RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/97 p. 2
  • Chirangaridzo—Chiitiko Choukoshi Hukuru!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chirangaridzo—Chiitiko Choukoshi Hukuru!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha Anokomborera Zvatinoita Kuti Tipinde Chirangaridzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Nei Tichipinda Chirangaridzo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • “Rambai Muchiita Izvi”—Chirangaridzo Chichaitwa Musi waApril 5
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • ‘Paridza Shoko raMwari Kwazvo’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 2/97 p. 2

Chirangaridzo—Chiitiko Choukoshi Hukuru!

1 PaSvondo, March 23, pashure pokunyura kwezuva, tichachengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. (Ruka 22:19) Ichi zvirokwazvo chiitiko choukoshi hukuru! Kupfurikidza nokuchengeta perero yake kuna Jehovha kusvikira kurufu, Jesu akabvumikisa kuti zvinobvira kuti munhu achengete kuzvipira kwoumwari kwakakwana kunyange mukudzvinyirirwa kwakakomba, nokudaro achitsigira ururami hweuchangamire hwaJehovha. (VaH. 5:8) Mukuwedzera, rufu rwaKristu rwakagovera chibayiro chomunhu chakakwana chaidikanwa kudzikinura rudzi rwomunhu, chichikuita kuti kubvirire avo vanoshandisa kutenda kurarama nokusingaperi. (Joh. 3:16) Kupfurikidza nokuvapo paChirangaridzo tinogona kuratidzira kuonga kwedu kwemwoyo wose zvose zviri zviviri rudo rwaJehovha uye chibayiro chaJesu nokuda kwedu.

2 Vose vanokurudzirwa kutevera purogiramu yokurava Bhaibheri yakarongwa nokuda kwaMarch 18-23, sezvinoratidzwa paKarenda yeZvapupu zvaJehovha ya1997. Uyewo, kurukurirano yemhuri yemaganhuro 112-16 ebhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama ichabetsera kunangidzira ngwariro yedu pavhiki inokosha zvikurusa munhau yevanhu.

3 Unogona here kuwedzera nguva yaunopedzera muushumiri hwomumunda mukati menhambo yeChirangaridzo? Vaparidzi vazhinji vachashandisa zvakazara kupera kwevhiki kushanu kuri muna March kubatira semapiyona ebetsero. Kuregererei kuva pakati pavo? Tose zvedu tinogona kuva negoverano yakazara mukusimbisa ukoshi hwekupinda Chirangaridzo. Sezvo chiri paSvondo, kuchaitira vazhinji nyore zvikuru kupinda. Iva nechokwadi chokukoka vadzidzi vose veBhaibheri nevamwe vanofarira kutikumbanira. Goverana navo zvinotaurwa papeji 127, ndima 18, mubhuku raZivo pamusoro pezuva rimwe regore rinofanira kuchengetwa zvikuru.

4 Svika ichi chiitiko chikurusa cha1997 nokuonga kukuru zvose izvo rufu rwaJesu runoreva nokuda kwedu. Ivapo pamadekwana aMarch 23, apo vaKristu vechokwadi kwose kwose vanochengeta Chirangaridzo nokutendeka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe