RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/95 p. 1
  • Gadzirira uye Farikanya Misangano yeUngano

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gadzirira uye Farikanya Misangano yeUngano
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Misangano Inobatsira Vechiduku
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Tinganyatsogadzirira Sei Misangano Yedu?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Misangano Inokurudzira Mabasa Akaisvonaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 12/95 p. 1

Gadzirira uye Farikanya Misangano yeUngano

1 Sesangano rehama, tinoungana nenzira yokungwarira nguva dzose nokuda kwemisangano yedu yevhiki nevhiki. (1 Tim. 4:15, 16) Tinogona sei kufarikanya ndokuwana betsero huru zvikurusa mairi?

2 Nokuda kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari: Vavarira kufambirana norudungwe rwevhiki nevhiki rwokurava Bhaibheri. (Josh. 1:8) Hwirudzura mashoko achafukidzwa, uye unza zvinyorwa zviri madikanwa kuitira kuti ugogona kutevera vakurukuri. Funga nezvenzira dzaunogona kushandisa nadzo aya mashoko muushumiri hwako.

3 Nokuda kwoMusangano Webasa: Nzvera purogiramu yakarongwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Rava nyaya dzichakurukurwa. Kana mashoko anobva munyaya yeNharireyomurindi kana kuti chimwe chinyorwa chakati achizorangarirwa, anzvere uye aravewo. Kana mharidzo dzebasa romumunda dzichaenzanisirwa, dzihwirudzure pachine nguva mberi kuitira kuti ugova akagadzirira kudzishandisa muushumiri hwako.

4 Nokuda Kwefundo yeNharireyomurindi: Rava chidzidzo chacho pachine nguva mberi, uchicherekedza mhinduro dzemibvunzo. Kutarira magwaro akarongwa kuchakubetsera kuwana nzwisiso iri nani. Kufungisisa pamusoro pokuti chifundo chinokodzerana sei nezvaunotoziva kuchakudza zivo yako. Ronga kutora rutivi mukati mefundo kupfurikidza nokugadzirira tsinhiro pfupi painenge ndima imwe kana kuti mbiri. Iyi inzira inokosha yokuita nayo “kupupura kwetariro yedu.”—VaH. 10:23.

5 Nokuda kweFundo yeBhuku yeUngano: Kutanga, nzvera mashoko acho; rangarira musoro weganhuro yacho nemisoro miduku. Ipapo, sezvaunorava, cherekedza pfungwa huru. Hwirudzura ndima dzeBhaibheri dzinotsigira. Edza kupindura mibvunzo yacho mumashoko ako umene. Apo unenge wagadzirira chidzidzo chacho, chihwirudzure mundangariro mako. Edza kuyeuka mapfundo makuru uye nzira dzokurangarira nadzo.—2 Tim. 2:15.

6 Farikanya Misangano: Kuti ufarikanye misangano zvakazara, kunokosha kusvika panguva kuitira kuti ugoverane mumunyengetero wokuzarura, unokumbira mudzimu waJehovha. Unobetserwawo nenziyo dzinozorodza dzoUmambo. Kana usina vaduku kana kuti chimwe chikonzero chokugara shure kwehoro, sezvinobvira uchawana kuti kana ukagara nechemberi, pachava nezvinotsausa zvishoma uye uchawana zvakawanda mupurogiramu yacho. Vabereki vane vaduku avo vangada kuti vabude navo panze mukati momusangano vanogona kuderedza kutsausa kupfurikidza nokugara pedyo nemunofambwa namo uye nechokumashure.

7 Vavarira kuvhura magwaro anoraviwa. Ikoku kuchakubetsera kuyeuka zvaunonzwa. Kutaura kumhuri yako neshamwari pamusoro pezvaunodzidza kucharoverera mashoko acho pandangariro yako. Kushandisa izvi zvikarakadzo kuchaita kuti misangano ive ine revo zvikuru uye inofarikanywa.—VaH. 10:24, 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe