Dzidzo Yokunyika Nevariro Dzako Dzomudzimu
1 Kuwana dzidzo inokosha yakanaka paunenge uchiri muduku kunogona kukupa unyanzvi hwakakwirira hunodiwa kuti urave nekunyora zvakanaka uye kuti ungonzwisisawo jogirafi, nhau, masvomhu, nesayenzi. Paunenge uchidaro, unogona kudzidza mafungire akajeka, kunzvera zvinhu, kugadzirisa zvinetso, nekutanga pfungwa dzinobetsera. Kudzidza kwakadaro kuchakubetsera zvakanaka muupenyu hwako hwose. Dzidzo yako yokunyika ingawiriraniswa sei nevavariro dzako dzomudzimu muupenyu ndokukubetsera kuwana “uchenjeri chaihwo neungwaru”?—Zvir. 3:21, 22.
2 Iva Anobetsera Mubasa raMwari: Paunenge uri kuchikoro, teerera zvikuru mukirasi uye nyatsoita basa rako rinoitirwa kumba. Kana uchikwanisa kurava nekudzidza zvakanaka, unganzvera zviri nyore zvikuru Shoko raMwari ndokuramba wakasimba mumudzimu. (Mabasa 17:11) Zivo yakakwana ichakubetsera kubata nevanhu vane mararamiro, zvavanofarira, uye zvavanodavira zvakasiyana-siyana sezvaunosangana navo muushumiri. Dzidzo yaunowana kuchikoro ichave inobetsera sezvaunoita mitoro yako yechiKristu musangano raMwari.—Enzanisa na2 Timotio 2:21; 4:11.
3 Dzidza Kuzvitsigira: Kana ukazvishandisa, unogonawo kudzidza unyanzvi hunodiwa kuti uzviraramire paunenge wapedza chikoro. (Enzanisa na1 Timotio 5:8.) Nyatsosarudza zvidzidzo zvako. Panzvimbo pekudzidzira unyanzvi hune mikana yemabasa mashoma, funga nezvekudzidza basa kana kuti humwe unyanzvi huchaita kuti uwane basa rakakodzera kwose kwose. (Zvir. 22:29) Kurovedza kwakadaro kuchaita kuti ukwanise kuzvitsigira kana ukasarudza kushanda kunodiwa vaparidzi chaizvo.—Enzanisa naMabasa 18:1-4.
4 Kuwana dzidzo yakafanira yakanaka paunenge uri kuchikoro kunogona kukubetsera kukudza ushumiri hwako. Shanda zvakasimba kuti uwane unyanzvi hunodiwa kuti uzvitsigire paunenge uchipfuurira mubasa raJehovha. Saka kudzidza kwako kuchashanda kukubetsera kuita vavariro dzako dzomudzimu.