RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/99 p. 1
  • Tinodzidziswa naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinodzidziswa naJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikoro Zvesangano Zvinoratidza Rudo rwaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Zvapupu zvaJehovha Zvinodzidziswa Sei Kuita Ushumiri Hwazvo?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
  • Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Musuo Muhombe Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Chikoro Chine Vanenge Vapedza Kudzidza Vari Kubatsira Vanhu Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 6/99 p. 1

Tinodzidziswa naJehovha

1 Purogiramu yedzidzo yomunyika dzakawanda yava kushanda munyika 233 ichitungamirirwa naMwari. Hapana chinopiwa nenyika ino chingaenzana nayo. Murayiridzi wedu Mukuru, Jehovha, ari kutidzidzisa kuzvibatsira kwatingaita zvino zvaanotidzidzisawo nokuda kwoupenyu husingaperi.—Isa. 30:20; 48:17.

2 Zvikoro Zvedzidzo yaMwari: Funga nezvezvikoro zvinotovapo zvokuti vanhu vaJehovha vabatsirwe. Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, chinoitwa vhiki nevhiki muungano dzinenge 87 000, chinorovedza mamiriyoni evaparidzi voUmambo kuti vave vashumiri vemashoko akanaka vanobudirira. Wakanyoresa machiri here? Uriwo mumwe wezviuru zvakapinda Chikoro Chebasa Roupiyona chemavhiki maviri here? Pamwe maawa akaderedzwa anodiwa kumapiyona enguva dzose achaita kuti vakawanda vapayone ndokukwanisa kupinda chikoro ichi. Chikoro Chokurovedza Vashumiri chemwedzi miviri, chava kuitwa mumitauro mikuru yenyika, chiri kugadzirira vakuru nevabatiri vanoshumira vasina kuroora kuti vaite mitoro youbati ushe hwaMwari yakati kurei. Nguva nenguva, vakuru nevabatiri vanoshumira vose vanowana murayiridzo wakagadzirirwa ivo muChikoro Choushumiri choUmambo.

3 Zvivako zviri paWatchtower Educational Center muPatterson, New York, zviri kushandiswa kuitira zvikoro chaizvo zvitatu, zvinopa kurovedza kwoubati ushe hwaMwari kwakakura. Kosi yemwedzi mitatu yeWatchtower Bible School of Gilead inogadzirira vashumiri basa roufundisi mundima dziri kunyika dzisiri dzavo. Nhengo dzeDare reBazu dzinobva munyika yose dzinopinda kosi yemwedzi miviri yekurongwa kwebazu. Muna May 1999 imwe kosi itsva yemwedzi miviri yevatariri vanofambira yakatanga nekirasi yevadzidzi 48 vanobva kuUnited States neCanada. Vashumiri vose vaJehovha vanopedzisira vabatsirwa zvakaisvonaka nokurovedza kunogoverwa naJehovha achishandisa zvikoro izvi zvakasiyana-siyana.

4 Kudzidzisirwei? Imwe nhengo yeDare Rinodzora yakataura kuti: “Purogiramu yedu yedzidzo iripo izvozvi yakagadzirirwa kuti vanhu vaJehovha vose kwose kwose vapinde mumugariro wakaisvonaka wokukura unotsanangurwa pana Zvirevo 1:1-4.” Jehovha ngaarambe achipa mumwe nomumwe wedu “rurimi rwavakadzidziswa.”—Isa. 50:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe