Kutendeka Kunotuswa
1 Pana VaHebheru 11:6 tinoudzwa kuti Mwari “unopa vanomutsvaka mubayiro wavo.” Imwe nzira yaanotusa nayo vabatiri vake vakazvipira vave ‘vakatendeka muzvinhu zvishoma’ ndeyo‘kuvagadza pazvinhu zvakawanda.’ (Mat. 25:23) Nemamwe mashoko, Jehovha anowanzotusa basa rakanaka kupfurikidza nokupa zvapupu zvake zvakatendeka ropafadzo dzakawedzerwa dzebasa.
2 Kutendeka kwemuapostora Pauro kwakatuswa kupfurikidza nokugoverwa kwake ushumiri hwakamuendesa mumaguta nemisha yeEurope neAsia Minor. (1 Tim. 1:12) Kunyange zvazvo nhamburiko huru yaibatanidzwa mukuita zvizere ushumiri hwake, Pauro aikudza zvikuru ushumiri hwaakanga agamuchira. (VaR. 11:13; VaK. 1:25) Akaratidza kuonga kwake kwemwoyo wose kupfurikidza nokutsvaka zvepachokwadi mikana yekuparidza. Kupfurikidza nebasa rake rokushingaira, akaratidza zvakajeka kuti aishandisa kutenda kwake. Muenzaniso wake unotisunda kukoshesa ropafadzo dzedu dzebasa.
3 Jehovha Akatipa Ushumiri: Tinoratidza sei murangariro wakafanana weiyi ropafadzo yebasa uyo Pauro akaratidza? Tinotsvaka nzira dzokuwedzera nadzo goverano yedu muushumiri. Tinoshandisa mukana wose kupupurira nenzira isina kurongwa mukuwedzera kukupupura kwepasuo nesuo. Tinoshanyirazve vose vasiri pamba ndokuita shanyo dzedzokerero pavose vanofarira. Uye tinochengeta rangano dzekuonana dzatinoita dzekuitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha.
4 Pamusoro poushumiri hwedu, Pauro akarayira kuti: “Zviite uchikurumidza.” (2 Tim. 4:2, NW) Chinhu chekukurumidzira chinoda ngwariro yepakarepo. Tinoita ushumiri hwedu nemutoo wekukurumidza here, tichihuisa pokutanga muupenyu hwedu? Somuenzaniso, hatingadi kutendera nhandaro nezvimwe zvinorondwa zvemunhu oga kudzongonyedza nguva yatinofanira kupa kuushumiri hwomumunda pakupera kwevhiki. Sezvo tichipwiswa kuti mugumo wetsika ino yezvinhu uri kusvika nokukurumidza, tinopwiswawo kuti kuparidza mashoko akanaka oUmambo ndiro basa rinokosha zvikurusa ratinogona kuita.
5 Kutendeka kwedu kuna Mwari kunoratidzirwa nokuva kwedu vechokwadi uye vakavimbika kwaari ndokuva mubasa raakatigovera nguva dzose. Ngatiitei zvizere ushumiri hwedu, kuitira kuti Jehovha azotusa kutendeka kwedu nenzira yakakura.