Chikamu 4—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
Kudzidzisa Vadzidzi Kuti Vagadzirire
1 Mudzidzi anoverenga chidzidzo musati madzidza, anotara mhinduro, uye anofunga kuti angataura sei mhinduro dzacho asingaiti zvokuverenga anowanzokurumidza kufambira mberi mune zvokunamata. Naizvozvo, kana mangotanga chidzidzo chenguva dzose, gadzirirai chidzidzo chacho pamwe chete nomudzidzi uchimuratidza kuti zvinoitwa sei. Vadzidzi vakawanda vachabatsirwa kana mukagadzirira chitsauko chacho chose kana kuti chidzidzo chacho chose muri mose.
2 Kutara Mhinduro uye Kunyora Pfungwa Huru: Tsanangura kuti anowana sei mhinduro dzakananga dzemibvunzo yakadhindwa. Ratidza waunodzidza naye bhuku rako ramuri kudzidza rawakatara mashoko anokosha chete. Pamunenge muchidzidza, angada kutevera muenzaniso wako, achingotara zvinodiwa mubhuku rake kuti ayeuke mhinduro yacho. (Ruka 6:40) Zvadaro mukumbire kuti apindure asingaiti zvokuverenga. Izvi zvichaita kuti uone kuti anyatsonzwisisa here zvamuri kudzidza.
3 Kunyatsoongorora magwaro ane mashoko asina kutaurwa ndicho chinhu chinokosha pakugadzirira kunoitwa nomudzidzi. (Mab. 17:11) Mubatsire kuona kuti rugwaro rumwe norumwe ruripo runotsigira pfungwa iri mundima yacho. Muratidze kuti anganyora sei pfungwa huru pfupi kumucheto kwebhuku raari kudzidza. Musimbisire kuti muBhaibheri ndimo munobva zvaari kudzidza. Mukurudzire kuti anzwe akasununguka kushandisa magwaro aripo mumhinduro dzake pamunenge muchidzidza.
4 Imbotarisa Mashoko Acho uye Adzokorore: Mudzidzi asati atanga kunyatsogadzirira mashoko aachadzidza, zvichamubatsira kana akambotanga atarisa nyaya yacho. Muratidze kuti anogona kuona zvakaita mashoko acho nokuongorora kwenguva pfupi musoro wechitsauko chacho, misoro miduku, uye mifananidzo. Tsanangura kuti asati apedza kugadzirira, kungava kuchenjera kuti awane nguva pfupi yokudzokorora pfungwa huru dzinotaurwa muchidzidzo chacho, zvichida achishandisa bhokisi rokudzokorora kana riripo. Kudzokorora kwakadaro kuchamubatsira kuti arambe achiyeuka mashoko acho.
5 Kudzidzisa mudzidzi kuti anyatsogadzirira chidzidzo chake kuchamubatsira kuti ape mhinduro dzine zvadzinoreva pamisangano yeungano. Kuchamubatsirawo kuti ave netsika dzokudzidza dzichamubatsira kunyange kana apedza kudzidziswa Bhaibheri.