RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/99 p. 8
  • “Ndinofanira Kuitei?”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ndinofanira Kuitei?”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ibasai Randinofanira Kusarudza?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Vabereki—Munoda Kuti Vana Venyu Vave Neramangwana Rakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Wana Zvakanakisisa Kuchikoro
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 4/99 p. 8

“Ndinofanira Kuitei?”

1 Sepwere yava kuyaruka, ungabvunza kuti, ‘Ndinofanira kuitei noupenyu hwangu?’ Pwere dzechiKristu dzinoda kuwedzera basa radzo kuna Jehovha muushumiri. Asi ungaita sei izvi paunenge uchifunga nezvemabasa omunhu ayaruka, anobatanidza kutarisira zvinhu zvako zvaunoda zvokunyama? Kuwana mhinduro yacho kungasava nyore.

2 Vamwe vaduku vanonetseka pavanotarira mugariro wezvemari wenyika nezvinofungidzirwa kuti zvichaiitika mune ramangwana. Vanonetseka kuti: ‘Ndinofanira kuronda imwezve dzidzo yenyika here? Ndinofanira kubva ndangopinda mubasa renguva yakazara here?’ Kuti munhu aite chisarudzo chakarurama, anofanira kupindura mubvunzo uyu nokutendeka, ‘Chii chandinonyanya kufarira muupenyu?’ Anofanira kuongorora zvaanovavarira.

3 Chii chaunonyanya kufarira pauduku hwako? Unonyanya kufarira kutsvaka kubudirira mune zvemari here, kana kuti unonyatsoda kushandisa upenyu hwako kuti uite kuti zvinhu zvoUmambo zvienderere mberi? Dhigirii rokuyunivhesiti harivimbisi kuti uchabudirira kuwana basa. Sechimwe chinhu chavangaita, vakawanda vakawana unyanzvi hwebasa hunodiwa nevashandirwi kuburikidza nemapurogiramu okudzidziswa basa nevamwe vanhu, dzidzo yekuchikoro yokurovedzwa mabasa kana kuti unyanzvi, kana kuti kosi dzenguva pfupi dzokukoreji dzisingadi nguva yakawanda uye kubatanidzwa zvakanyanya.

4 Vimba Neshoko raJehovha: Chokwadi chinokosha zvikuru chokufunga nezvacho ivimbiso yaJehovha Mwari yokuti achagovera vanoisa zvinhu zvoUmambo pokutanga muupenyu. (Mat. 6:33) Iyi haisi vimbiso yenhema. Hama dzakawanda dziri kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri dzakawana madhigirii okukoreji dzisati dzadzidza chokwadi. Asi dzakanga dzichiita basa rei kunyika? Shomanene dzakanga dzichiita basa radzakanga dzadzidziswa. Dzakawanda dzakanga dzichishanda mabasa okugadzira zvinhu, dzichizvitengera zvinhu pasina dambudziko uku dzichipayona. Nokuwedzera kushanda kwadzo muushumiri, dziri kugamuchira zvikomborero zvinopfuura zvinhu zvakadai semari nokure.

5 Pakusarudza zvaunofanira kuita kana wapedza chikoro chesekondari, yera zvinhu uye ongorora zvaunovavarira nokungwarira. Kuti uone zvisarudzo zvako zviri pakati nepakati, rava mashoko akadai seakabuda muMukai! yaMarch 8, 1998, mapeji 26-28. Taura nevabereki vako, vakuru, mutariri wenyu wedunhu, uye mapiyona anobudirira ari munharaunda yenyu. Izvozvo zvichakubatsira kusarudza nokuchenjera zvaunofanira kuita noupenyu hwako.—Mup. 12:1, 13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe