Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri—Musuo Muhombe Webasa
1 Achishandisa muprofita Jeremia, Jehovha akafanotaura kuti: “Ndichaagadzira [vanhu vangu] vafudzi vanoafudza; haangazotyi kana kuvhunduswa, hakuna nerimwe ringashayikwa.” (Jer. 23:4) Basa rakadaro rokufudza riri kuitwa nhasi pakati pevanhu vemarudzi ose. Riri kuitwa nemakumi ezviuru zvevakuru veungano. Uyezve, boka revarume vaduku vakawanda semadonhwe edova vakazvipira mubasa raJehovha. (Pis. 110:3) Hama idzi dzinozvininipisa chikomborero chikuru kuungano yevanhu vaMwari! Sezvo basa rokuunganidza mune zvokunamata riri kuenderera mberi, varume vanokodzera vachiri kudiwa kuti vashumire hama dzavo.
2 Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri urongwa hwakanaka hwokudzidzisa vakuru nevashumiri vanoshumira vasina kuroora kuti vaite basa rakawedzerwa. Vadzidzi vanopfuura 22 000 vanobva munyika dzinenge 140 vakatodzidziswa mumakirasi 999 akaitwa kubvira pakatanga chikoro chacho muna 1987. MuZimbabwe, vadzidzi 90 vakatopedza kudzidza pachikoro ichi. Kuhama idzi, chikoro ichi charatidza kuva “musuo muhombe webasa.”—1 VaK. 16:9.
3 Chinangwa Chechikoro Chacho: Chinangwa cheChikoro Chokudzidzisa Vashumiri ndechokudzidzisa nokushongedzera varume vakakodzera kuti vakwanise kuita mabasa chero kwose kwavangadiwa musangano. Chikoro chinowedzera mano avo okutungamirira mubasa rokuparidza evhangeri, rokufudza boka, uye rokudzidzisa muungano. Vapedza kudzidza, vamwe vadzidzi vanoendeswa kunoshanda semapiyona chaiwo kana kuti vatariri vanofambira munyika dzokumusha kwavo kana kuti kune dzimwe nyika. Vamwe vanonzi vashande muungano dzokumusha kwavo kana kuti kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi zvikuru mundima yebazi ravo.
4 Muvhiki sere dzekosi yacho, vadzidzi vanodzidza Bhaibheri chaizvo. Vanonyatsoongorora dzidziso dzeBhaibheri dzakawanda pamwe chete nemabasa okufudza uye mirayiridzo yokutarisira zvinetso mukurarama kwechiKristu. Vanodzidzawo zvinodzidziswa neMagwaro pamusoro penhau dzine chokuita nokutungamirira, kutonga, uye marongerwo anoitwa zvinhu zvesangano. Vanonyatsodzidza chaizvo kuti vave nounyanzvi hwokutaura pane vanhu vakawanda uye vanobatsirwa somunhu mumwe nomumwe kuti vawedzere kufambira mberi kwavo mune zvokunamata.
5 Zvinodiwa: Zvinonzwisisika kuti zvinodiwa kuti munhu apinde chikoro chacho zvakakwirira. Vanoda kupinda vanofanira kunge vamboshumira sevakuru kana kuti vashumiri vanoshumira kweanopfuura makore maviri anotevedzana. Vose vanofanira kunge vasina kuroora uye vaine makore ari pakati pe23 ne50. Vanoda kupinda vanofanira kunge vachigona kuverenga, kunyora, uye kunyatsotaura Chirungu sezvo uyu uri iwo mutauro unoshandiswa muchikoro chacho, uye vanofanira kuva noutano hwakanaka, vasingadi kunyanyotarisirwa kana kuti vanoda zvokudya zvavo voga. Mapiyona enguva dzose ndiwo anotanga kutorwa.
6 Vaya vanozvipira vanofanira kunge vachida uye vachigona kushumira chero kwose kwavanodiwa. Izvi zvinoda kuva nemafungiro akafanana neomuprofita Isaya, uyo akazvipa nomwoyo wose kuti aite basa rinokosha, achiti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isa. 6:8) Akaratidza kuzvininipisa muupenyu hwake hwose. Vaya vanonyorera kuti vanoda kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri vanofanira kukurudzirwa nokuda hama dzavo uye nechido chokudzishumira pane kuda mukurumbira kana kuti chinzvimbo chinokosha. Vawana dzidzo yakanaka kudaro, vanopedza kudzidza vanotarisirwa kushandisa zvavakadzidza kuti vabatsire vamwe.—Ruka 12:48.
7 Zvikomborero: Muvhiki sere dzokudzidza chaizvo, vadzidzi vano“rerwa nemashoko okutenda uye edzidziso yakanaka kwazvo.” (1 Tim. 4:6) Izvi zvinovaita kuti vazobatsira uye vazokurudzira vamwe muungano nematunhu avo. Munzvimbo dzakawanda dzakatumirwa vakapedza kudzidza paChikoro Chokudzidzisa Vashumiri, basa romumunda rakawedzera; basa roupiyona rakakurudzirwa, zvikurukuru kune vechiduku; uye vatsva vakawanda vari kusonganira nevanhu vaMwari vakakurudzirwa somunhu mumwe nomumwe.
8 Uri mukuru kana kuti mushumiri anoshumira asina kuroora here ane makore ari pakati pe23 ne50? Wadii kufunga nezvokunyorera kuti upindewo Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri? Uri hama yechiduku iri kufungisisa nezvezvinangwa zveramangwana here mubasa raJehovha? Wadii kuita kuti upenyu hwako hurambe huri nyore uye husina zvinovhiringidza kuti ukwanise kupinda “musuo muhombe webasa” uyu? Unogona kukuunzira mufaro mukuru uye kugutsikana. Chokwadi, Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri charatidza kuva chikomborero kwete bedzi kune vanopedza kudzidza pachikoro chacho asi kuungano dzevanhu vaMwari pasi pose.
[Bhokisi riri papeji 3]
Kubatsirwa Kwavakaitwa Nokudzidziswa Kwacho
“Kudzidziswa kwacho zvechokwadi kwakavandudza ushumiri hwangu uye mano angu okufudza nouchenjeri, ndichishandisa Magwaro.”
“Chikoro chacho chakaita kuti ndiwedzere kuva nechivimbo mukuita mabasa angu akasiyana-siyana muungano.”
“Chakachinja chinenge chinhu chose muupenyu hwangu, kusanganisira manzwiro andinoita nezvourongwa hwaMwari uye sangano rake.”
“Kudzidziswa kwandakaita kwakandibatsira kuziva kukosha kwokuti ndive anowanika kuti ndishumire kunodiwa vaparidzi.”