Mukati meuduku hwapakuvamba ndaisiperekedza vabereki vangu mumibato yavo yokuparidza. Basa romumunda raifadza chaizvoizvo. Zvisinei, pashure penguva yakati, ndakaziva kuti pachikoro ndakanga ndakasiyana neboka rose rasara. Ipapo kwakava kwakandiomera kutaura kuvadzidzi biyangu pamusoro pechokwadi. Pakuparidza paimba neimba, ndakavamba kutya pfungwa yokusangana nomumwe munhu wandaiziva kuchikoro. Kwandiri ndinofunga kuti chinetso chakanga chiri chokutya munhu. [Zvir. 29:25] Pashure pokupedza chikoro, ndakasarudza kuedza kupayona kwechinguvana. Somugumisiro, kuparidza kwakandifadza zvakusina kuita kare. Ndakanga ndisingachakurangaririzve somubato unongofadza zvawo, uyewo kwakanga kusiri mutoro unorema. Pakuona vadzidzi vangu veBhaibheri vachifambira mberi muchokwadi, ndaifarikanya pfungwa yegutsikano huru paufakazi hwokuti Jehovha Mwari akanga achitsigira nhamburiko dzangu.’ Pwere iyi yakapfuurira kubatira sapiyona wenguva dzose.
11 Sezviri pachena, apo vazhinji vanobatira semapiyona ebetsero muungano, ndima inofukidzwa zvakakwana. Hama inotarisira kugoverwa kwendima inogona kukumbira rubatsiro rwamapiyona ebetsero mukufukidza zvikamu zvisingawanzoshandwa. Kutakura zvokudya zvemasikati nokupedzera zuva rose mubasa kuchaita kuti kubvire kushanda kunyange nzvimbo dziri kure dzendima.
12 Vakuru Vanofanira Kufanoita Gadziriro Pachine Nguva Mberi: Mumwedzi mitatu yose inotevera, gadziriro dzinofanira kuitwa dzokuronga marudzi akasiyana-siyana omubato wokupupura panguva dzakasiyana-siyana dzevhiki, kubatanidza masikati nokuvamba kwamadekwana, kuitira kuti vakawanda sevanobvira vagone kutora rutivi. Mukuwedzera kubasa repaimba neimba renguva dzose batanidzai nhambo dzokupupura mumigwagwa, kushanda ndima dzebhizimisi, uye kushanyira vaisava pamba. Kupfurikidza nokuita kudaro, vakuru vanobetsera avo vari kupayona kugoverana mubasa neungano panguva ichava inoshanda zvikurusa neyakanakira mapiyona. Ungano inofanira kunyatsoziviswa gadziriro dzose dzebasa romumunda. Kuitiswa kwemisangano yebasa kunofanira kunyatsorongwa. Mukuwedzera, ndima yakakwana inofanira kuitwa kuti ive inowanika uye magazini akawanda nemigove yemamwe mabhuku zvinofanira kuodwa nokukurumidza.
13 Ronga Rudungwe Rwako Rwomunhu oga Rwebasa: Imwe hama, iyo pakutanga yaitya kuita upiyona hwebetsero, yakati: “Kuri nyore chaizvoizvo zvikuru kupfuura zvandaifunga kuti kwaizova. Kunongoda rudungwe rwakanaka.” Papeji yokuseri yewedzero ino, unoona here rudungwe rwomuenzaniso rwapiyona webetsero rungava runokushandira? Maawa gumi nemashanu vhiki imwe neimwe oushumiri ndiyo nguva bedzi inodikanwa nokuda kwamapiyona ebetsero.
14 Kuti vabatire samapiyona ebetsero, vadzimai vanotarisira dzimba neavo vanoshanda masikati bedzi kazhinji kazhinji vanogona kuronga mangwanani avo nokuda kwebasa romumunda. Vana vechikoro nevanoshanda mangwanani vanogona kazhinji kazhinji kupa masikati avo kubasa rokuparidza. Vashandi vokunyika venguva yakazara vakakuwana kuchibvira kutora nguva yokusava pabasa zuva rimwe rebasa pavhiki kana kuti zvimwe kupa kupera kwemavhiki kwakazara kuushumiri, mukuwedzera kukuita kupupura kwamanheru. Vazhinji vane ushumiri hwomumunda hwakaganhurirwa zvikurusa kumubato wekupera kwevhiki vanosarudza mwedzi ine kupera kwevhiki kushanu kwakazara. Gore rino, ikoko ndozvakaita March, pamwe chete naAugust naNovember. Uchishandisa rudungwe rusina kuzadzwa ruri papeji 6 runogoverwa senhungamiro, funga nokungwarira nokunyengetera ruchava rudungwe rwomunhu oga rwebasa runoshanda nokuda kwemamiriro ezvinhu zvako omunhu oga.
