RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/98 p. 1
  • Zvapupu zvaJehovha—Vaevhangeri Vechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha—Vaevhangeri Vechokwadi
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • “Ita Basa roMuevhangeri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Ndivanaani Vari Vaevhangeri Vechokwadi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • MaKristu Ose Echokwadi Anofanira Kuva Vaevhangeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • VaKristu Vose Vechokwadi Vaparidzi Veevhangeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 2/98 p. 1

Zvapupu zvaJehovha—Vaevhangeri Vechokwadi

1 Jesu Kristu akapa basa rokuva vaevhangeri kuvadzidzi vake vose, achivarayira zvakananga kuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mat. 24:14; Mabasa 10:42) Vadzidzi vake vapakuvamba vakagadza muenzaniso muna izvozvi sezvavaitaura pamusoro poUmambo vasinganeti—kwete munzvimbo dzokunamatira bedzi asi kwose kwose kwavaisangana nevanhu pachena uye pakuenda paimba neimba. (Mabasa 5:42; 20:20) SeZvapupu zvaJehovha nhasi, takazvibvumikisa kuva vaevhangeri vechokwadi vechiKristu, tichiparidza shoko roUmambo munyika 232 nokubhabhatidza vadzidzi vatsva vanopfuura miriyoni imwe mumakore matatu chete achangobva kupfuura! Nei basa redu rouevhangeri rave richibudirira kwazvo?

2 Mashoko Akanaka Anotifadza: Vaevhangeri vaparidzi, kana kuti vatumwa, vamashoko akanaka. Sevakadaro, tine ropafadzo inofadza yokuzivisa Umambo hwaMwari—mashoko bedzi akanaka chaizvoizvo anogona kupiwa vanhu vatambura. Tine mbavarira pamusoro pezivo yatakafanowana yematenga matsva achatonga pasi idzva iro richaumbwa nevanhu vakatendeka muParadhiso iri kuuya. (2 Pet. 3:13, 17) Tisu bedzi takagamuchira tariro iyi, uye tinodisa kuigoverana nevamwe.

3 Rudo Rwechokwadi Runotisunda: Uevhangeri ibasa rinoponesa upenyu. (VaR. 1:16) Ndokusaka tichiwana mufaro mukuru mukuparadzira shoko roUmambo. Sevaevhangeri vechokwadi, tinoda vanhu, uye izvozvo zvinotisunda kugoverana mashoko akanaka navo—mhuri dzedu, vavakidzani, vazivikanwi, uye vamwe vakawanda sevanobvira. Kuita basa iri nomwoyo wose ndechimwe chezvinhu zvakanakisisa zvatinogona kuita mukuda kwedu vamwe.—1 VaT. 2:8.

4 Mudzimu waMwari Unotitsigira: Shoko raMwari rinotivimbisa kuti patinoita basa redu rokudyara nokudiridza mbeu yoUmambo, Jehovha ndiye ano“meresa.” Izvozvo ndizvo chaizvo zvatinoona zvichiitika musangano redu nhasi. (1 VaK. 3:5-7) Mudzimu waMwari ndiwo unotitsigira mubasa redu rouevhangeri uye unotipa kubudirira kukuru.—Joe. 2:28, 29.

5 Mukurangarira kurudziro iri pana 2 Timotio 4:5 yoku“bata basa romuevhangeri” uye nemhaka yokuda kwedu vanhu vose, ngatisundwe kugoverana mashoko akanaka oUmambo anofadza pamikana yose, tichivimba kuti Jehovha achapfuurira kukomborera basa redu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe