Kuwedzera Ushumiri Hwedu
1 Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vafambe munzira yaMwari uye kuti ‘varambe vachiwedzera kuzviita zvizere.’ (1 VaT. 4:1) Izvi zvinorevei kwatiri? Zvinoreva kuti tinofanira kuramba tichitsvaka nzira dzokuita zvakawanda mukunamata, tichiedza nguva dzose ‘kuita ushumiri hwedu zvizere.’—2 Tim. 4:5.
2 Zvatinovavarira: Chido chokushumira Musiki wedu zvizere chinoita kuti tivavarire kuwedzera ushumiri hwedu. Tinoda kukura pakunamata uye kutsvaka nzira dzokuvandudza nadzo ushumiri hwedu. Purogiramu yakanaka inoitwa nechinangwa chakakodzera ichatibatsira kuita zvinangwa zvine chokuita nebasa ratinoitira Mwari.—Pis. 1:1, 2; VaF. 4:6; VaH. 10:24, 25.
3 Kushandira kuti tiwedzere ushumiri hwedu kunoda kuti tikudziridze pfungwa yokupa uye yokuzvipira. Pfungwa iyoyo inogona kukudziridzwa kuburikidza nokufungisisa muenzaniso wakanaka waJesu tichinyengetera. (Mat. 20:28) Jesu akawana mufaro mukuru kubva mukushumira vamwe muushumiri hwake hwose. (Mab. 20:35) Tinogona kutevedzera Jesu nokuratidza kufarira vanhu uye kuva vakangwaririra mikana yokuwedzera ushumiri hwedu.—Isa. 6:8.
4 Basa Revabereki: Chido chokushumira vamwe uye chokuwedzera ushumiri hwedu chinogona kuitwa kuti chive muvana vachiri vaduku. Vaduku vachaona kushingaira kunoita vomumhuri uye kushanda nesimba kwavanoita pakuwedzera ushumiri hwavo. Imwe hama yakakurudzirwa kuwedzera ushumiri hwayo ichiri mukomana muduku pamusana pokushanda kwayaiita nasekuru vayo mumabasa eungano. Kuona sekuru vachishingaira uye vachifara kwakaita kuti itsvake mikana yokushumira hama dzayo. Iye zvino mushumiri anoshumira.
5 Hama Dziri Kudiwa: “Kana murume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri ari kuda basa rakanaka.” (1 Tim. 3:1) Mashoko aya anokurudzira hama kuti dzivavarire kuva nedzimwe ropafadzo dzebasa musangano raJehovha. Kuita izvi hakudi hako kuti munhu ave nyanzvi pane chimwe chinhu kana kuva nenjere dzinoshamisa. Hama iri kuvavarira kuita zvakawanda ichatanga kutsvaka Umambo uye ichashingaira muushumiri. (Mat. 6:33; 2 Tim. 4:5) Ichaedza kuva muenzaniso wakanaka kune vamwe.
6 Munyika Yose: Jehovha ari kukurumidzisa basa rokuunganidza. (Isa. 60:22) Vose vanotevedzera muenzaniso waJesu vari kutarisirwa kuti vaite ushumiri hwavo zvizere nokukurumidza. Mushumo wenyika yose wegore rebasa ra2006 unoratidza kuti 248,327 vakabhabhatidzwa. Izvi zvinoreva avhareji yevatsva vanopfuura 680 zuva rimwe nerimwe! Tose zvedu ngatirambei tichitsvaka nzira dzokuita ushumiri hwedu zvizere.