Kuitisa Fundo dzeBhaibheri Dzepamusha Dzinofambira Mberi
1 Mukoti wemuTanzania, wechiduku wemuArgentina, uye amai vemuLatvia vane chii chakafanana? 1997 Yearbook (map. 8, 46, uye 56) inoshuma kuti vose vari vatatu vakaita fambiro mberi yekukurumidza mufundo dzavo dzeBhaibheri dzepamusha, nemhaka yekudisa kwavo kuva nerunopfuura rusando rumwe rwefundo vhiki imwe neimwe mubhuku raZivo. Kwakarumbidzwa kuti apo kunobvira, vaparidzi vanofanira kuvavarira kukurukura ganhuro rimwe rebhuku racho mukati merusando rwefundo rumwe norumwe. Zvisinei, vamwe vanokuwana kwakaoma kuita saizvozvo. Kunyange zvazvo zvakawanda zvichatsamira pamamiriro ezvinhu nemano zvemudzidzi mumwe nomumwe, vadzidzisi vane ruzivo rwekuzviwanira vakabudirira kupfurikidza nokushandisa zvikarakadzo zvinotevera.
2 Sezvakakurukurwa muwedzero yeUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 1996, kuri madikanwa kurovedza vadzidzi vako kugadzirira fundo yacho. Pakutanga chaipo, kungava kwakanaka kutsanangura ndokuratidzira maitirwe aikoku. Varatidze kopi yako yefundo yemunhu oga yebhuku raZivo. Gadzirirai chidzidzo chekutanga pamwe chete. Betsera vadzidzi kuwana mashoko anokosha kana kuti zvitsama zvemashoko izvo zvinopindura zvakananga mubvunzo wakadhindwa uye ipapo kuisa mutsetse pasi kana kuti kuisa mucherechedzo. Vamwe vaparidzi vakatopa vadzidzi vavo chokutarisa chinoisa mucherechedzo chekushandisa. Vakurudzire kunzvera magwaro ose sezvavanogadzirira fundo yacho. Mukudaro, uchave uchivarovedzawo kugadzirira kupinda Fundo Yebhuku Yeungano neFundo yeNharireyomurindi.—Ruka 6:40.
3 Mudzidzisi akanaka achaita kuti mudzidzi ataure uye kwete kutaura zvakawanda iye amene. Anodzivisa kuva anotsauswa pamapfundo maduku. Haawanzopinza mashoko okunze. Panzvimbo pezvo, anosimbisa mapfundo makuru echidzidzo. Vamwe vakagovera vadzidzi mabhuku ekuwedzera kuvabetsera kuwana mhinduro kumibvunzo. Uyezve, vanofarira vachawana mashoko ekuwedzera ane udzame kupfurikidza nokupinda misangano yeungano.
4 Kungasava kuri madikanwa kunzvera magwaro ose akarongwa muchidzidzo. Mamwe mapfundo makuru angatsanangurwa kubva mumagwaro akanokorwa mashoko ari mundima. Muhwirudzuro, simbisa magwaro anokosha akakurukurwa uye kurudzira mudzidzi wacho kuyeuka iwaya.
5 Rusando Rumwe Norumwe Runofanira Kureba Sei?: Fundo haifaniri kuganhurirwa kuawa imwe. Vamwe vanasaimba vane nguva inowanika uye vangashuva kufunda kwenguva yakareba. Kana kuti mudzidzi angashuva kufunda kanopfuura kamwe pavhiki. Ikoku kungava kunobetsera avo vanogona kuita saizvozvo.
6 Sezvinoratidzira Isaya 60:8, nhasi mazana ezviuru evarumbidzi vatsva vaJehovha “[anouya a]chibhururuka segore, senjiva dzinouya kumawindi ezvirugu zvadzo” muungano dzevanhu vake. Tose zvedu ngatiitei rutivi rwedu mukusanoshanda naJehovha sezvo anokurumidzisa kuunganidzwa kwevakafanana nemakwai.—Isa. 60:22.