“Ndingadaro Sei, Kana Mumwe Asinganditungamiriri?”
1 Muevhangeri Firipi paakabvunza mukuru mukuru weEtiopiya kana akanga achinzwisisa zvaakanga achirava muShoko raMwari, murume wacho akapindura achiti: “Chaizvoizvo, ndingadaro sei, kana mumwe asinganditungamiriri?” Firipi nomufaro akamubatsira kunzwisisa mashoko akanaka pamusoro paJesu, zvichiguma nokubhabhatidzwa kwomurume wacho pakarepo. (Mab. 8:26-38) Firipi akanga achiteerera murayiro waKristu woku‘ita vanhu vamarudzi ose vadzidzi, nokuvabhabhatidza uye kuvadzidzisa.’—Mat. 28:19, 20.
2 Tinofanira kuteerera murayiro wokuita vadzidzi, sezvakaita Firipi. Zvisinei, rudzi rwokufambira mberi mumudzimu rwakaitwa nomukuru mukuru weEtiopiya haruoneki kazhinji muvanhu vatinodzidza navo Bhaibheri. Murume iyeye, muproserite wechiJudha ainyatsoziva Magwaro, aiva nomwoyo unogamuchira uye aingoda kubvuma kuti Jesu aiva Mesiya akapikirwa. Chinetso kana vaya vatinodzidza navo vasina kurovedzana neBhaibheri, vakatsauswa nedzidziso dzezvitendero zvenhema, kana kuti vakaremedzwa nezvinetso zvakaoma zvavo pachavo. Chii chichatibatsira kubudirira kutungamirira vadzidzi veBhaibheri kuti vazvitsaurire ndokubhabhatidzwa?
3 Nzwisisa Zvinodiwa Zvomudzimu Zvomudzidzi weBhaibheri: Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1998 yakataura urefu hwenguva yatingadzidza navanhu, tichishandisa bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo. Yakapa nhungamiro iyi: “Zvinokosha kuyera mafambire ari kuita fundo yacho maererano nemamiriro ezvinhu nemano zvomudzidzi. . . . Hatidi kutadzisa mudzidzi kunzwisisa zvakanaka nemhaka yokuti tinoda kupedza. Mudzidzi wose anoda hwaro hwakasimba hwokutenda kwake kutsva muShoko raMwari.” Nokudaro, zvine musoro kusadzidza nechimbi-chimbi zviri mubhuku rinonzi Zivo tine pfungwa yokuedza kupedza bhuku racho mumwedzi mitanhatu. Zvingada inopfuura mwedzi mitanhatu kubatsira vamwe vanhu kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Sezvaunoitisa chidzidzo chacho vhiki nevhiki, pedza nguva ipi neipi yakafanira kuti ubatsire mudzidzi kunzwisisa ndokubvuma zvaari kudzidza muShoko raMwari. Mune zvimwe zviitiko, vhiki mbiri kana nhatu dzingadiwa kupedza chitsauko chimwe mubhuku rinonzi Zivo. Izvi zvingabvumira nguva yokurava nokujekesa akawanda emagwaro akaiswa.—VaR. 12:2.
4 Zvisinei, zvakadini kana mapedza bhuku rinonzi Zivo, woona kuti kunzwisisa chokwadi kwomudzidzi wacho kunoda kunyatsozadziswa kana kuti haasati ava kunyatsonzwa achida kutsigira chokwadi ndokutsaurira upenyu hwake kuna Mwari? (1 VaK. 14:20) Chii chimwe chaungaita kuti umutungamirire munzira inoenda kuupenyu?—Mat. 7:14.
5 Gutsa Zvinodiwa Zvomudzimu Zvomudzidzi weBhaibheri: Kana zviri pachena kuti munhu ari kufambira mberi, kunyange zvazvo achiita zvishoma nezvishoma, uye kuti ari kuonga zvaari kudzidza, ipapo pfuudzira chidzidzo cheBhaibheri mubhuku rechipiri kana bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo apera. Izvi zvingasadiwa muzviitiko zvose, asi pazvinodiwa, pfuudzira chidzidzo chacho mubhuku rinonzi Rugare, bhuku rinonzi Vakabatana, kana kuti bhuku rinonzi Shoko raMwari. Vaparidzi vakawanda vane makopi avo pachavo emabhuku aya okushandisa kana ungano isinawo. Bhuku rinonzi Shoko raMwari ndiro bedzi ringaodwa kuBrooklyn. Muzviitiko zvose, bhurocha rinonzi Anodei uye bhuku rinonzi Zivo angatanga kudzidzwa. Chidzidzo cheBhaibheri, shanyo dzokudzoka, uye nguva inopedzwa pakupfuudzira chidzidzo chacho zvinofanira kuverengwa ndokushumwa, kunyange kana mudzidzi wacho akabhabhatidzwa asati apedza bhuku rechipiri.
6 Izvi zvinoreva here kuti vaya vakanga vabhabhatidzwa nguva pfupi yapfuura asi vakangodzidza bhuku rimwe zvino vanofanira kubatsirwazve kudzidza bhuku rechipiri? Kwete hazvo. Zvisinei, vangave vasingachaiti basa kana kuti vangave vasina kuzofambira mberi muchokwadi, uye vanganzwa kuti vanoda kubatsirwa kuti vashandise zvikuru chokwadi muupenyu hwavo. Mutariri webasa anofanira kutaurwa naye kudzidza nomuparidzi akabhabhatidzwa kusati kwamutsidzirwa. Zvisinei, kana uchiziva nezvavamwe vakadzidza bhuku rinonzi Zivo munguva yakapfuura asi vasina kumbofambira mberi kusvika pakuzvitsaurira nokubhabhatidzwa, ungada kutanga kuona kana vangada kumutsidzira kudzidza kwavaiita Bhaibheri.
7 Chiratidzo chorudo rwechiKristu kunyatsobatsira somunhu oga munhu oga oga anofarira watinodzidza naye. Chinangwa chedu ndechokubatsira mudzidzi wacho kuwana nzwisiso huru yechokwadi cheShoko raMwari. Ipapo angatsigira chokwadi chaizvo, achiziva ndokutsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, achiratidza kuzvitsaurira ikoko nokubhabhatidzwa mumvura.—Pis. 40:8; VaEf. 3:17-19.
8 Unoyeuka here zvakaitika mukuru mukuru weEtiopiya abhabhatidzwa? “Akaramba achienda zvake achifara” somudzidzi mutsva waJesu Kristu. (Mab. 8:39, 40) Isu nevaya vatinotungamirira zvinobudirira munzira yechokwadi ngatiwane mufaro mukuru mukushumira Jehovha Mwari—zvino nokusingaperi!