Uri Kutama Here?
Apo mhinduro yemubvunzo uyu iri hungu, kune zvinhu zvakawanda izvo iwe nevamwe munoda kutanga kuita. Nokutevedzera nhanho dzinokosha dzakarongwa pasi apa, uchakurumidza kugadzikana muungano yako itsva.
(1) Wangoziva chete kwauri kutamira, munyori weungano yako yaiye zvino angakwanisa kuwana kero yeHoro yoUmambo yeungano yako itsva. Paunosvika munzvimbo yacho, kurumidza kutsvaka kune horo ndokubvunza nguva yemisangano yeungano. Kana Horo yoUmambo yacho ichishandiswa neungano dzinopfuura imwe, kumbira vakuru kuti vakuudze kuti indima yeungano ipi yauri kugara. Usanonoka kupinda misangano uye kuzivana nevakuru vemuungano iyoyo.
(2) Vanyori veungano dzose dziri mbiri yauri iye zvino neitsva vachashandira pamwe pakutumirwa kweChinyorwa cheBasa choMuparidzi weUngano chako nechemhuri yako. Tsamba yokuzivisa ichatumirwawo kuvakuru veungano yako itsva. (Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 1991.) Dare reBasa reUngano ikoko rinofanira kurayira muitisi wefundo yebhuku akakodzera nezvekusvika kwako kuitira kuti agokuona ndokukubetsera kuwana boka refundo yebhuku yako itsva.—VaR. 15:7.
(3) Vaparidzi vose vari muungano yako itsva vane zvavanogona kuita zvinofadza—vanofanira kuzivana newe uye kukuita kuti unzwe uchigamuchirwa. (Enzanisa na3 Johane 8.) Chokwadi, izvi zvinoreva kuti unofanira kuvapo pamisangano kuitira kuti ugokurudzirana uye kuvakana nehama nehanzvadzi.
(4) Iwe haufaniri kumirira kusvikira basa rose rinobatanidzwa mukutama rapera usati watanga kuita ushumiri hwomumunda muungano yako itsva. Sezvaunoisa zvinhu zvine chokuita noumambo pakutanga, dzimwe nhau dzichatarisirwa, uye uchanzwa zvakanaka zvikuru munzvimbo yako itsva. (Mat. 6:33) Paunenge wagadzikana mumusha wako mutsva, zvimwe uchada kukoka vamwe vari muungano kuti vakushanyire ndokuzivana zviri nani.—VaR. 12:13b.
Kutama ibasa guru. Zvisinei, apo munhu wose anobatanidzwa anoita zvaanofanira kuita, hapazovi nemhinganidzo dzomudzimu. Vose vachafara zvikuru neukama hwehama dzedu dzinodiwa dzechiKristu.