Uri Kushanda une Chinangwa Here?
1 Jehovha ndiMwari wechinangwa. (Isa. 55:10, 11) Tinorayirwa kuti timutevedzere. (VaEf. 5:1) Izvi zvinotofanira kuratidzwa munzira yatinoita nayo ushumiri hwedu. Saka mubvunzo wekuti: “Uri kushanda une chinangwa here?” wakakodzera.
2 Kuparidza kwako paimba neimba, kupupurira kusina kurongwa, uye kugovera mabhuku zvose ushumiri hune chinangwa. Asi yeuka kuti basa redu harisi rokuparidza bedzi asiwo kuita vadzidzi. (Mat. 28:19, 20) Pashure pekudyara mbeu dzechokwadi choUmambo, tinoda kudzokera kundodzidiridza ndokudzitarisira nguva dzose sezvatinotarira kuna Jehovha kuti aite kuti dziwedzere. (1 VaK. 3:6) Tinoda kuva vakatendeka pakuita shanyo dzedzokerero uye pakutanga fundo dzeBhaibheri.
3 Wedzera Ushumiri Hwako: Nguva dzose unonzwa zvakanaka paunofunga zvawakaita mubasa ndokuzviti: “Ndakaita zvandaida kuita.” Sezvakanyorwa pana 2 Timotio 4:5, Pauro akakurudzira kuti: “Upedzise basa rako kwazvo.” Izvozvo zvinosanganisira zvaunokwanisa kuita kuti utevere kufarira kwose kwawakawana. Mupurogiramu yako yebasa yevhiki nevhiki, ronga nguva chaiyo yokuita shanyo dzedzokerero. Shandira vavariro yokuedza kutanga fundo dzeBhaibheri neavo vanoda zvakarurama. Ichi ndicho chinofanira kuva chinangwa chako paunoita ushumiri.
4 Bvunza vaparidzi kuti vakanzwa sei pavakaona vavakadzidza navo Bhaibheri vachibhabhatidzwa pagungano. Vakafara, sezvakaita vakabhabhatidzwa vacho. Vakanga vaita chinangwa chakaisvonaka! Mumwe mudzidzisi akazvitaura nenzira iyi: “Kuita vadzidzi kunoreva kuita varumbidzi vakawanda vaJehovha. Kunoreva upenyu nokuda kweavo vanogamuchira chokwadi. Ndinoda kudzidzisa vamwe chokwadi—zvakaisvonaka zvikuru! . . . Vakawanda vevakasvika pakuda Jehovha vava shamwari dzangu dzinodiwa.”
5 Fungidzira uchigona kubetsera munhu kuva mushumiri waJehovha akazvitsaurira! Chikonzero chakadini chokufara! Zvibereko zvakadaro zvinovapo pashure pokunge washanda nechinangwa muushumiri.—VaK. 4:17.