15 Imwe betsero yegadziriro yacho kuna piyona webetsero kuchinjika kwarwo. Unogona kusarudza mwedzi yauchapayona, uye unogona kubatira kazhinji sezvaunoshuva. Kana uchida kupfuurira kuita upiyona hwebetsero asi usingagoni kuita kudaro, wakafunga here nezvekunyoresa kamwe pamwedzi miviri iri yose mugore rose? Kune rumwe rutivi, vamwe vanokwanisa kubatira nguva dzose semapiyona ebetsero kwenhambo refu dzenguva.
16 Kufanogadzirira Kuita Upiyona Hwenguva Yakazara: Vazhinji vane chimiro chendangariro chokupayona vangada kubatira semapiyona enguva dzose, asi vanoshamisika kana vane nguva, mamiriro ezvinhu, kana kuti simba rako. Pasina mubvunzo vazhinjisa veavo zvino vari kuita upiyona hwenguva dzose vakatanga kushandisa basa roupiyona hwebetsero sekufanogadzirira basa renguva yakazara. Kupfurikidza nokuwedzera kwemunhu rudungwe rweupiyona hwebetsero awa imwe chete zuva rimwe nerimwe, kana kuti zuva rimwe rakazara vhiki imwe neimwe, kunobvira kuita rudungwe rweupiyona hwenguva dzose. Kuona kana ikoko kuchikubvirira, kuregererei kuedza kupa maawa 90 muushumiri mukati memwedzi mumwe kana kuti inopfuura yekuita upiyona hwebetsero? Panguva imwe cheteyo, unenge uchitanga shanyo dzedzokerero nefundo dzeBhaibheri, uko kuchakubvumira kufarikanya ushumiri hwoupiyona hwakadzikama.
17 Imwe hanzvadzi yakafarikanya makore matanhatu okupfuurira kuita upiyona hwebetsero. Panguva yose iyoyo yakanga iri vavariro yayo kupinda mubasa roupiyona hwenguva dzose. Nechinangwa ichocho, yakaedza mabasa mana okunyika akasiyana-siyana ichikarira kuita mamiriro ezvinhu aizoigonesa kusvitsa chinodikanwa chemapiyona enguva dzose chemaawa 90. Mwedzi mumwe nomumwe, yaironga rudungwe rumwe kana kuti maviri kuitira kuti iwane kana kungabvira. Asi pakuanzvera, yakafunga kuti yaisakwanisa kuita ushumiri hwenguva yakazara. Kunyange zvakadaro, yakapfuurira kukumbira nhungamiro yaJehovha. Ipapo rimwe zuva ichigadzirira Musangano Webasa, yakarava imwe nyaya muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1991 iyo yakati: “Panzvimbo pokuisa simbiso isakafanira pachinodikanwa chemaawa, kuregererei kunangidzira ngwariro pamukana wakawedzerwa wokugoverana mubasa rokuunganidza? (Joh. 4:35, 36)” Inorondedzera kuti: “Ndakaravazve mutsetse uyu kashanu kana kuti katanhatu, uye ndakanga ndine chokwadi zvikuru chokuti iyi yakanga iri mhinduro yaJehovha. Panhambo iyoyo ndakaita chisarudzo chokupinda mubasa reupiyona hwenguva dzose.” Kunyange zvazvo rudungwe rwebasa rayo rokunyika renguva isina kuzara rwakanga rwusiri rwakanakisisa, yakapinza kumbiriso yayo yokuita upiyona hwenguva dzose. Vhiki imwe gare gare rudungwe rwayo rwakachinjwa, uye yakapiwa maawa okushanda ebasa rokunyika akanga akaikodzera chaizvo. Yakagumisa kuti, “Urwu ruoko rwaJehovha here, kana kuti kwete?,” uye yakawedzera kuti: “Apo unokumbira nhungamiro yaJehovha ndokuigamuchira, usaitiza—igamuchire.” Kana chiri chishuvo chako chechokwadi kuita upiyona hwenguva dzose, zvichida panosvika kupera kwemwedzi mitatu yokuita upiyona hwebetsero March uno, April, uye May, uchapwiswa kuti iwewo unogona kubudirira muushumiri hwenguva yakazara.
18 Tine chokwadi chokuti Jehovha achakomborera shingairo uye achatsigira nhamburiko dzevanhu vake sezvavanoparidza mashoko akanaka oruponeso mukati menhambo iyi yenguva inokosha yemubato. (Isa. 52:7; VaR. 10:15) Uchapindura here danidzo nokuda kwemapiyona ebetsero 4 000 kupfurikidza nokuva negoverano muna March? April? May?
[Bhokisi riri papeji 3]
Nzira Yokubudirira Nayo Sapiyona Webetsero
■ Iva ane chivimbo pamusoro pezvaunokarira
■ Nyengetera kuna Jehovha kuti akomborere nhamburiko dzako
■ Kumbira mumwe muparidzi kuti apayone newe
■ Ronga rudungwe rwebasa rwunoshanda
■ Odha magazini akawanda
■ Tsigira gadziriro dzeungano dzebasa
■ Tsvaka mikana yokupupura kusina kurongwa