Vakanai Nokutsinhira Pamisangano
1 Tinorayirwa pana VaHebheru 10:24, ‘kunyandurirana kurudo nemabasa akanaka kwazvo.’ Izvi zvinobatanidza kuvakana kupfurikidza nokupa tsinhiro dzine revo pamisangano yeungano. Nei tichifanira kutsinhira? Tingazviita sei? Ndiani achabatsirwa?
2 Funga nezvenguva dzakawanda dzaunobatsirwa nekunzwa vamwe vachipa mashoko akapfava, akajeka anowedzera kunzwisisa kwako nekukusimbisa mumudzimu. Une ropafadzo yokuita zvimwe chetezvo kwavari. Paunopindurawo, unoratidza chishuvo chako cho“kup[a] chimwe chipo chomweya” kuti vose varipo vakurudzirwe.—VaR. 1:11, 12.
3 Mapirwe Etsinhiro Dzakanaka: Usapa tsinhiro dzakareba, uchipedza mifungo yose iri mundima. Mhinduro refu dzinowanzotadza kujekesa mhinduro iri kudiwa uye dzingatadzisa vamwe kupindurawo. Tsinhiro yokutanga pandima inofanira kuva pfupi, ichipindura zvakananga mubvunzo wakadhindwa. Vari kuwedzera kutsinhira vanogona zvino kuratidza panoshanda mashoko acho kana kuratidza kuti magwaro acho anoshanda sei. Ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 90-2.
4 Kana pfungwa yokutsinhira ichikutyisa, fanogadzirira mhinduro pfupi, uye kumbira muitisi kukudoma pandima iyoyo. Pashure pekuita izvi pamisangano mishomanene, kupindura kuchava nyore kupfuura kare. Yeuka kuti Mosesi naJeremia vakaratidza kusava nechivimbo chekugona kutaura pane vanhu. (Eks. 4:10; Jer. 1:6, NW mashoko omuzasi) Asi Jehovha akavabatsira kutaura zvaaida, uye achakubatsirawo.
5 Ndiani Achabatsirwa Netsinhiro Dzako? Iwe pachako unobatsirwa nokuti tsinhiro dzako dzinosimbisa chokwadi zvakasimba zvikuru mupfungwa dzako nemwoyo, zvichiita kuti uyeuke zviri nyore mashoko acho gare gare. Uyewo, vamwe vanobatsirwa nokunzwa mashoko ako anovaka. Tinokurudzirwa apo vose, vangava vane ruzivo, vaduku, vanonyara, kana vatsva, vanoedza kutaura kutenda kwavo pamisangano yeungano.
6 Tine chokwadi chokuona kuti ‘shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei’ parinoshandiswa kuvakana pamisangano!—Zvir. 15:23.