RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/99 p. 2
  • Bhokisi Remibvunzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhokisi Remibvunzo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Chokushandisa Chitsva Chokubetsera Vanhu Kudzidza Zvinodikanwa zvaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Ndingadaro Sei, Kana Mumwe Asinganditungamiriri?”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Uri Kushandisa Bhurocha raAnodei Kutanga Zvidzidzo Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 7/99 p. 2

Bhokisi Remibvunzo

◼ Mabhuku api atinofanira kudzidza nevatsva vasati vabhabhatidzwa?

Munhu asati atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa, anofanira kuva nezivo yakarurama. (Joh. 17:3) Achawana mashoko aanoda nokudzidza bhurocha rinonzi Mwari Anodei Kwatiri? uye bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kazhinji bhurocha rinonzi Anodei richatanga kudzidzwa. Zvisinei, kana fundo yacho yakatangwa mubhuku rinonzi Zivo, bhurocha rinonzi Anodei rinofanira kudzidzwa kana bhuku racho rapedzwa. Nei izvi zvichikosha?

Bhurocha rinonzi Anodei rinogovera kupfupikiswa kwedzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Kana rikatanga kudzidzwa, richapa mudzidzi kunzwisisa kunokosha kwezvinodiwa kuti tifadze Jehovha. Kana rikapedzisira kudzidzwa, richashanda sekuhwirudzura kwakaisvonaka zvakadzidzwa mubhuku rinonzi Zivo. Muzviitiko zvose, kurudzira mudzidzi kutarira magwaro anotsigira ndokuafungisisa. Iva nechokwadi chokusimbisa mifananidzo, sezvo iri zvishandiso zvokudzidzisa zvinobudirira zvikuru.—Ona Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1997, mapeji 16-17.

Mudzidzi weBhaibheri akangopedza kudzidza mabhuku maviri iwaya, angagona kupindura mibvunzo yose iyo vakuru vachahwirudzura naye mukugadzirira kubhabhatidzwa. Kana zvakadaro, hazvingavi zvinokosha kuitisa fundo yakarongwa naye mune rimwe bhuku, kunyange zvazvo muitisi achifanira kupfuurira kushingaira kuratidza kufarira kufambira mberi kwake.—Ona Nharireyomurindi yaJanuary 15, 1996, mapeji 14, 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe