RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/97 p. 2
  • Wana Zvakanakisisa Kuchikoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Wana Zvakanakisisa Kuchikoro
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Ndinofanira Kurega Chikoro Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Dzidzo Yokunyika Nevariro Dzako Dzomudzimu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Ndinofanira Kusiyira Chikoro Panzira Here?
    Mukai!—2011
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 8/97 p. 2

Wana Zvakanakisisa Kuchikoro

1 Ino ndiyo nguva yegore iyo vaduku vakawanda vanobvunza kuti: “Ndinofanira kutodzokera kuchikoro here?” Kunyange zvazvo pangava nezvinetso nefunganyo dzine chokuita nokudzokera kuchikoro, kune betsero dzakawandawo dzinowanwa nevanhu vaduku vanozvishandisa nesimba kuti vawane zvakanakisisa mudzidzo yavo.

2 Dzidzo yehwaro yakanaka inogona kubetsera kufambira mberi kwemudzimu kwemunhu. Zvinoita munhu muuduku hwake zvine pesvedzero huru pazvaanogona kuita semukuru. Kunyange munhau yekudzidza, “zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” (VaG. 6:7) Vaduku vanodzidza nokushingaira zvidzidzo zvavo zvechikoro vanogona kuwana unyanzvi huchavaita vanoshandiswa zvikuru naJehovha.

3 Kufanofunga kwekungwarira kunodikanwa kana munhu achizoita zvisarudzo zvakarurama zvekosi dzechikoro. Vabereki vanofanira kubetsera vana vavo kusarudza kosi dzinogovera rovedzo inoshanda zvikurusa kuitira kuti vasvike vavariro dzomudzimu muupenyu. Kupfurikidza nokukudza unyanzvi hwavo, vaduku vachava nebetsero yekuva vanokwanisa kuzvitsigira mubasa reupiyona. Dzidzo yavo yehwaro inofanira kuvabetsera kurumbidza Jehovha pasinei zvapo nokwavanobatira.

4 Vaduku, edzai kuwana zvakanakisisa mumakore enyu echikoro. Mukuita saizvozvo, isai ngwariro pakurarama upenyu hunogutsa mubasa rinoyera, panzvimbo pekuronda basa rekunyika. Vavarirai kushandisa upenyu hwenyu mukuita zvinoda Jehovha. Nenzira iyoyo, muchaita kuti nzira yenyu ibudirire, kukurumbidzwa kwaJehovha.—Pis. 1:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe