Sarudza Nyaya Kuti Unange Fariro Chaidzo Dzavanhu
1 Savapfuri nouta vanonangidzira miseve yavo nokungwarira, vaparidzi veungano vakawanda namapiyona vari kufarikanya kubudirira kwakaisvonaka vachishandisa nyaya dzakasarudzwa muNharireyomurindi neMukai! kuti vafadze fariro chaidzo dzavanhu vari mundima yavo. Vanosarudza kuti ndivanaani zvikurukuru vangangoda kurava nyaya dzakati dzamagazini acho. Vanoita sei izvozvi?
2 Chokutanga vanorava chinyorwa chimwe nechimwe kubva kubutiro kusvikira kubutiro. Ipapo vanozvibvunza kuti, rudzii rwomunhu urwo nyaya imwe neimwe ingafadza? Nhamburiko inobva yaitwa yokushanyira vanhu avo vangangofarira kurava nyaya iyoyo. Apo vanenge vachikarira kuti chinyorwa chaicho chinofanira kugamuchirwa zvikuru mundima yavo, vanoodha mugove womuraudzo.
3 Magazini Edu Anoremekedzwa Zvikuru: Mumwe wavazvinyoresi vedu anoshandira magazini yamarudzi akawanda inoraviwa zvikuru yeNigeria akati nezveMukai!: “Makorokoto kumagazini yakanakisisa inofarirwa navanhu vosewo zvavo.” Muravi anodisa wamagazini edu akati: “Zvinhu zvakaisvonaka zvinoshamisa zvakadini zvouchenjeri hunokosha! Hapana nhau inondifadza yandisingaoni ichikurukurwa pane imwe nzvimbo mumapeji eimwe ya[magazini] aya.”
4 Magazini acho anobata nenhau dzakawanda, kubatanidza Bhaibheri, zvinoitika zvenyika, zvinoitirwa hanya nemhuri, zvinetso zvomunzanga, nhau, sayenzi, upenyu hwemhuka nemiti, kungoronga zvishomanene bedzi. Zvirokwazvo munhu anoda zvikuru kurava chimwe chinhu apo chinenge chine chokuita nezvinodikanwa zvake, mamiriro ezvinhu, kana kuti basa. Sezvo tichitaura kuvanhu vakawanda, vamwe navamwe vane zvavanoda chaizvo nezvinetso, kusarudza nyaya zvikurukuru kuti tifadze vanhu vatinosangana navo kunobudirira zvikuru.
5 Cherekedza chakaitika apo Zvapupu zviviri zvakagovera chinyorwa cheMukai! chaSeptember 8, 1996, kumunyori wechikamu chomupepanhau. Akanyora kuti: “Ndisati ndawana mukana wokutaura kuti ndakanga ndisingafariri, mumwe wavo akawedzera kuti: ‘Mune nyaya pamusoro pavaIndia vokuAmerica. Tinoziva kuti mave muchinyora zvakawanda pamusoro penhau yacho.’” Akatora magazini yacho uye, mukati mechisvusvuro, akarava mashoko pamusoro pavaIndia, gare gare achibvuma kuti “yakanga yakaisvonaka” uye “yakatendeseka zvachose.”
6 Chii Chinofadza Vanhu Mundima Yako? Wakaonei mumagazini mumwedzi mishomanene yapfuura chingafadza vatengesi vomuzvitoro nenyanzvi vari mundima yako kana kuti kuvavakidzani vako, vaunoshanda navo uye vokuchikoro vako? Chii chingava chefariro chaiyo kumagweta, vadzidzisi, vapi vezano vemhuri nevechikoro, vapi vezano vepwere, vanoita mabasa enzanga, uye varapi? Kurangarira vanhu vaunoparidzira sezvaunonzvera chinyorwa chimwe nechimwe kuchakupa nzira dzakaisvonaka dzokuparadzira nadzo shoko rechokwadi.
7 Apo unowana munhu anoratidza fariro chaiyo munyaya yakati yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! uye anogamuchira magazini yacho, ungati: “Apo panenge pane nyaya muchinyorwa chomunguva yemberi yandinonzwa kuti ingavawo yefariro kwamuri, ndichafara kukuunzirai kopi.” Ungakwanisa kuwedzera munhu wacho uko magazini ako akamirirwa, uchidzokerera kazhinji kazhinji zvikuru namagazini azvinouno. Zvakafanana nezvakaitwa mukuwana kokero kune munhu upi noupi yokuita shanyo dzedzokerero pavanhu vangava vanofarira zvikurukuru nyaya dzakati dzinobuda mumagazini edu
8 Iva Nechinangwa Chomudzimu: Makore mashomanene apfuura, mumwe murume anofarira zvokushanda akawana magazini yeMukai! ine nhau yakamufadza. Zvisinei, uyu murume worudzidziso akaravawo chinyorwa chinobatanidzwa cheNharireyomurindi, chaiva nenyaya yakamusunda kuongorora chitendero chake choupenyu muUtatu. Mwedzi mitanhatu gare gare akabhabhatidzwa! Nokudaro, usazengurira kupinza varavi vamagazini edu mukurukurirano dzoMudzimu. Ungagona kusuma bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? ndokukarakadza kutora maminiti mashomanene bedzi kukurukura chidzidzo chimwe pashanyo nguva imwe neimwe yaunodzoka nomugove mutsva wemagazini.
9 Rangarira nokungwarira kuti ndiani pakati peshanyo dzako dzedzokerero navazivikanwi vebhizimisi vangangoonga kuva nezvinyorwa zvazvino zveNharireyomurindi neMukai! Ipapo ita nhamburiko yapachokwadi yokuvasvika. Onana navakawanda savaunogona namagazini aya anokosha. Uye usatongokanganwe kuti sezvo unovavarira kubetsera vanhu vakawanda kurava magazini edu, uri ku‘kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura.’ Pashure penguva yakati, ungabudirira mukuwana vadzidzi biyako vomunguva yemberi.—Mup. 11:1, 6.