RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/94 p. 1
  • Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Unoda Kuita Zvakawanda Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Nzira Dzokukudza Nadzo Ushumiri Hwako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Ungawedzera Basa Rako Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • ‘Ungaravira’ Sei Kuti Jehovha Akanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 9/94 p. 1

Kudza Pfuma Yako Yebasa roUmambo

1 Jesu akafananidza tariro yoUmambo nepfuma inokosha. (Mat. 13:44-46) Ko isu takafanana navarume vomumienzanisiro yaJesu avo vakatengesa pfuma yavo yose kuti vatenge chimwe chinhu choukoshi hukuru zvikuru here? Kana zvakadaro, tichapa Umambo hwaMwari nzvimbo yokutanga, kunyange zvazvo kungabatanidza kusakodzera nokuzviramba.—Mat. 6:19-22.

2 Sezvo basa redu roUmambo riri pfuma, chinofanira kuva chishuvo chedu kurikudza. Nzira yedu somunhu oga muupenyu inoratidzei? Tiri kukudza mubato wedu woUmambo here? Tinogona kudaro kupfurikidza nokugoverana mumativi akasiyana-siyana oushumiri, kubatanidza basa rapaimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, kuitisa fundo dzeBhaibheri, uye kupupura nenzira yamasanga.

3 ‘Ndinogona Sei Kukudza Goverano Yangu?’ Nokutanga kwegore rebasa idzva, kwakanaka kuti mumwe nomumwe ahwirudzure mubato wake womunhu oga kuti aone chaangaita kuwedzera nguva inopedzerwa muushumiri womumunda ndokubvunza, kuti: ‘Ndinogona here kuronga zvinhu zvangu kuti ndinyorese sapiyona webetsero panguva nenguva kana kuti kunyange pahwaro hunopfuurira? Negadziridzo shomanene, ndingagona kupinda mubasa roupiyona hwenguva dzose here?’ Mapiyona matsva anonyoresa pana September 1 anokwanirisa kupinda Chikoro cheBasa roUpiyona gore rinotevera.

4 Vamwe vaparidzi vakagadza nharidzano yomunhu oga yokuita kupupura kwamasanga kwakawanda. Kazhinji kazhinji uyu mubato unobereka zvibereko zvakaisvonaka. Vamwe vanganzwa dikanwo yokuvandudza mukuita shanyo dzedzokerero dzinobudirira kana kuti kutanga fundo dzeBhaibheri itsva.

5 Kana tikagumisa kuti ushumiri hwedu hwakaganhurirwa munzira yakati kuti, tinogona kuitei kuhukudza? Avo vakasvitsa nenzira inobudirira nharidzano dzakakwirira zvikuru vanorumbidza kuti titange kutsunga kuisa fariro dzoUmambo pakutanga pasinei zvapo nechinoitika. (Mat. 6:33) Kutenda nechivimbo chakazara muna Jehovha zviri madikanwa. (2 VaK. 4:7) Tsvaka betsero yake kupfurikidza nomunyengetero wapachokwadi nounopfuurira. (Ruka 11:8, 9) Tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha achakomborera nhamburiko dzedu dzechokwadi dzokuwedzera goverano yedu mubasa rake.—1 Joh. 5:14.

6 Taura kudzimwe hama nehanzvadzi idzo dzakakudza ushumiri hwadzo nenzira inobudirira. Vabvunze kuti vakakwanisa sei kukurira mhinganidzo pasina kuodzwa mwoyo. Zvakaitika zvavo zvomunhu oga zvingava chinodikanwa chaizvo kukupwisa kuti ushumiri hwakakudzwa hahusati huri husingasvikiki.

7 Apo unorava nyaya dzomuNharireyomurindi kana kuti Ushumiri Hwedu hwoUmambo dzinobata nebasa romumunda, rangarira nenzira yokunyengetera mashandisire aungaita zvikarakadzo zvacho kuushumiri hwako. Ita zvimwe chetezvo pakupinda misangano yeungano kana kuti magungano. Zvikarakadzo zvapiwa munyaya ino zvakavakirwa pakurukurirano yaiva rutivi rwepurogiramu yegungano redunhu regore rakapera. Ndiyo yokutanga yenhevedzano dzenyaya dzakarongedzerwa kutibetsera kupfuurira ndokushandisa kurudziro yakagoverwa nepurogiramu iyoyo.

8 Jesu akarangarira ushumiri hwake nenzira yakakomba zvikuru, achihuita itiro hanya yokutanga. Iye akazivisa kuti: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma.” (Joh. 4:34) Tinonzwa nenzira imwe cheteyo here? Kana tichidaro, zvirokwazvo tichawana nzira dzokukudza nadzo mubato wedu ndokugoverana “zvinhu zvakanaka” navamwe zvinobva mudura redu repfuma.—Mat. 12:35; Ruka 6:45.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe