Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Igoverane Zvakakwana—Pamisangano Yeungano
1 Mhuri dzechiKristu dzinofanira kuteerera murayiro wokuungana pamisangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Nokushandira pamwe kwakanaka, vose vangabudirira pakugadzirira, kupinda, uye kutsinhira pamisangano. Zvinoitika mumhuri zvinosiyana-siyana, asi kune zvinhu izvo murume wechiKristu, mudzimai anotenda, kana kuti mubereki ari oga anogona kuita kuti akurudzire kubatana kwemhuri muzvinhu zvomudzimu, pasinei zvapo nenhamba yevana vari mumba macho kana kuti mazera avo.—Zvir. 1:8.
2 Wanai Nguva Yokugadzirira: Mitezo yemhuri inoshandira pamwe kuti ione kuti mumwe nomumwe agadzirira misangano yeungano zvakanaka. Vakawanda vanofunda vose nyaya yeFundo yeNharireyomurindi yevhiki nevhiki. Vamwe vanogadzirira Fundo Yebhuku Yeungano kana kurava kuraviwa kweBhaibheri kwevhiki yacho semhuri. Chinangwa ndechokuisa pfungwa huru mumusoro vasati vapinda misangano yacho. Vakadaro, vose vachabatsirwa zvikuru nezvinonzwiwa uye vachagadzirirwa kuti vatsinhire kana pane mukana.—1 Tim. 4:15.
3 Rongai Kuti Mutsinhire: Munhu wose ari mumhuri anofanira kuva nevavariro yokuzivisa tariro yake pana vamwe kuburikidza nokutsinhira pamisangano. (VaH. 10:23) Mutezo wemhuri unoda kubatsirwa kana kuti kukurudzirwa kuti uite izvi here? Munhu oga oga anoda kubatsirwa papi pakugadzirira hurukuro dzeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari? Vadzimai vanozvifarira kana varume vavo vachiratidza kuda kubatsira uye zvimwe kupa pfungwa yemuenzaniso unokodzera kana kuti marongero anoshanda. Vabereki havafaniri kunzwa kuti vanofanira kugadzirira hurukuro dzevana vavo vaduku. Kuita kudaro kungaita kuti vana vacho vasazokwanise kuzvigadzirira vega. Asi vabereki vanogona kubatsira vaduku vavo ndokuteerera pavanenge vachidzidzira zvinonzwika.—VaEf. 6:4.
4 Rongai Kuti Mupinde: Vana vanogona kudzidziswa kubva vachiri vaduku kuti vapfeke nokugadzirira kuenda kumisangano panguva yakatarwa. Mitezo yemhuri inofanira kushandira pamwe pakuita mabasa epamba kuitira kuti pasave nokunonoka.—Ona mazano ari mumabhuku anonzi Mufarwa Wemhuri, peji 112, uye Vechiduku Vanobvunza Kuti, mapeji 316-17.
5 Vabereki nevana zvakafanana vangafunga nezvemashoko aJoshua wekare, akati: “Kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha.” Saka tsunga kushandira pamwe kuti ugoverane zvakakwana pamisangano yeungano.—Josh. 24:15.