RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/97 p. 1
  • “Vaka Imba Yako”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vaka Imba Yako”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Pane Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri Here?
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Kugoverana Nevamwe Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Ronda Rugare rwaMwari Muupenyu Hwemhuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kubetsera Pwere Kuwana Ramangwana Rinogara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 3/97 p. 1

“Vaka Imba Yako”

1 Pasina mubvunzo, mutsika yose kupota nyika yose, upenyu hwemhuri huri kuparara. Nyika yaSatani inonyengera uye ine unzenza zvikuru. (1 Johane 5:19) Ikoku kukosha kwokuti ti‘vake imba yedu’ uye kudzidzisa vamwe maitirwe ezvimwe chetezvo nokuda kwedzavo.—Zvir. 24:3, 27.

2 Nheyo dzeBhaibheri Itaviridzo: Chakavanzika chokuti pwere dziwane mufaro wechokwadi chinowanwa mukushandiswa kwenheyo dzeBhaibheri. Idzi zvokwadi dzine simba dzinobetsera mutezo uri wose weimba mumativi ose oupenyu, zvikurukuru pwere. Mhuri inodzishandisa ichafara uye ichafarikanya rugare rwoumwari.—Enzanisa naIsaya 32:17, 18.

3 Nheyo dzinogona kutibetsera kuvaka vana vedu dzinooneswa dzakapfupikiswa mubhuku, raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Ganhuro rimwe nerimwe rinoguma nebhokisi rinobetsera rekudzidzisa iro rinosimbisa nheyo idzo pwere dzinofanira kuyeuka. Mazhinjisa eaya mabhokisi ane mibvunzo yemirangariro. Iyi inokwevera ngwariro kumifungo yaMwari kuitira kuti pwere dziwane kufunga kwake panhau inenge ichikurukurwa.—Isa. 48:17.

4 Rovedzana nebhuku racho. Dzidza kuwana nheyo idzo dzinogona kubatsira apo zvinetso zvakasiyana-siyana zvinomuka. Bhuku racho rinokurukura nhau dzakadai seidzi: nzira iyo munhu anogona kubata nayo nedzvinyiriro yevaenzani (ganhuro 8, 9), uye nzira yekuchengeta nayo tsika dzakanaka munyika ine unzenza (Chikamu 6, “Vatano Netsika”). Vechiduku vachabetserwa zvikuru nechikamu 7 pasi pemusoro unoti: “Kuronga Misi Yokuvhakacha, Rudo, Uye Vemitezo Yakasiyana.” Mumwe mubvunzo unopindurwa muichi chikamu ndewokuti: Ndagadzirira Roorano Here? (ganhuro 30). Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo zvino kwava chinetso chenyika dzakawanda uye nyika yedu inobatanidzwa. Maganhuro maviri muChikamu 8 anokurukura iyi nhau. Pakupedzisira, Chikamu 10 chinobetsera pwere kugadzirira nokuda kweramangwana rakanaka muUmambo hwaMwari.

5 Shandisa Bhuku Racho Zvakazara: Kana musati matoita saizvozvo, kuregererei kufunda bhuku raVechiduku Vanobvunza pamwe chete semhuri? Uyewo, nguva ipi kana ipi vana venyu vanonangana nezvinetso zvitsva kana kuti denho, hwirudzurai maganhuro ari mubhuku racho ane chokuita naizvozvi, uye nenzira yokunyengetera rangarirai mashandisirwe ezano racho. Mukuwedzera, mukati maMarch, April naMay iva anodisa mukuronga nguva yeushumiri hwemumunda kuitira kuti ugogona kuedza kugovera Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda mumaoko evanhu vakawanda sevanobvira. Riri kugoverwa pamutengo chaiwo wakaderedzwa we$5,00.

6 Mhuri dzinoshandisa kuzvipira kwoumwari dzichasimbiswa mumudzimu ndokubatanidzwa uye dzichagadzirirwa zvakanaka kuti dzigonane nedenho dzaSatani. (1 Tim. 4:7, 8; 1 Petro 5:8, 9) Tinoonga sei kuti tine murayiridzo woumwari unobva kuMuvambi wemhuri!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe