Paridza Mashoko Akanaka Nokudisa
1 “Ndiri kusuwa kukuonai . . . Ndinodisa kuzivisawo mashoko akanaka kwamuri.” Ndiwo matauriro akaita Pauro manzwire aaiita pamavambo etsamba yake yaienda kuhama dzaiva muRoma. Nei Pauro akanga achidisa kuvashanyira? Akati: “Kuitira kuti ndiwanewo zvibereko pakati penyu . . . Nokuti handinyari nemashoko akanaka; iwo, chaizvoizvo, isimba raMwari roruponeso.”—VaR. 1:11-16, NW.
2 Pauro akaratidza kudisa uku pakutaura nevarume vakuru vokuEfeso. Akavayeuchidza kuti: “Kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia . . . , handina kutya . . . kukudzidzisai pachena padzimba dzose; ndichipupurira kwazvo vaJudha navaGiriki.” (Mabasa 20:18-21) Mundima yake yose yaakagoverwa, chinangwa chaPauro chakanga chiri chokuparadzira mashoko akanaka oruponeso nokuwana zvibereko zvoUmambo. Chido chakaisvonaka zvakadini chokutevedzera!
3 Tingazvibvunza kuti: ‘Ndinoratidza kudisa kwakadaro pakuzivisa mashoko akanaka munharaunda yangu here? Panzvimbo pokuona basa rokuparidza sebasa chete, ndinodisa kupawo vanhu vakawanda sevanobvira mashoko akanaka here? Ndakafunga ndichinyengetera nezvemamiriro ezvinhu angu pachangu here? Ndakaongorora here zvose zvingaita mundima yedu, zvakadai sokuparidza pasuo nesuo, mumugwagwa, munharaunda dzebhizimisi, norunhare, kana kuti nenzira isina kurongwa?’
4 Shandawo Nokudisa Muna April: Mwedzi waApril inguva yakanaka yokuti tishandewo zvakasimba mubasa rokuparidza. Kuderedzwa kwemaawa anodiwa kunofanira kuita kuti vakawanda vakwanise kuita upiyona hwebetsero. Zvimwe mamirire ako ezvinhu achakubvumira kuti ushande sapiyona webetsero muna April naMay. Kana kuti ungakwanisa kunyoresa sapiyona wenguva dzose, uchifunga nezvemaawa anodiwa akaderedzwa. Kana uri muparidzi weungano, ungapedza nguva yakawanda mubasa mwedzi uno nounotevera kupfuura zvaunogaroita, uchitsigira avo vanokwanisa kupayona here? Izvozvo zvingaita kuti mwoyo waJehovha ufare!
5 Vaparidzi vose voUmambo vanofanira kuramba vachiratidza kudisa nokusvasvavirira mubasa rokuparidza, kufanana naPauro. Kuita zvose zvatinogona muushumiri kuchatiunzira mufaro chaiwo. Pauro aiva nomufaro uyu mubasa rake dzvene. Tinoita zvakanaka kutevedzera muenzaniso wake wakanakisisa.—VaR. 11:13; 1 VaK. 4:16.